ShonaTeam 2 Chronicles « 31 »

31Zvino pakapera izvi zvose, Israeri wose waivapo wakabudira kumaguta aJudha, ndokuguranya shongwe dziri zvifananidzo, nekutema matanda ekunamata nawo, ndokuputsa nzvimbo dzakakwirira nedziaritari kubva kwaJudha wose naBhenjamini, nekwaEfuremu naManase, kusvika vazviparadza chose. Vana vaIsraeri vose ndokudzokera, umwe neumwe kufuma yake, kumaguta avo.

2 Hezekia ndokugadza mapoka evapristi nevaRevhi zvichienderana nemapoka avo, munhu umwe neumwe zvichienderana nebasa rake, vapristi nevaRevhi, pachipo chinopiswa nepazvipo zvekuyananisa, kushumira nekuvonga nekurumbidza pamasuwo emisasa yaJehovha.

3 Nemugove wamambo, kubva pafuma yake wezvipo zvinopiswa, wezvipo zvinopiswa nezvemangwanani nezvemadekwani, nezvipo zvinopiswa zvemasabata, nezvekugara kwemwedzi, nezvemitambo yakatarwa, sezvakanyorwa pamurairo waJehovha.

4 Wakatiwo kuvanhu, kuvagari veJerusarema, vape mugove wevapristi nevaRevhi, kuti vasimbiswe pamurairo waJehovha.

5 Zvino pakupararira kweshoko vana vaIsraeri vakawedzera pazvibereko zvekutanga zvezviyo, waini itsva, nemafuta, neuchi, nepamichero yose yemunda; uye chegumi chezvose vakauisa zviri zvizhinji.

6 Nevana vaIsraeri naJudha vaigara pamaguta aJudha, ivo vakauyawo nezvegumi zvenzombe nemakwai, nezvegumi zvezvinhu zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakaisa mirwi mirwi.

7 Mumwedzi wetatu vakatanga kudzika nheyo dzemirwi, uye mumwedzi wechinomwe vakapedza.

8 Hezekia nemachinda pavakasvika vakaona mirwi, vakarumbidza Jehovha nevanhu vake Israeri.

9 Zvino Hezekia wakabvunza kuvapristi nevaRevhi pamusoro pemirwi.

10 Zvino Azariya mupristi mukuru weimba yaZadhoki wakataura naye ndokuti: Kubva pakutanga kwekuuiswa kwezvipo muimba yaJehovha, kwakava nekudya nekuguta nezvekusiya zvakawanda; nokuti Jehovha wakaropafadza vanhu vake kusvika kwasara izvi zvakawanda.

11 Zvino Hezekia wakaraira kugadzira makamuri muimba yaJehovha; ivo ndokugadzira.

12 Zvino vakapinza zvipo nezvegumi nezvinhu zvakatsveneswa nekutendeka; uye pamusoro pazvo paiva nemutungamiriri Konaniya muRevhi, uye Shimei munin'ina wake waiva wechipiri.

13 NaJehieri, naAzaziya, naNahati, naAsaheri, naJerimoti, naJozabhadhi, naErieri, naIsimakiya, naMahati, naBhenaya, vaiva vatariri pasi peruoko rwaKonaniya naShimei munin'ina wake, pakugadza kwamambo Hezekia naAzariya mutongi weimba yaMwari.

14 Zvino Kore mwanakomana waJimina muRevhi, muchengeti wesuwo nechekumabvazuva, waiva pamusoro pezvipo zvekuzvidira zvaMwari, kupa zvipo zvaJehovha nezvinhu zvitsvene-tsvene.

15 Uye necheparuoko rwake paiva naEdheni, naMiniyamini, naJeshuwa, naShemaya, Amariya, naShekaniya, mumaguta evapristi nekutendeka, kupa kuhama dzavo pamapoka avo, sekuvakuru, zvakadaro kuvadiki;

16 kunze kwevakanyorwa nemarudzi evanhurume, kubva pamakore matatu zvichikwira, kusvika kune umwe neumwe anopinda muimba yaJehovha, pabasa rezuva nezuva raro, pashumiro dzavo, pafaniro dzavo, zvichienderana nemapoka avo.

17 Nevakanyorwa nemarudzi pavapristi neimba yemadzibaba avo, nevaRevhi, kubva pane ane makore makumi maviri zvichikwira, pafaniro dzavo, nemapoka avo.

18 Nepane vakaverengwa nemarudzi, nevanana vavo vose, vakadzi vavo, nevanakomana vavo, nevanasikana vavo, paungano yose, nokuti pakutendeka kwavo vakazviita vatsvene neutsvene.

19 Nepavanakomana vaAroni vapristi, paminda yemafuro emaguta avo, paguta rimwe nerimwe neguta, varume vakarehwa nemazita, kupa migove kuvanhurume vose pakati pevapristi, nekune vose vakaverengwa nemarudzi pakati pevaRevhi.

20 Hezekia ndokuita saizvozvo kuna Judha wose, ndokuita zvakanaka nezvakarurama nechokwadi pamberi paJehovha Mwari wake.

21 Nepabasa rimwe nerimwe raaiva atanga pashumiro yeimba yaMwari, nepamutemo nepamurairo, kutsvaka Mwari wake, wakaita nemoyo wake wose, ndokubudirira.