ShonaTeam 2 Chronicles « 22 »

Ahaziya mambo waJudha

22Zvino vagari veJerusarema vakaita Ahaziya mwanakomana wake mudikisa mambo pachinzvimbo chake; nokuti hondo yakarongwa yevanhu yakauya nevaArabhiya kumusasa yaiva yauraya vekutanga vose. Naizvozvo Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo waJudha wakatonga.

2 Ahaziya waiva nemakore makumi mana nemaviri paakava mambo, ndokutonga gore rimwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Atariya, mukunda waOmiri.

3 Naiye wakafamba nenzira dzeimba yaAhabhi; nokuti mai vake vaiva murairi wake kuita zvakaipa.

4 Naizvozvo wakaita zvakaipa pameso paJehovha seimba yaAhabhi; nokuti ivo vaiva varairi vake shure kwekufa kwababa vake kukava kuparara kwake.

5 Wakafambawo mukuraira kwavo, ndokuenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsraeri kunorwisa Hazaeri mambo weSiriya paRamoti-Giriyadhi; vaSiriya ndokurova Joramu.

6 Zvino wakadzokera kunorapiwa kuJezireeri nekuda kwemavanga avaiva vamurova paRama, paakarwa naHazaeri mambo weSiriya. Zvino Azariya mwanakomana waJehoramu mambo waJudha wakaburuka kunoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti wairwara.

7 Zvino kuparadzwa kwaAhaziya kwaibva kuna Mwari, zvaakaenda kuna Joramu. Nokuti pakusvika kwake wakabuda naJehoramu kurwisa Jehu mwanakomana waNishi, Jehovha waaiva azodza kugura imba yaAhabhi.

8 Zvino zvakaitika Jehu paaiita mutongo pamusoro peimba yaAhabhi, wakawana misoro yekwaJudha, nevanakomana vevanin'ina vaAhaziya vaishandira Ahaziya, ndokuvauraya.

9 Zvino wakatsvaka Ahaziya, vakamubatawo, nokuti waiva avanda paSamariya, vakamuuisa kuna Jehu, ndokumuuraya, vakamuviga, nokuti vakati: Iye mwanakomana waJehoshafati anotsvaka Jehovha nemoyo wake wose. Naizvozvo imba yaAhaziya yaiva isina munhu wekuchengeta simba reushe.

Atariya anoparadza imba yaAhaziya, asi Joashi anopukunyuka

10 Atariya mai vaAhaziya pavakaona kuti mwanakomana wavo wafa, vakasimuka ndokuparadza chizvarwa chose cheumambo hweimba yaJudha.

11 Asi Jehoshabhiyati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhaziya ndokumuba kubva pakati pevanakomana vamambo vaiurawa, ndokumuisa iye nemureri wake muimba yekurara. Naizvozvo Jehoshabhiyati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupristi, nokuti waiva hanzvadzi yaAhaziya, wakamuvanza pachiso chaAtariya kuti asamuuraya.

12 Zvino wakavanda navo muimba yaMwari makore matanhatu; Atariya ndokutonga pamusoro penyika.