ShonaTeam 2 Chronicles « 21 »

Jehoramu mambo waJudha

21Zvino Jehoshafati wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa nemadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

2 Zvino waiva nevanin'ina, vanakomana vaJehoshafati: Azariya, naJehieri, naZekariya, naAzariya, naMikayeri, naShefatiya; ava vose vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo waIsraeri.

3 Zvino baba vavo vakavapa zvipo zvizhinji zvesirivha nezvegoridhe nezvezvinokosha, pamwe nemaguta akashoshewa kwaJudha; asi ushe wakapa kuna Jehoramu, nokuti waiva dangwe.

4 Jehoramu paakasimuka paushe hwababa vake, ndokuzvisimbisa, ndokuuraya vanin'ina vake vose nemunondo, nevamwewo vemachinda aIsraeri.

5 Zvino Jehoramu waiva nemakore makumi matatu nemaviri paakava mambo, ndokutonga makore masere paJerusarema.

6 Zvino wakafamba nenzira yemadzimambo aIsraeri, sezvavakaita veimba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha.

7 Zvakadaro Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi, nekuda kwesungano yaaiva aita naDhavhidhi, uye sezvaaiva ati achapa iye nevanakomana vake mwenje mazuva ose.

8 Pamazuva ake Edhomu wakapanduka kubva pasi peruoko rwaJudha, ndokuzviisira mambo.

9 Zvino Jehoramu wakayambuka nemachinda ake, nengoro dzose pamwe naye, ndokusimuka usiku, ndokurova vaEdhomu vakamukomba iye nevakuru vengoro.

10 Naizvozvo vaEdhomu vakapanduka kubva pasi peruoko rwaJudha kusvika zuva rino. Ipapo panguva iyoyo Ribhina wakapanduka kubva pasi peruoko rwake, nokuti waiva asiya Jehovha Mwari wemadzibaba ake.

11 Uye iye wakaita nzvimbo dzakakwirira pamakomo aJudha, ndokuita vagari veJerusarema kuti vaite upombwe, ndokutinhira Judha kure.

12 Zvino kwakasvika kwaari tsamba kubva kuna Eria muporofita, ichiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waDhavhidhi baba vako: Nekuda kwekuti hauna kufamba nenzira dzaJehoshafati baba vako uye nenzira dzaAsa mambo waJudha,

13 asi wakafamba nenzira dzemadzimambo aIsraeri, uye wakaita kuti Judha nevagari veJerusarema vaite ufeve seufeve hweimba yaAhabhi, uyewo wakauraya vanin'ina vako veimba yababa vako vaiva nani panewe;

14 tarira, Jehovha acharova nekurova kukuru pavanhu vako nepavana vako nepavakadzi vako nepanhumbi dzako dzose.

15 Newe uchava pahosha zhinji neurwere hweura hwako kusvika ura hwako hwabuda nekuda kwehosha mazuva nemazuva.

16 Zvino Jehovha wakamutsira Jehoramu mweya yevaFirisitia neyevaArabhiya vaiva vari kurutivi rwevaItiyopiya.

17 Ivo ndokukwira kuna Judha, ndokuripazira, ndokutapa zvinhu zvose zvakawanikwa muimba yamambo, nevanakomana vakewo, nevakadzi vake; zvekuti hakuna kusara mwanakomana kwaari kunze kwaJehoahazi, mudikisa wevanakomana vake.

18 Zvino shure kweizvi zvose Jehovha wakamurova muura hwake nehosha isingarapiki.

19 Zvino zvakaitika kuti kubva kumazuva kuenda kumazuva, uye panguva yekubuda kwekuguma kwemakore maviri, ura hwake hwakabuda nekuda kweurwere hwake; naizvozvo wakafa nehosha dzakaipa; asi vanhu vake havana kumuvesera moto semoto wemadzibaba ake.

20 Waiva nemakore makumi matatu nemaviri paakava mambo, ndokutonga paJerusarema makore masere; ndokuenda asingashuviwi; zvakadaro vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi kwete mumakuva emadzimambo.