ShonaTeam 2 Chronicles « 27 »

Jotamu mambo waJudha

27Jotamu waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore gumi nematanhatu paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Jerusha mukunda waZadhoki.

2 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, zvichienderana nezvose baba vake Uziya zvavakaita; koga haana kupinda mutembere yaJehovha. Uye vanhu vairamba vachiita zvakaora.

3 Iye wakavaka suwo rekumusoro reimba yaJehovha, nepachidziro cheshongwe wakavaka zvizhinji.

4 Wakavakawo maguta pamakomo aJudha, uye mumasango wakavaka dzinhare nedzishongwe.

5 Iye wakarwawo namambo wevana vaAmoni ndokuvakunda. Vana vaAmoni ndokumupa mugore iroro matarenda* esirivha zana, nemakori* egorosi zvuru gumi, neebhari zvuru gumi. Vana vaAmoni vakadzosa izvi kwaari mugorewo rechipiri nerechitatu.

6 Naizvozvo Jotamu wakazvisimbisa, nokuti wakagadzira nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake.

7 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJotamu, nehondo dzake dzose, nenzira dzake, tarira, dzakanyorwa mubhuku remadzimambo aIsraeri naJudha.

8 Waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore gumi nematanhatu paJerusarema.

9 Zvino Jotamu wakarara nemadzibaba ake; ivo ndokumuviga muguta raDhavhidhi. Ahazi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.