ShonaTeam 2 Chronicles « 29 »

Hezekia mambo waJudha anonatsa tembere

29Hezekia wakava mambo ane makore makumi maviri nemashanu; ndokutonga makore makumi maviri nemapfumbamwe paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Abhija mukunda waZekariya.

2 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha zvichienderana nezvose zvakaita Dhavhidhi baba vake.

3 Iye pagore rekutanga rekutonga kwake, mumwedzi wekutanga, wakazarura mikova yeimba yaJehovha, ndokuigadzirisa.

4 Ndokupinza vapristi nevaRevhi, ndokuvaunganidza panhandare yekumabvazuva.

5 Ndokuti kwavari: Ndinzwei imwi vaRevhi; zviitei vatsvene ikozvino, muitewo imba yaJehovha Mwari wemadzibaba enyu tsvene; mugobudisa tsvina kubva munzvimbo tsvene.

6 Nokuti madzibaba edu akadarika ndokuita chakaipa pameso paJehovha Mwari wedu, ndokumusiya, ndokutendeudza zviso zvavo kubva kuugaro hwaJehovha, ndokufuratira.

7 Vakapfigawo mikova yeberere, nekudzima mwenje, uye havana kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, uye havana kupa zvipo zvinopiswa, panzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri.

8 Naizvozvo hasha dzaJehovha dzakava pamusoro paJudha neJerusarema. Zvino wakavapa kudambudziko, kuchikatyamadzo, nekukuridza muridzo, sezvamunoona nemeso enyu.

9 Nokuti tarirai, madzibaba edu akawa nemunondo; uye vanakomana vedu nevanasikana vedu nevakadzi vedu vari muutapwa nekuda kweizvi.

10 Zvino zviri mumoyo wangu kuita sungano naJehovha Mwari waIsraeri, kuti kupfuta kwehasha dzake kudzokere kubva kwatiri.

11 Vanakomana vangu, ikozvino musava vasina hanya, nokuti Jehovha wakakusarudzai kuti mumire pamberi pake kumushumira nekuva varanda vake uye vapisi vezvipfungaidzo zvinonhuhwira.

12 Zvino vaRevhi vakasimuka, Mahati mwanakomana waAmasai, naJoweri mwanakomana waAzariya pavanakomana vevaKohati; nepavanakomana vaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi, naAzariya mwanakomana waJeharereri; nepavaGerishoni, Joa mwanakomana waZima, naEdheni mwanakomana waJoa;

13 nepavanakomana vaErizafani, Shimiri naJeieri; nepavanakomana vaAsafi, Zekariya naMataniya;

14 nepavanakomana vaHemani, Jehieri naShimei; nepavanakomana vaJedhutuni, Shemaya naUziyeri.

15 Zvino vakaunganidza hama dzavo, ndokuzviita vatsvene, ndokuuya zvichienderana nemurairo wamambo nemashoko aJehovha, kuti vanatse imba yaJehovha.

16 Vapristi vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, ndokubudisira utsvina hwose hwavakawana mutembere yaJehovha kuchivanze cheimba yaJehovha. VaRevhi ndokutora kubudisira kunze kurukova Kidhironi.

17 Zvino vakatanga kuiita tsvene nezuva rekutanga remwedzi wekutanga. Zvino nezuva resere remwedzi vakasvika paberere raJehovha; ndokuita tsvene imba yaJehovha mumazuva masere. Uye vakapedza nezuva regumi netanhatu remwedzi wekutanga.

18 Zvino vakapinda mukati kuna Hezekia mambo ndokuti: Tanatsa imba yose yaJehovha, aritari yezvipo zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, netafura yezvingwa zvekuratidza, nemidziyo yayo yose.

19 Uye midziyo yose mambo Ahazi yaakarasa pakutonga kwake, pachitadzo chake, tagadzira uye taitsvenesa; zvino tarirai, iri pamberi pearitari yaJehovha.

20 Zvino mambo Hezekia wakamuka mangwanani, ndokuunganidza machinda eguta, ndokukwira kuimba yaJehovha.

21 Zvino vakauisa nzombe diki nomwe, nemakondohwe manomwe, nemakwayana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, kuva chipo chechivi cheushe necheimba tsvene nechaJudha. Zvino wakaraira vapristi vanakomana vaAroni kuzvipa pamusoro pearitari yaJehovha.

22 Zvino vakauraya nzombe, vapristi ndokugamuchira ropa, ndokusasa paaritari; ndokuuraya makondohwe, vakasasa ropa paaritari; vakaurayawo makwayana, vakasasa ropa paaritari.

23 Vakaswededzawo nhongo dzembudzi dzechipo chechivi pamberi pamambo neungano, ivo ndokuisa maoko avo pamusoro padzo.

24 Vapristi ndokudziuraya, ndokuchenesa neropa radzo pamusoro pearitari kuitira Israeri wose chiyananiso, nokuti mambo wakaraira: Chipo chinopiswa nechipo chezvivi zvinoitirwa Israeri wose.

25 Zvino wakaisa vaRevhi muimba yaJehovha vane makandira, nemitengeranwa, uye nembira, zvichienderana nemurairo waDhavhidhi, newaGadhi muoni wamambo, newaNatani muporofita; nokuti neruoko rwaJehovha murairo waivapo neruoko rwevaporofita vake.

26 VaRevhi ndokumira nemidziyo yekuridza yaDhavhidhi, nevapristi vane hwamanda.

27 Zvino Hezekia wakaraira kupa chipo chinopiswa pamusoro pearitari. Zvino panguva yakatanga chipo chinopiswa, rwiyo rwaJehovha rwakatanga, pamwe nehwamanda uye pamwe nemidziyo yekuridza yaDhavhidhi mambo waIsraeri.

28 Ungano yose ndokukotama, uye vaimbi vachiimba, nevaridzi vehwamanda vachiridza; zvose izvi zvakaitika kusvika chipo chinopiswa chapera.

29 Zvino pakuguma kwekupa, mambo nevose vaivapo pamwe naye vakakotama, ndokunamata.

30 Zvino Hezekia mambo nemachinda vakaraira vaRevhi kurumbidza Jehovha nemashoko aDhavhidhi neaAsafi muoni. Ndokuimba rumbidzo kusvika pamufaro, ndokukotama ndokunamata.

31 Hezekia ndokupindura ndokuti: Zvino mazvitsaurira Jehovha; swederai muuye nezvibairo nezvipo zvekuvonga muimba yaJehovha. Ungano ndokuuya nezvibairo nezvipo zvekuvonga; uye vose vaiva vemoyo wakasununguka vakauya nezvipo zvinopiswa.

32 Zvino uwandu hwezvipo zvinopiswa ungano zvayakauisa hwaiva nzombe makumi manomwe, makondohwe zana, makwayana mazana maviri; izvi zvose chaiva chipo chinopiswa kuna Jehovha.

33 Uye zvinhu zvakaitwa zvitsvene zvaiva nzombe mazana matanhatu nemakwai zvuru zvitatu.

34 Asi vapristi vaiva vashoma kwazvo zvekuti vaiva vasingagoni kuvhiya zvipo zvinopiswa zvose; asi vaRevhi hama dzavo vakavabatsira kusvika basa rapera, uye kusvika vapristi vazvitsvenesa; nokuti vaRevhi vaiva nekururama kwemoyo pakuzvinatsa kupfuura vapristi.

35 Zvino zvipo zvinopiswa zvaiva zvakawandawo, nemafuta ezvipo zvekuyananisa, uye nezvipo zvinodururwa zvechipo chimwe nechimwe chinopiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa.

36 Ipapo Hezekia akafara, nevanhu vose, neizvo Mwari zvaaiva agadzirira vanhu; nokuti chinhu ichi chakaitwa nekuchimbidzika.