ShonaTeam 2 Chronicles « 23 »

Atariya anourawa, Joashi ndokugadzwa paumambo

23Zvino mugore rechinomwe Jehoyadha wakazvisimbisa, ndokutora misoro yemazana pamwe naye musungano: Azariya mwanakomana waJerohamu, naIshimaeri mwanakomana waJehohanani, naAzariya mwanakomana waObhedhi, naMaaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikiri.

2 Zvino vakapoteredza kwaJudha, ndokuunganidza vaRevhi kubva pamaguta ose aJudha, nemisoro yemadzibaba aIsraeri, ndokuuya kuJerusarema.

3 Zvino ungano yose yakaita sungano namambo muimba yaMwari. Iye ndokuti kwavari: Tarirai, mwanakomana wamambo achatonga, Jehovha sezvaakareva pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi.

4 Ichi chinhu chamuchaita: Chetatu chenyu chinopinda nesabata, pavapristi nepavaRevhi, vachava vachengeti vemisuwo yekumacheto.

5 Uye chetatu chichava paimba yamambo, uye chetatu pasuwo renheyo; nevanhu vose vachava pazvivanze zveimba yaJehovha.

6 Asi ngakurege kuva neanopinda muimba yaJehovha kunze kwevapristi nevanoshumira vevaRevhi; ivo vachapinda, nokuti vatsvene; asi vanhu vose vachachengeta faniro yaJehovha.

7 Zvino vaRevhi vachakomba mambo kupoteredza, umwe neumwe ane zvombo zvake muruoko rwake; uye ani nani anopinda muimba achaurawa; asi muve namambo paanopinda nepaanobuda.

8 Naizvozvo vaRevhi naJudha wose vakaita zvinoenderana nezvose Jehoyadha mupristi zvaakaraira; ndokutora umwe neumwe varume vake, vaizopinda nesabata pamwe nevaizobuda nesabata; nokuti Jehoyadha mupristi haana kuzarurira mapoka kuenda.

9 Zvino Jehoyadha mupristi wakapa kumisoro yemazana mapfumo, nenhovo, nenhovo diki, zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvaiva muimba yaMwari.

10 Zvino wakamisa vanhu vose, uye umwe neumwe ane chombo chake muruoko rwake kubva kufudzi rerudyi reimba kusvika kufudzi reruboshwe reimba, kuaritari nekuimba, pana mambo kupoteredza.

11 Zvino vakabudisa mwanakomana wamambo, ndokumudzika korona, ndokumupa chipupuriro, ndokumuita mambo. Zvino Jehoyadha nevanakomana vake vakamuzodza ndokuti: Mambo ngaararame!

12 Atariya paakanzwa inzwi revanhu vaimhanya nekurumbidza mambo, wakauya kuvanhu muimba yaJehovha.

13 Zvino wakaona, zvino tarira, mambo amire pambiru yake panopindwa napo, nemachinda, nehwamanda kuna mambo; uye vanhu vose venyika vakafara, ndokuridza hwamanda; vaimbiwo vane midziyo yekuimbisa, nevaidzidzisa kurumbidza. Atariya ndokubvarura nguvo dzake, ndokuti: Kurongera, kurongera!

14 Zvino Jehoyadha mupristi wakabudisa misoro yemazana yaiva yakaiswa pamusoro pehondo, ndokuti kwavari: Mubudisei kubva mukati memitsara; uye anomutevera achaurawa nemunondo; nokuti mupristi wakati: Musamuuraira muimba yaJehovha.

15 Naizvozvo vakamubata nemaoko. Paakasvika panopindwa napo pesuwo remabhiza paimba yamambo, ndokumuurairapo.

16 Zvino Jehoyadha wakaita sungano pakati pake nepakati pevanhu vose, uye pakati pamambo, kuti vave vanhu vaJehovha.

17 Zvino vanhu vose vakaenda kuimba yaBhaari ndokuiputsa, ndokuputsanya aritari dzake nemifananidzo yake, ndokuuraya Matani mupristi waBhaari pamberi pedziaritari.

18 Jehoyadha wakamisawo zvinzvimbo zveimba yaJehovha neruoko rwevapristi vaRevhi, Dhavhidhi zvaaiva atsaurira imba yaJehovha kupa zvipo zvinopiswa zvaJehovha, zvichienderana nezvakanyorwa pamurairo waMozisi, nemufaro uye nekuimba, zvichienderana nekumisa kwaDhavhidhi.

19 Zvino wakaisa vachengeti pamikova yemasuwo eimba yaJehovha, kuti kusapinda asina kuchena pachinhu chipi nechipi.

20 Zvino wakatora misoro yemazana, nevakuru, nevabati vevanhu, nevanhu vose venyika, ndokuburusa mambo kubva paimba yaJehovha, ivo ndokupinda nepakati pesuwo repamusoro mumba mamambo, ndokugadza mambo pachigaro cheushe cheumambo.

21 Zvino vanhu vose venyika vakafara, guta ndokunyarara pavakauraya Atariya nemunondo.