ShonaTeam 2 Chronicles « 32 »

Seni-Akeribhi mambo weAsiriya anokomba Jerusarema, asi vaJudha vanorwirwa naJehovha

32Shure kwezvinhu izvi nekutendeka uku, Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakasvika ndokupinda kwaJudha, ndokudzika musasa kurwisa maguta akashoshewa, ndokufunga kuzvipazira iwo.

2 Hezekia paakaona kuti Seni-Akeribhi wasvika, uye chiso chake chaiva pahondo kurwisa Jerusarema,

3 wakarangana nemachinda ake nevane simba vake kudzivira mvura yezvitubu zvaiva kunze kweguta; ivo ndokumubatsira.

4 Naizvozvo kwakaungana vanhu vazhinji, avo vakadzivira zvitubu zvose nerukova irwo rwaiyerera nepakati penyika, vachiti: Madzimambo eAsiriya achasvikirei akawana mvura zhinji?

5 Zvino wakazvisimbisa, ndokuvaka rusvingo rwose rwaiva rwaputsika, ndokurwukwidza kusvika pashongwe, nerwumwe rusvingo kunze, ndokusimbisa Miro paguta raDhavhidhi, ndokuita zvombo nenhovo zhinji.

6 Zvino wakaisira vanhu vatungamiriri vehondo, ndokuvaunganidza kwaari panhandare yesuwo reguta, ndokutaura kumoyo yavo achiti:

7 Simbai mutsunge, musatya kana kuodzwa moyo pachiso chamambo weAsiriya, kana pachiso chechaunga chose chaanacho, nokuti anesu anopfuura waanaye.

8 Anaye chanza chenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu kutibatsira nekurwa hondo dzedu. Vanhu ndokuzembera pamusoro pemashoko aHezekia mambo waJudha.

9 Shure kweizvi Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakatuma varanda vake kuJerusarema (asi iye waiva pamberi peRakishi nesimba rake rose rinaye) kuna Hezekia mambo waJudha nekuna Judha wose waiva paJerusarema achiti:

10 Ndizvo zvinoreva Seni-Akeribhi mambo weAsiriya: Unovimba nei kuti ugare mukukombwa muJerusarema?

11 Hezekia haakukwezvii kuti muzvipire kufa nenzara uye nenyota here achiti: Jehovha Mwari wedu achatinunura kubva paruoko rwamambo weAsiriya?

12 Haasi iye Hezekia wakabvisa nzvimbo dzake dzakakwirira nearitari dzake, ndokuraira Judha neJerusarema achiti: Muchashumira pamberi pearitari imwe, mugopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pairi here?

13 Hamuzivi here ini nemadzibaba angu zvatakaitira vanhu vose venyika ino? Vamwari vendudzi dzenyika idzo vaigona kugona kununura nyika dzavo kubva paruoko rwangu here?

14 Ndiani pakati pavamwari vose vendudzi idzo madzibaba angu dzavakaparadza wakagona kununura vanhu vake kubva paruoko rwangu, kuti Mwari wenyu agone kukununurai kubva paruoko rwangu?

15 Zvino naizvozvo Hezekia ngaarege kukunyengerai, kana kukukwezvai nemutoo uyu; uye musamutenda, nokuti hakuna mwari werudzi rwupi nerwupi kana ushe wakagona kununura vanhu vake kubva paruoko rwangu nekubva paruoko rwemadzibaba angu. Naiye zvirokwazvo Mwari wenyu haangakununurii kubva paruoko rwangu here?

16 Zvino varanda vake vakataurazve kupikisa Jehovha Mwari, uye kupikisa muranda wake Hezekia.

17 Wakanyorawo tsamba dzekutuka Jehovha Mwari waIsraeri, nekutaura dzichimupikisa dzichiti: Sevamwari vendudzi dzenyika idzo vasina kununura vanhu vavo kubva paruoko rwangu, saizvozvo Mwari waHezekia haanganunuri vanhu vake kubva paruoko rwangu.

18 Zvino vakadanidzira nenzwi guru nechiJudha kuvanhu veJerusarema vaiva pamusoro perusvingo, kuvatyisa, nekuvanetsa, kuti vatape guta.

19 Zvino vakataura zvaMwari weJerusarema sezvana vamwari vevanhu venyika, basa remaoko emunhu.

20 Asi Hezekia mambo nemuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakanyengetera nekuda kweichi, ndokuchemera kumatenga.

21 Zvino Jehovha wakatuma mutumwa uyo wakadzima vane simba veumhare vose nevatungamiriri nemisoro pamusasa wamambo weAsiriya. Naizvozvo wakadzoka panyika yake ane chiso chine nyadzi. Zvino apinde muimba yamwari wake, uye avo vakabuda muura hwake vakamuita kuti awe ipapo nemunondo.

22 Saizvozvo Jehovha wakaponesa Hezekia nevagari veJerusarema kubva paruoko rwaSeni-Akeribhi mambo weAsiriya uye kubva paruoko rwevose, ndokuvatungamirira kumativi ose.

23 Zvino vazhinji vakauya nezvipo kuna Jehovha paJerusarema, nezvinhu zvakakosha kuna Hezekia mambo waJudha; iye ndokusimudzirwa pamberi pemeso emarudzi ose shure kweizvi.

Kurwara kwaHezekia nekufa kwake

24 Pamazuva iwawo Hezekia wakarwarira kufa; iye ndokunyengetera kuna Jehovha, iye ndokutaura naye, ndokumupa chiratidzo.

25 Asi Hezekia haana kudzorera sezvinoenderana nemibairo yaaiva aitirwa, nokuti moyo wake waiva pamusoro. Naizvozvo pakava nehasha pamusoro pake, nepamusoro paJudha neJerusarema.

26 Asi Hezekia wakazozvininipisa pamusoro pekuzvikudza kwemoyo wake, iye nevagari veJerusarema, zvekuti hasha dzaJehovha hadzina kuuya pamusoro pavo pamazuva aHezekia.

27 Hezekia waiva nefuma nerukudzo zvizhinji; zvino wakazviitira matura esirivha negoridhe neezvibwe zvinokosha neezvinonhuhwira neenhovo neezvinhu zvose zvinoshuvika,

28 nematura ezvibereko zvezviyo newaini itsva nemafuta, nematanga ezvipfuwo zvemarudzi ose, nezvidyiro zvemapoka.

29 Uye wakazviitira maguta, nefuma yemakwai nemombe zhinji; nokuti Mwari waiva amupa fuma zhinji kwazvo.

30 Uye ndiye Hezekia wakadzivira chitubu chemvura chekumusoro kweGihoni, ndokuinangisa ichiburuka kumavirira kweguta raDhavhidhi. Hezekia ndokubudirira pamabasa ake ose.

31 Asi zvaiva zvakadaro maererano nevatumwa vemisoro yeBhabhironi, avo vakatuma kwaari kubvunza zvechishamiso chakaitika panyika, Mwari ndokumusiya kuti amuedze kuti azive zvose zviri mumoyo make.

32 Zvino dzimwe dzenyaya dzaHezekia, nekunaka kwake, tarira, zvakanyorwa muchiratidzo chaIsaya muporofita mwanakomana waAmozi, mubhuku remadzimambo aJudha naIsraeri.

33 Hezekia ndokurara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga panhongonya pemakuva evanakomana vaDhavhidhi; Judha wose nevagari veJerusarema vakamuitira rukudzo pakufa kwake. Manase mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.