ShonaTeam 2 Chronicles « 15 »

15Zvino Mweya waMwari wakauya pamusoro paAzariya mwanakomana waOdhedhi.

2 Iye ndokubuda kunosangana naAsa, ndokuti kwaari: Nditeererei, Asa naJudha wose naBhenjamini. Jehovha anemwi kana muchinaye; uye kana muchimutsvaka achawanikwa nemwi; asi kana mukamusiya, achakusiyai.

3 Zvino mazuva mazhinji Israeri waiva asina Mwari wechokwadi, uye asina mupristi anodzidzisa, uye asina murairo.

4 Asi pakumanikidzwa kwake wakatendeukira kuna Jehovha Mwari waIsraeri, ndokumutsvaka, iye ndokuwanikwa navo.

5 Zvino panguva idzodzo kwaiva kusina rugare kune waibuda kana kune waipinda, nokuti matambudziko makuru aiva pamusoro pevagari vose vedzinyika.

6 Zvino vakagurwa-gurwa, rudzi nerudzi, uye guta neguta, nokuti Mwari wakavatambudza nenhamo dzose.

7 Naizvozvo imwi simbai, uye maoko enyu ngaarege kushaiwa simba; nokuti kune mubairo pabasa renyu.

8 Zvino Asa paakanzwa mashoko awa, nechiporofita chaOdhedhi muporofita, wakashinga, ndokubvisa zvinyangadzo kubva panyika yose yaJudha naBhenjamini, uye kubva pamaguta aaiva atora kubva pagomo raEfuremu; ndokuvandudza aritari yaJehovha yaiva pamberi peberere raJehovha.

9 Zvino wakaunganidza Judha naBhenjamini wose nevatorwa vaiva navo vachibva kwaEfuremu naManase, nevaibva kwaSimioni; nokuti vakamuwira kubva kwaIsraeri vakawanda pavakaona kuti Jehovha Mwari wake anaye.

10 Zvino vakaungana paJerusarema mumwedzi wetatu, negore regumi nemashanu rekutonga kwaAsa.

11 Zvino wakabaira Jehovha nezuva iroro pane zvakapambiwa zvavaiva vauya nazvo: Nzombe mazana manomwe, nemakwai zvuru zvinomwe.

12 Zvino vakapinda pasungano kutsvaka Jehovha Mwari wemadzibaba avo nemoyo wavo wose uye nemweya weupenyu wavo wose.

13 Uye ani nani asingatsvaki Jehovha Mwari waIsraeri achaurawa, kubva kumudiki kusvika kumukuru, kubva kumurume kusvika kumukadzi.

14 Zvino vakapika kuna Jehovha nenzwi guru, uye nekupururudza, uye nehwamanda uye nenyanga dzemakondohwe.

15 VaJudha vose ndokufara nemhiko; nokuti vaiva vapika nemoyo wavo wose, nekumutsvaka nechishuvo chavo chose, zvino wakawanikwa navo, Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose.

16 Uyewo Maaka mai vaAsa, mambo wakamubvisa pauhosi; nokuti waiva aita chinyangadzo, kuva danda rekunamata naro; Asa ndokutemera pasi chinyangadzo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.

17 Asi nzvimbo dzakakwirira haana kudzibvisa kwaIsraeri; kunyange zvakadaro moyo waAsa waiva wakaperera mazuva ake ose.

18 Zvino wakauisa muimba yaMwari zvinhu zvitsvene zvababa vake nezvinhu zvake zvitsvene, sirivha, negoridhe, nemidziyo.

19 Zvino hakuna kuva nehondo kusvika mugore remakumi matatu nemashanu rekutonga kwaAsa.