ShonaTeam 2 Chronicles « 25 »

Amaziya mambo waJudha

25Amaziya waiva nemakore makumi maviri nemashanu akava mambo, ndokutonga makore makumi maviri nemapfumbamwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Jehoadhani weJerusarema.

2 Zvino iye wakaita zvakarurama pameso paJehovha, asi kwete nemoyo wakaperera.

3 Zvino zvakaitika umambo hwasimbiswa kwaari, kuti wakauraya varanda vake vaiva vauraya mambo baba vake.

4 Asi haana kuuraya vana vavo, asi wakaita sezvakanyorwa pamurairo pabhuku raMozisi Jehovha waakaraira achiti: Madzibaba haangafiri vana, nevana havangafiri madzibaba; asi umwe neumwe achafira chivi chake.

5 Amaziya wakaunganidzawo Judha, ndokuvagadza zvichienderana neimba yemadzibaba kuva vatariri vezvuru nevatariri vemazana, kuna Judha wose naBhenjamini; ndokuvaverenga kubva pamakore makumi maviri zvichikwira, ndokuvawana vari zvuru mazana matatu vakasarudzwa, vanobudira hondo, vanobata pfumo nenhovo.

6 Wakahayawo kubva kwaIsraeri varume vane simba veumhare zvuru zana nematarenda* zana esirivha.

7 Asi kwakasvika munhu waMwari kwaari achiti: Haiwa mambo, hondo yaIsraeri ngairege kuenda nemwi, nokuti Jehovha haasi pana Israeri, ivo vana vaEfuremu vose.

8 Asi kana imwi muchienda, itai, shingai pahondo; Mwari achakugumbusai mberi kwemuvengi. Nokuti kune simba kuna Mwari rekubatsira nerekugumbusa.

9 Zvino Amaziya wakati kumunhu waMwari: Zvino tichaita sei nematarenda zana andakapa hondo yakarongwa yaIsraeri? Munhu waMwari ndokuti: Jehovha ane zvakawanda pane izvi kupa kwauri.

10 Zvino Amaziya wakavatsaura, iyo hondo yakarongwa yaiva yasvika kwaari kubva kwaEfuremu, kuti vaende kunzvimbo yavo. Kutsamwa kwavo ndokupfutira kwazvo Judha, ndokudzokera kunzvimbo yavo mukupfuta kwehasha.

11 Zvino Amaziya wakazvisimbisa ndokutungamirira vanhu vake ndokuenda kumupata wemunyu, ndokurova vana veSeiri, zvuru gumi.

12 Vana vaJudha ndokutapa zvuru gumi vari vapenyu, ndokuvauisa panhongonya yeruwere, ndokuvapotsera kubva panhongonya yeruwere kusvika vavhunikanya vose.

13 Asi vana vehondo yakarongwa Amaziya vaakadzosa kuti vasaenda naye kuhondo, vakawira maguta aJudha, kubva paSamariya kusvika paBheti-Horoni, ndokurova zvuru zvitatu kwavari, ndokupamba zvakapambiwa zvizhinji.

14 Zvino zvakaitika shure kwekunge Amaziya adzoka pakurova vaEdhomu, kuti wakauya navamwari vevana veSeiri, ndokuvamisa kuva mwari wake, ndokuvafugamira nekuvapisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira.

15 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Amaziya, ndokutuma kwaari muporofita wakati kwaari: Unotsvakirei vamwari vevanhu vasina kununura vanhu vavo paruoko rwako?

16 Zvino zvakaitika paaitaura naye, kuti wakati kwaari: Takakugadza here kuti uve murairiri wamambo? Regera iwe, ucharoverwei? Muporofita ndokuregera ndokuti: Ndinoziva kuti Mwari wakatemera kukuparadza, nokuti wakaita ichi, uye hauna kuteerera kuraira kwangu.

17 Zvino Amaziya mambo waJudha wakatora zano, ndokutuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo waIsraeri achiti: Uya tionane pachiso.

18 Joashi mambo waIsraeri ndokutuma kuna Amaziya mambo waJudha achiti: Rukato rwuri paRebhanoni rwakatuma kumusidhari uri paRebhanoni, rwuchiti: Ipa mukunda wako kumwanakomana kuva mukadzi; asi chikara chesango chiri muRebhanoni chakapfuura, ndokutsika-tsika rukato.

19 Iwe unoti: Tarira warova vaEdhomu; zvino moyo wako unozvisimudzira kuti uzvikudze; ikozvino gara muimba yako. Unozvipinzireiko pane chakaipa kuti uwe, iwe naJudha pamwe newe?

20 Asi Amaziya haana kuteerera, nokuti zvaiva zvaMwari, kuti avape muruoko rwavo; nokuti vakatsvaka vamwari veEdhomu.

21 Zvino Joashi mambo waIsraeri wakakwira, ivo ndokuonana pachiso, iye naAmaziya mambo waJudha, paBheti-Shemeshi riri raJudha.

22 Zvino Judha wakarohwa pamberi paIsraeri, ivo ndokutizira umwe neumwe kutende rake.

23 Joashi mambo waIsraeri ndokutora Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBheti-Shemeshi, ndokuuya naye kuJerusarema, ndokuputsa rusvingo rweJerusarema kubva pasuwo raEfuremu kusvika pasuwo repakona, makubhiti mazana mana.

24 Ndokutora goridhe rose, nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa muimba yaMwari kuna Obhedhi-Edhomu, nezvakakosha zveimba yamambo, nevaiva chibatiso, ndokudzokera kuSamariya.

25 Zvino Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakararama makore gumi nemashanu shure kwekufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.

26 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAmaziya, dzekutanga nedzekupedzisira, tarirai, hadzina kunyorwa here mubhuku remadzimambo aJudha naIsraeri?

27 Zvino kubva panguva Amaziya yaakatsauka pakutevera Jehovha, vakamurangana chirangano paJerusarema; iye ndokutizira kuRakishi; asi vakatuma shure kwake kuRakishi, ndokumuurairapo.

28 Zvino vakamutakura pamusoro pemabhiza, ndokumuviga kumadzibaba ake muguta raJudha.