ShonaTeam 2 Chronicles « 19 »

Jehoshafati anodzosera vanhu kuna Jehovha

19Zvino Jehoshafati mambo waJudha wakadzokera kumba kwake nerugare kuJerusarema.

2 Zvino Jehu mwanakomana waHanani muoni wakabuda kusangana naye, ndokuti kuna mambo Jehoshafati: Ungabatsira wakaipa here, ndokuda vanovenga Jehovha? Nekuda kweizvozvo kutsamwa kuri pamusoro pako kubva pamberi paJehovha.

3 Kunyange zvakadaro, zvinhu zvakanaka zvakawanikwa mauri, pakuti wakabvisa matanda ekunamata nawo panyika, uye wakagadzirira moyo wako kutsvaka Mwari.

4 Jehoshafati ndokugara paJerusarema. Zvino wakabudazve pakati pevanhu kubva paBheeri-Shebha kusvika kugomo raEfuremu, ndokuvadzosa kuna Jehovha Mwari wemadzibaba avo.

5 Zvino wakaisa vatongi panyika pamaguta ose akashoshewa aJudha, paguta neguta.

6 Zvino wakati kuvatongi: Onai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu asi Jehovha; uye anemwi panyaya yekutonga.

7 Naizvozvo ikozvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu; muchenjerere uye muite nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna chakaipa, kana kutarisa zviso, kana kugamuchira fufuro.

8 Uye paJerusarema Jehoshafati wakaisawo vamwe kuvaRevhi nevapristi, nekumisoro yemadzibaba aIsraeri, kumutongo waJehovha nepamakakava, kana vodzokera kuJerusarema.

9 Zvino wakavaraira, achiti: Muchaita saizvozvi mukutya Jehovha, mukutendeka, uye nemoyo wakaperera.

10 Zvino gakava ripi neripi richauya kwamuri rinobva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, pakati peropa neropa, pakati pemutemo nemurairo, zvimiso nemitongo, uye muchavayambira kuti vasatadzira Jehovha, kutsamwa kugowira pamusoro penyu nepamusoro pehama dzenyu. Itai izvi uye musatadza.

11 Zvino tarirai, Amariya mupristi mukuru ari pamusoro penyu panyaya dzose dzaJehovha; naZebhadhiya mwanakomana waIshimaeri, mutungamiriri weimba yaJudha, panyaya dzose dzamambo; nevaRevhi vachava vatariri vari pamberi penyu. Simbai muzviite, zvino Jehovha achava newakanaka.