ShonaTeam 2 Chronicles « 26 »

Uziya mambo waJudha

26Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Uziya waiva nemakore gumi nematanhatu, ndokumuita mambo pachinzvimbo chababa vake Amaziya.

2 Iye wakavaka Eroti, ndokuridzosera kuna Judha, shure kwekurara kwamambo nemadzibaba ake.

3 Uziya waiva nemakore gumi nematanhatu paakava mambo, ndokutonga makore makumi mashanu nemaviri paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Jekoria weJerusarema.

4 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, zvichienderana nezvose Amaziya baba vake zvavakaita.

5 Zvino waitsvaka Mwari mumazuva aZekariya, wainzwisisa pazviratidzo zvaMwari; zvino pamazuva ekutsvaka kwake Jehovha, Mwari wakamubudiririsa.

6 Zvino wakabuda ndokurwa nevaFirisitia, ndokuputsa rusvingo rweGati, nerusvingo rweJabhine, nerusvingo rweAshidhodhi; ndokuvaka maguta paAshidhodhi nepakati pevaFirisitia.

7 Zvino Mwari wakamubatsira kurwisa vaFirisitia uye kurwisa VaArabhiya vaigara muGuri-Bhaari, nevaMeunimi.

8 Zvino vaAmoni vakapa zvipo kuna Uziya; zita rake ndokufamba kusvika panopindwa napo muEgipita; nokuti wakazvisimbisa kwazvo.

9 Uziya wakavakawo shongwe paJerusarema pasuwo rekona, nepasuwo remupata, nepakudzoka, ndokudzisimbisa.

10 Wakavakawo shongwe murenje, ndokuchera matsime mazhinji, nokuti waiva nemombe zhinji, zvose pamipata nepamapani, varimi, nevasimi vemazambiringa, pamakomo nepaKarimeri, nokuti waida ivhu.

11 Uye Uziya waiva nehondo yevanorwa vaibudira hondo nemapoka, zvichienderana neuwandu hwekuverengwa kwavo neruoko rwaJeieri munyori, naMaaseya mutongi, pasi peruoko rwaHananiya wevakuru vamambo.

12 Uwandu hwose hwemisoro yemadzibaba evane simba veumhare hwaiva zvuru zviviri nemazana matanhatu.

13 Zvino pasi peruoko rwavo paiva nesimba rehondo, zvuru mazana matatu nezvinomwe nemazana mashanu, vaiita hondo nesimba guru, kupa rubatsiro kuna mambo kurwisa muvengi.

14 Zvino Uziya wakavagadzirira, hondo yose, nhovo, nemapfumo, nenguwani, nenguvo dzeutare, neuta, nemabwe ezvifuramabwe.

15 Zvino wakaita muJerusarema michina, chivambwa chevakangwara, kuva pamusoro peshongwe nepamusoro pemakona, kufura miseve nemabwe makuru. Zvino zita rake rakabuda kusvika kure nokuti waibatsirwa zvinoshamisa kusvika asimba.

16 Asi paaiva asimba, moyo wake wakazvitutumadzira kuparadzwa, nokuti wakatadzira Jehovha Mwari wake; ndokupinda mutembere yaJehovha kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.

17 Zvino Azariya mupristi wakapinda shure kwake uye ane vapristi vaJehovha makumi masere, varume veumhare.

18 Zvino vakamirisana naUziya mambo, ndokuti kwaari: Hazvisi zvako Uziya kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira kuna Jehovha, asi zvevapristi vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuhwira; buda panzvimbo tsvene, nokuti wadarika; uye hazvisi zverukudzo rwako kubva kuna Jehovha Mwari.

19 Zvino Uziya wakatsamwa; zvino maiva nembiya muruoko rwake kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira; zvino paaiva achakatsamwira vapristi, maperembudzi akasimuka pahuma yake pamberi pevapristi muimba yaJehovha, kubva paaritari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.

20 Zvino Azariya mupristi mukuru nevapristi vose vakatarisa kwaari, zvino tarira, wakava nemaperembudzi pahuma yake, uye vakachimbidzika kumubudisapo; kunyange naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha waiva amurova.

21 Zvino Uziya mambo waiva nemaperembudzi kusvika pazuva rekufa kwake, ndokugara muimba yakasununguka ane maperembudzi, nokuti wakagurwa kubva muimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake ndokuva pamusoro peimba yamambo, achitonga vanhu venyika.

22 Zvino dzimwe dzenyaya dzaUziya, dzekutanga nedzekupedzisira, Isaya muporofita mwanakomana waAmozi wakadzinyora.

23 Uziya ndokurara nemadzibaba ake; ivo ndokumuviga kumadzibaba ake mumunda weguva waiva wemadzimambo; nokuti vakati: Une maperembudzi. Jotamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.