ShonaTeam 2 Chronicles « 20 »

Jehoshafati anokunda vaMoabhu nevaAmoni

20Zvakaitikawo shure kweizvi, vana vaMoabhu nevana vaAmoni nevamwe pamwe navo kusingaverengwi vaAmoni vakauya kurwisa Jehoshafati pahondo.

2 Zvino kwakauya vamwe vakaudza Jehoshafati vachiti: Kunouya chaunga chikuru kukurwisai chichibva mhiri kwegungwa kubva kuSiriya; zvino tarirai, vari paHazezoni-Tamari, rinova Eni-Gedhi.

3 Zvino Jehoshafati wakatya ndokuzvipira chiso chake kutsvaka Jehovha; ndokudanidzira mutsanyo kuna Judha wose.

4 Zvino Judha wakazviunganidza kutsvaka kuna Jehovha; uye kumaguta ose aJudha vakauya kutsvaka Jehovha.

5 Zvino Jehoshafati wakamira paungano yaJudha neJerusarema, muimba yaJehovha, pamberi pechivanze chitsva;

6 ndokuti: Jehovha Mwari wemadzibaba edu, imwi hamusi Mwari vari mumatenga here? Uye imwi munotonga pamusoro peushe hwose hwemarudzi. Uye paruoko rwenyu pane simba neukuru, kuti pasava neangamirisana nemwi.

7 Imi hamusi Mwari wedu makadzinga vagari venyika ino pamberi pevanhu venyu Israeri here, ndokuipa kumbeu yaAbhurahama shamwari yenyu kusvika pakusingaperi?

8 Zvino vakagaramo, ndokukuvakiraimo imba tsvene yezita renyu, vachiti:

9 Kana chakaipa chikawira pamusoro pedu, munondo, mutongo, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino nepamberi penyu (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri pakutambudzika kwedu; zvino muchanzwa mugoponesa.

10 Zvino ikozvino, tarirai, vana vaAmoni naMoabhu nevepagomo reSeiri, vamusina kutendera Israeri kupfuura nepavari pavaibva panyika yeEgipita, asi vakavafuratira, uye havana kuvaparadza;

11 uye tarirai, votitsiva, kuuya kuzotidzinga panhaka yenyu yamakatigarisa nhaka.

12 Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hamuna simba matiri kurwisa chaunga chikuru ichi chinouya kutirwisa, uye hatizivi zvatinofanira kuita; asi meso edu ari kwamuri.

13 Zvino Judha wose wakamira pamberi paJehovha, nevanana vavo, vakadzi vavo, nevana vavo.

14 Ipapo Jahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi wevanakomana vaAsafi, Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake pakati peungano.

15 Iye ndokuti: Teererai, vaJudha mose, nevagari veJerusarema, nemwi mambo Jehoshafati: Ndizvo zvinoreva Jehovha kwamuri: Imwi musatya uye musavhunduka nekuda kwechaunga chikuru ichi, nokuti hondo haisi yenyu asi ndeya Mwari.

16 Mangwana burukai murwisane navo; tarirai, vanokwira nepamukwidza weZizi; zvino muchavawana pakuguma kwemupata, pamberi perenje reJerueri.

17 Hazvisi zvenyu kurwa pane izvi; zvimisei mumire, zvino muchaona ruponeso rwaJehovha nemwi, imwi Judha neJerusarema; musatya uye musavhunduswa; mangwana budai murwisane navo, nokuti Jehovha achava nemwi.

18 Jehoshafati wakakotamisira musoro pasi; naJudha wose nevagari veJerusarema vakawira pamberi paJehovha, kushumira Jehovha.

19 NevaRevhi vevana vevaKohati nevevana vevaKora vakasimuka kurumbidza Jehovha Mwari waIsraeri nenzwi guru riri pamusoro.

20 Zvino vakasimuka mangwanani-ngwanani, ndokubudira kurenje reTekowa; zvino pakubuda kwavo Jehoshafati wakamira ndokuti: Ndinzwei, Judha nevagari veJerusarema: Tendai kuna Jehovha Mwari wenyu, zvino muchasimbiswa; tendai kuvaporofita vake, mugobudirira.

21 Wakati arangana nevanhu, wakagadza vaimbi kuna Jehovha, vanorumbidza kunaka kweutsvene pakubuda pamberi pevakashonga zvombo, uye vachiti: Rumbidzai Jehovha nokuti ngoni dzake dziriko kusvika rinhi narinhi.

22 Zvino panguva yavakatanga kuimba nekurumbidza, Jehovha wakaisa vavandiri kurwisa vana vaAmoni, Moabhu, negomo reSeiri, vaiva vauya kuzorwisa Judha; zvino vakarohwa.

23 Nokuti vana vaAmoni nevaMoabhu vakasimuka kurwisa vagari vegomo reSeiri kuuraya nekuparadza chose; uye pavaiva vapedza vagari veSeiri, vakabatsira umwe neumwe wekwake pakuparadza.

24 Judha paakasvika pashongwe yechirindo kurenje, vakatarisa kuchaunga, zvino tarira, kwaiva nezvitunha zvakawira pasi, uye pasina wakapukunyuka.

25 Jehoshafati nevanhu vake pavakasvika kupamba zvipambiwa zvavo, vakawana pakati pavo zvakawanda, zvose nhumbi nezvitunha nezvinhu zvinokosha, vakazvitapira kusvika votadza kutakura. Zvino vakava nemazuva matatu vachitapa zvipambiwa, nokuti zvaiva zvizhinji.

26 Zvino pazuva rechina vakaungana pamupata weBheraka; nokuti ipapo vakarumbidza Jehovha; naizvozvo zita renzvimbo iyoyo rakanzi Mupata weBheraka kusvika zuva rino.

27 Zvino vakadzokera munhu umwe neumwe wekwaJudha neJerusarema, uye Jehoshafati pamusoro pavo, kuti vadzokere kuJerusarema nemufaro; nokuti Jehovha waiva avafadza pamusoro pevavengi vavo.

28 Zvino vakapinda muJerusarema nemitengeranwa uye nembira uye nehwamanda, kuimba yaJehovha.

29 Zvino kutya Mwari kwaiva pamusoro peushe hwose hwedzinyika pavakanzwa kuti Jehovha wakarwa nevavengi vaIsraeri.

30 Zvino ushe hwaJehoshafati hwakava nerunyararo; uye Mwari wake wakamuzorodza pamativi ose.

31 Zvino Jehoshafati wakatonga pamusoro paJudha; waiva nemakore makumi matatu nemashanu paakava mambo, ndokutonga makore makumi maviri nemashanu paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Azubha mukunda waShirihi.

32 Zvino wakafamba munzira yababa vake Asa; uye haana kutsauka pairi, achiita zvakarurama pameso paJehovha.

33 Zvakadaro nzvimbo dzakakwirira haana kubvisa; nokuti vanhu vaiva vasati vagadzirira moyo wavo kuna Mwari wemadzibaba avo.

34 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoshafati, dzekutanga nedzekupedzisira, tarira, dzakanyorwa munyaya dzaJehu mwanakomana waHanani, akasanganiswawo mubhuku remadzimambo aIsraeri.

35 Zvino shure kweizvi Jehoshafati mambo waJudha wakazvibatanidza naAhaziya mambo waIsraeri; iye wakaita zvakaipa pakuita kwake.

36 Zvino wakazvibatanidza naye kuita zvikepe kuenda kuTarishishi; zvino vakaita zvikepe paEziyoni-Gebheri.

37 Zvino Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu weMaresha wakaporofita pamusoro paJehoshafati, achiti: Nokuti wazvibatanidza naAhaziya, Jehovha waputsa mabasa ako. Naizvozvo zvikepe zvakaputsika, kuti hazvina kugona kuenda kuTarishishi.