ShonaTeam 2 Chronicles « 28 »

Ahazi mambo waJudha

28Ahazi waiva nemakore makumi maviri paakava mambo, ndokutonga makore gumi nematanhatu paJerusarema; asi haana kuita zvakarurama pameso paJehovha, saDhavhidhi baba vake;

2 nokuti wakafamba munzira dzemadzimambo aIsraeri, ndokuitirawo vana Bhaari zvifananidzo zvakaumbwa nekunyungudusa.

3 Uye iye wakapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamupata wemwanakomana waHinomi, ndokupisa vana vake mumoto, sezvinyangadzo zvendudzi Jehovha dzaaiva adzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri.

4 Wakabairawo ndokupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira, nepazvikomo, nepasi pemuti umwe neumwe munyoro.

5 Saka Jehovha Mwari wake wakamupa muruoko rwamambo weSiriya; iye ndokumurova, ndokutapa kwaari vakatapwa vazhinji, ndokuvaisa kuDhamasiko. Uyewo wakapiwa muruoko rwamambo waIsraeri, iye ndokumurova nekurova kukuru.

6 Nokuti Peka mwanakomana waRemariya wakauraya paJudha zvuru zana nemakumi maviri pazuva rimwe; vose vari varume veumhare; nokuti vaiva vasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo.

7 Zvino Zikiri murume waiva nesimba waEfuremu wakauraya Maaseya mwanakomana wamambo, naAzirikamu mutariri weimba, naErikana wepiri kuna mambo.

8 Zvino vana vaIsraeri vakatapa pahama dzavo zvuru mazana maviri, vakadzi, vanakomana, nevanasikana, uye vakapambawo zvakapambiwa zvizhinji kwavari; ndokupinza zvakapambiwa muSamariya.

9 Asi ipapo paiva nemuporofita waJehovha wainzi Odhedhi. Zvino wakabuda pamberi pehondo yakauya kuSamariya, ndokuti kwavari: Tarirai, kubudikidza nehasha dzaJehovha Mwari wemadzibaba enyu pamusoro paJudha, wakavapa muruoko rwenyu; uye imwi makavauraya nehasha dzinonanavira kumatenga.

10 Zvino ikozvino imwi munoti munoisa pasi penyu vana vaJudha neveJerusarema, vave nhapwa nenhapwakadzi; asi imwi, hakuna mhosva here kwamuri dzinopokana naJehovha Mwari wenyu?

11 Naizvozvo zvino ndinzwei, mudzosere vatapwa vamakatapa pahama dzenyu; nokuti kupfuta kwehasha dzaJehovha kuri pamusoro penyu.

12 Zvino vamwe vemisoro yevana vaEfuremu: Azariya mwanakomana waJehohanani, Bherekia mwanakomana waMeshiremoti, naJehizikia mwanakomana waSharumi, naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakamirisana neavo vaiuya kubva kuhondo,

13 ndokuti kwavari: Hamungapinzi vatapwa pano, nokuti, kuti mhosva inobva kuna Jehovha ive pamusoro pedu, munoti tiwedzere pazvivi zvedu nepamhosva yedu; nokuti mhosva dzedu ihuru, uye kupfuta kwehasha kuri pamusoro paIsraeri.

14 Naizvozvo vakashonga zvombo vakasiya vatapwa nezvakapambiwa pamberi pemachinda neungano yose.

15 Zvino varume varehwa nemazita vakasimuka ndokubata vatapwa, ndokupfekedza vose vaiva vakashama vavo nezvakabva pane zvakapambiwa, hongu vakavapfekedza, ndokuvaisa manyatera, ndokuvadyisa nekuvanwisa, ndokuvazodza, ndokutakura vose vaiva vasina simba pamusoro pembongoro, ndokuvaunza paJeriko guta remichindwe pedo nehama dzavo; ivo ndokudzokera kuSamariya.

16 Panguva iyoyo mambo Ahazi wakatuma kumadzimambo eAsiriya kuti amubatsire.

17 Nokuti vaEdhomu vaiva vauyazve, ndokurova Judha ndokutapa vatapwa.

18 VaFirisitiawo vaiva vavamba maguta emupata, nechamhembe kwaJudha, uye vatapa Bheti-Shemeshi, neAjaroni, neGedheroti, neSoko nemisha yawo, neTimina nemisha yaro, neGimizo nemisha yaro; ndokugaramo.

19 Nokuti Jehovha wakaninipisa Judha nekuda kwaAhazi mambo waIsraeri; nokuti waiva aitisa Judha zvisina maturo, ndokutadza zvikuru kuna Jehovha.

20 Zvino Tirigati-Pirineseri mambo weAsiriya wakauya kwaari, ndokumutambudza, asi haana kumusimbisa.

21 Nokuti Ahazi wakatora mugove weimba yaJehovha neweimba yamambo newemachinda, ndokupa kuna mambo weAsiriya; zvakadaro haana kumubatsira.

22 Zvino panguva yekutambudzika kwake wakawedzera kutadzira Jehovha; uyu mambo Ahazi.

23 Nokuti wakabaira kuna vamwari veDhamasiko vaiva vamurova, ndokuti: Nokuti vamwari vemadzimambo eAsiriya vanovabatsira, ndichavabairawo, kuti vandibatsirewo. Asi ivo vakava kuparadzwa kwake nekwaIsraeri wose.

24 Zvino Ahazi wakaunganidza midziyo yeimba yaMwari ndokuputsanya midziyo yeimba yaMwari, ndokupfiga mikova yeimba yaJehovha; akazviitira aritari pakona imwe neimwe muJerusarema.

25 Nemuguta rimwe nerimwe neguta rekwaJudha wakaita nzvimbo dzakakwirira kupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira kune vamwe vamwari, ndokutsamwisa Jehovha Mwari wemadzibaba ake.

26 Zvino dzimwe dzenyaya dzake, nenzira dzake dzose, dzekutanga nedzekupedzisira, tarira dzakanyorwa mubhuku remadzimambo aJudha naIsraeri.

27 Ahazi ndokurara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga muguta muJerusarema; asi havana kumuunza kumakuva emadzimambo aIsraeri. Hezekia mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.