ShonaTeam 2 Chronicles « 16 »

16Zvino negore remakumi matatu nematanhatu rekutonga kwaAsa, Bhaasha mambo waIsraeri wakakwira kurwisa Judha, ndokuvaka Rama, kuti asatendera anobuda neanopinda kuna Asa mambo waJudha.

2 Zvino Asa wakabudisa sirivha negoridhe kubva padura refuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, ndokutumira kuna Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya waigara paDhamasiko, achiti:

3 Sungano iri pakati pangu newe, uye pakati pababa vangu nababa venyu; tarira, ndatumira kwamuri sirivha negoridhe; endai munogura sungano yenyu naBhaasha mambo waIsraeri kuti abve kwandiri.

4 Zvino Bheni-Hadhadhi wakateerera kuna mambo Asa, ndokutuma vakuru vehondo dziri dzake kurwisa maguta aIsraeri. Zvino vakarova Ijoni, neDhani, neAbheri-Maimi, nemaguta ose ematura aNafutari.

5 Zvino zvakaitika Bhaasha paakazvinzwa, kuti wakasiya kuvaka Rama, ndokumisa basa rake.

6 Asa mambo ndokutora Judha wose; zvino vakatora mabwe eRama, nematanda aro, Bhaasha zvaaiva avaka nazvo, ndokuvaka nazvo Gebha neMizipa.

7 Zvino panguva iyoyo muoni Hanani wakasvika kuna Asa mambo waJudha, ndokuti kwaari: Nokuti wazendama pana mambo weSiriya, uye hauna kuvimba naJehovha Mwari wako, naizvozvo hondo yamambo weSiriya yapukunyuka paruoko rwako.

8 VaItiyopiya nevaRubhimi vaiva vasiri hondo huru here vane ngoro nevatasvi vemabhiza vazhinji kwazvo? Zvakadaro, pawakazendama pana Jehovha, iye wakavapa muruoko rwako.

9 Nokuti Jehovha, meso ake anoenda nekudzoka panyika yose kuzviratidza kusimba kwevane moyo wakaperera kwaari. Waita upenzi pachinhu ichi, nokuti kubva ikozvino kuchava nedzihondo kwauri.

10 Zvino Asa wakatsamwira muoni, ndokumuisa mutirongo; nokuti waiva amugumbukira nekuda kwechinhu ichi. Asa ndokumanikidza vamwe vevanhu nenguva iyo.

11 Zvino tarira, nyaya dzaAsa, dzekutanga nedzekupedzisira, tarira, dzakanyorwa mubhuku remadzimambo aJudha naIsraeri.

12 Zvino Asa wakava nechirwere patsoka dzake pagore remakumi matatu nemapfumbamwe rekutonga kwake, kusvika chirwere chake chakura kwazvo; zvakadaro paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi varapi.

13 Asa ndokurara nemadzibaba ake, ndokufa negore remakumi mana nerimwe rekutonga kwake.

14 Zvino vakamuviga muguva rake, raaiva azvicherera muguta raDhavhidhi. Zvino vakamuradzika pamubhedha waaiva azadza nezvinonhuhwira zvemarudzi mazhinji, zvakagadzirwa neuchenjeri hwenyanzvi dzezvezvinonhuhwira; vakamuvesera rutsva rukuru kusvika rwawanda.