ShonaTeam 2 Chronicles « 33 »

Manase mambo waJudha

33Manase waiva nemakore gumi nemaviri paakava mambo, uye wakatonga makore makumi mashanu nemashanu paJerusarema.

2 Asi wakaita zvakaipa pameso paJehovha, sezvinyangadzo zvevahedheni Jehovha vaaiva adzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri.

3 Nokuti wakavakazve nzvimbo dzakakwirira baba vake Hezekia dzavaiva vaputsa, uye wakamisira vana Bhaari dziaritari, ndokuita matanda ekunamata nawo, ndokukotamira hondo yose yekumatenga, ndokuishumira.

4 Zvino wakavaka dziaritari muimba yaJehovha, Jehovha yaaiva ati: PaJerusarema zita rangu richavapo rinhi narinhi.

5 Akavakirawo hondo yose yekumatenga dziaritari muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.

6 Iye wakapfuudzawo vana vake nemumoto mumupata wemwanakomana waHinomi, ndokududzira mashura, nekuita mazango, akaita uroyi, uye wakashanda nemasvikiro nevauki; wakaita zvakaipa zvizhinji pameso paJehovha, kumutsamwisa.

7 Zvino wakaisa muimba yaMwari mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chaaiva aita, imo Mwari maakati kuna Dhavhidhi nekuna Soromoni mwanakomana wake: Muimba ino uye muJerusarema randakasarudza kumarudzi ose aIsraeri, ndinoisa zita rangu kusvika rinhi narinhi.

8 Uye handichabvisizve tsoka yaIsraeri ibude panyika yandakamisira madzibaba enyu; koga kana vachenjerere kuita zvose zvandakavaraira, zvichienderana nemurairo wose nezvimiso nemitemo neruoko rwaMozisi.

9 Naizvozvo Manase wakatsausa Judha nevagari veJerusarema, kuita zvakaipa kupfuura vemarudzi Jehovha vaakaparadza pamberi pevana vaIsraeri.

10 Zvino Jehovha wakataura kuna Manase nekuvanhu vake; asi havana kuteerera.

11 Naizvozvo Jehovha wakauisa pamusoro pavo vakuru vehondo ivo vaiva vamambo weAsiriya, ivo vakabata Manase paminzwa, ndokumusunga nemaketani, vakamutakurira kuBhabhironi.

12 Zvino paaiva pakumanikidzwa, wakanyengeterera chiso chaJehovha Mwari wake, ndokuzvininipisa zvikuru pamberi paMwari wemadzibaba ake.

13 Ndokunyengetera kwaari; iye ndokunyengetedzeka naye, ndokunzwa chikumbiro chake, ndokumudzosa kuJerusarema paushe hwake. Naizvozvo Manase wakaziva kuti Jehovha ndiMwari.

14 Zvino shure kweizvi wakavaka rusvingo kunze kweguta raDhavhidhi, kumavirazuva kweGihoni, mumupata, kusvikawo panopinda pasuwo rehove; ndokukomberedza Oferi, ndokurwukwiridzira kwazvo; ndokuisa vatungamiriri vehondo mumaguta ose akashoshewa kwaJudha.

15 Wakabvisawo vamwari vemarudzi nechifananidzo kubva muimba yaJehovha, nearitari dzose dzaaiva avaka mugomo reimba yaJehovha nemuJerusarema, ndokurasira kunze kweguta.

16 Zvino wakavaka aritari yaJehovha, ndokubairapo zvibairo zvekuyananisa nezvipo zvekuvonga, ndokuraira Judha kushumira Jehovha Mwari waIsraeri.

17 Kunyange zvakadaro vanhu vairamba vachibaira panzvimbo dzakakwirira, koga kuna Jehovha Mwari wavo.

18 Zvino dzimwe dzenyaya dzaManase, nemunyengetero wake kuna Mwari wake, nemashoko evaoni vakataura kwaari muzita raJehovha Mwari waIsraeri, tarirai, ari munyaya dzemadzimambo aIsraeri.

19 Munyengetero wakewo, nekunyengetedza kwake, nechivi chake chose, nekudarika kwake, nemunzvimbo maakavaka nzvimbo dzakakwirira, nekumisa matanda ekunamata nawo, nemifananidzo, asati azvininipisa, tarirai zvakanyorwa pamashoko evaoni.

20 Zvino Manase wakarara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga muimba yake. Amoni mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

Amoni mambo waJudha

21 Amoni waiva nemakore makumi maviri nemaviri paakava mambo, ndokutonga makore maviri paJerusarema.

22 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha, sezvakaita Manase baba vake; nokuti Amoni wakabaira mifananidzo yose yakavezwa Manase baba vake yavaiva vaita, ndokuishumira.

23 Zvino haana kuzvininipisa pamberi paJehovha, Manase baba vake sezvavakazvininipisa; asi Amoni uyu wakawedzera kudarika.

24 Zvino varanda vake vakarangana ndokumuuraya muimba yake.

25 Asi vanhu venyika vakarova avo vose vaiva varangana mambo Amoni; vanhu venyika ndokuita Josiya mwanakomana wake mambo pachinzvimbo chake.