ShonaTeam 2 Chronicles « 17 »

Jehoshafati mambo waJudha

17Zvino Jehoshafati mwanakomana wake wakatonga pachinzvimbo chake, ndokuzvisimbisa kurwisa Israeri.

2 Zvino wakaisa varwi mumaguta ose akashoshewa aJudha, ndokuisa mapoka evarwi panyika yaJudha, nepamaguta aEfuremu Asa baba vake avaiva vatapa.

3 Zvino Jehovha wakava naJehoshafati, nokuti wakafamba munzira dzekutanga dzaDhavhidhi baba vake, uye haana kutsvaka vana Bhaari.

4 Asi wakatsvaka Mwari wababa vake, uye wakafamba mumirairo yake, uye kwete sekuita kwaIsraeri.

5 Naizvozvo Jehovha wakasimbisa ushe paruoko rwake; Judha wose ndokuvigira Jehoshafati zvipo. Zvino wakava nefuma nerukudzo zvakawanda.

6 Zvino moyo wake wakakwirira panzira dzaJehovha. Pamusoro pazvo wakabvisa nzvimbo dzakakwirira nematanda ekunamata nawo kubva kwaJudha.

7 Uye pagore rechitatu rekutonga kwake wakatuma kumachinda ake, kuna Bheni-Hairi, nekuna Obhadhiya, nekuna Zekariya, nekuna Netaneri, nekuna Mikaya, kudzidzisa mumaguta aJudha.

8 Uye pamwe navo vaRevhi, Shemaya, naNetaniya, naZebhadhiya, naAsaheri, naShemiramoti, naJehonatani, naAdhoniya, naTobhiya, naTobhi-Adhoniya, vaRevhi. Uye pamwe navo Erishama, naJehoramu, vapristi.

9 Zvino vakadzidzisa kwaJudha, nebhuku remurairo waJehovha raiva navo. Zvino vakapota nemumaguta ose aJudha, ndokudzidzisa pakati pevanhu.

10 Zvino kutya Jehovha kwakava paushe hwose hwenyika dzakapoteredza Judha, zvekuti havana kurwa naJehoshafati.

11 Zvino vamwe vevaFirisitia vakavigira Jehoshafati zvipo, nemutero wesirivha. VaArabhiyawo vakamuvigira makwai, makondohwe zvuru zvinomwe nemazana manomwe, nenhongo dzembudzi zvuru zvinomwe nemazana manomwe.

12 Zvino Jehoshafati ndokuenda achikura kusvika pamusoro, ndokuvaka kwaJudha nhare nemaguta ematura.

13 Zvino wakava nebasa zhinji mumaguta aJudha, nevarume vehondo, vane simba veumhare, paJerusarema.

14 Zvino uhwu ndihwo uwandu hwavo zvichienderana nedzimba dzemadzibaba avo: KwaJudha, vakuru vezvuru: Adhina mukuru, uye pamwe naye varume vane simba veumhare, zvuru mazana matatu.

15 Uye padivi pake Jehohanani mukuru, uye pamwe naye zvuru mazana maviri nemakumi masere.

16 Uye padivi pake Amasia mwanakomana waZikiri, wakazvipa nechido kuna Jehovha, uye pamwe naye varume vane simba veumhare zvuru mazana maviri.

17 NekwaBhenjamini: Eriadha ane simba weumhare, uye pamwe naye zvuru mazana maviri vakashonga uta nenhovo.

18 Zvino padivi pake Jehozabhadhi, uye pamwe naye zvuru zana nemakumi masere, vakagadzirira hondo.

19 Ava ndivo vaishandira mambo kunze kweavo mambo vaaiva aisa mumaguta akashoshewa kwaJudha wose.