ShonaTeam 2 Chronicles « 24 »

Joashi anogadzira tembere

24Joashi waiva nemakore manomwe paakava mambo, ndokutonga makore makumi mana paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Zibhia weBheeri-Shebha.

2 Joashi ndokuita zvakarurama pameso paJehovha mazuva ose aJehoyadha mupristi.

3 Jehoyadha ndokumutorera vakadzi vaviri; iye ndokubereka vanakomana nevanasikana.

4 Zvino zvakaitika shure kweizvi, zvakava mumoyo waJoashi kuvandudza imba yaJehovha.

5 Akakokera vapristi nevaRevhi ndokuti kwavari: Budirai kumaguta aJudha, mugounganidza kubva kuna Israeri wose mari yekugadzirisa imba yaMwari wenyu gore negore. Zvino imwi kurumidzirai nyaya iyi. Asi vaRevhi havana kukurumidza.

6 Zvino mambo wakadana Jehoyadha musoro, ndokuti kwaari: Sei musina kudana kuvaRevhi kuti vauise kubva kwaJudha nepaJerusarema mutero waMozisi muranda waJehovha neweungano yaIsraeri zvetende rechipupuriro?

7 Nokuti Atariya mukadzi wakaipa, vanakomana vake vaiva vaputsa imba yaMwari; uyewo zvitsvene zvose zveimba yaJehovha vakazvishandisira vana Bhaari.

8 Mambo ndokuraira, ivo ndokuita bhokisi rimwe, ndokuriisa pasuwo reimba yaJehovha panze.

9 Zvino vakaisa inzwi kwaJudha nepaJerusarema kuti vauise kuna Jehovha mutero waMozisi muranda waMwari wakaiswa pamusoro paIsraeri murenje.

10 Zvino machinda ose nevanhu vose vakafara, vakaunza mukati ndokukanda mubhokisi kusvika vapedza.

11 Zvino zvakaitika panguva yaiuiswa bhokisi kudura ramambo neruoko rwevaRevhi, uye pavaiona kuti maiva nemari zhinji, munyori wamambo nemutariri wemupristi mukuru vaiuya ndokudurura bhokisi, ndokuritora ndokuritakurirazve kunzvimbo yaro. Vakaita saizvozvo zuva nezuva, ndokuunganidza mari zhinji.

12 Zvino mambo naJehoyadha vakaipa vabati vebasa reshumiro yeimba yaJehovha; ndokuhaya vaivaka nemabwe nevavezi kuvandudza imba yaJehovha, uyewo vapfuri vematare nendarira kusimbisa imba yaJehovha.

13 Naizvozvo vaiti vebasa vakaita kusvika kuvandudzwa kwebasa kwaenderera mberi neruoko rwavo, ndokumisa imba yaMwari nechiyero chayo, ndokuisimbisa.

14 Zvino pakupedza kwavo vakauisa mari yakasara mberi kwamambo naJehoyadha, vakaita nayo midziyo yeimba yaJehovha, midziyo yeshumiro neyekupira zvipo, nezvibatiso, nemidziyo yegoridhe nesirivha. Zvino vakapa zvipo zvinopiswa muimba yaJehovha rinhi narinhi mazuva ose aJehoyadha.

Joashi anotsauka

15 Jehoyadha ndokukwegura, uye akwana pamazuva, ndokufa; waiva nemakore zana nemakumi matatu pakufa kwake.

16 Zvino vakamuviga muguta raDhavhidhi pamwe nemadzimambo; nokuti waiva aita zvakanaka kwaIsraeri nekuna Mwari nekuimba yake.

17 Zvino shure kwekufa kwaJehoyadha machinda aJudha akauya ndokukotamira mambo. Ipapo mambo akavateerera.

18 Zvino vakasiya imba yaJehovha Mwari wemadzibaba avo, ndokushumira matanda ekunamata nawo nezvifananidzo; zvino kutsamwa kwakauya pamusoro paJudha neJerusarema pamusoro pemhosva yavo iyi.

19 Asi wakatuma vaporofita pakati pavo kuvadzosera kuna Jehovha; zvino vakavapupurira, asi havana kupa nzeve.

20 Zvino Mweya waMwari wakafukidza Zekariya mwanakomana waJehoyadha mupristi waiva amire pamusoro pevanhu, ndokuti kwavari: Ndizvo zvinoreva Mwari: Munodarikirei imwi mirairo yaJehovha kuti musabudirira? Nekuda kwekuti makasiya Jehovha, iye wakakusiyaiwo.

21 Zvino vakamurangana vakamutaka nemabwe pachivanze cheimba yaJehovha nekuraira kwamambo.

22 Nokudaro mambo Joashi haana kurangarira zvakanaka Jehoyadha baba vake zvavaiva vamuitira, asi wakauraya mwanakomana wake. Zvino pakufa kwake wakati: Jehovha ngaaone, atsive.

23 Zvino zvakaitika pakudzoka kwegore, hondo yevaSiriya yakakwira kumurwisa; ndokusvika kwaJudha neJerusarema ndokuparadza machinda ose evanhu pavanhu, ndokutumira zvakapambiwa zvavo zvose kuna mambo weDhamasiko.

24 Nokuti hondo yevaSiriya yakauya neboka diki revanhu; Jehovha ndokupa muruoko rwavo hondo huru kwazvo, nokuti vaiva vasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo. Nokudaro vakaita mutongo kuna Joashi.

25 Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya ari pachirwere chikuru), varanda vake vakamurangana nemhosva yeropa revanakomana vaJehoyadha mupristi, ndokumuuraira pamubhedha wake, zvino akafa; ivo ndokumuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga mumakuva emadzimambo.

26 Zvino ava ndivo vakamurangana: Zabhadhi mwanakomana waShimeati muAmonikadzi, naJehozabhadhi mwanakomana waShimiriti muMoabhukadzi.

27 Maererano nevanakomana vake, neukuru hwemutoro waiva pamusoro pake, nekuteyewa kweimba yaMwari, tarirai, zvakanyorwa padudziro yebhuku remadzimambo. Amaziya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.