ShonaTeam 2 Chronicles « 14 »

Asa mambo waJudha

14Zvino Abhija wakarara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake. Mumazuva ake nyika yaiva murunyararo makore gumi.

2 Zvino Asa wakaita zvakanaka nezvakarurama pameso paJehovha Mwari wake.

3 Nokuti wakabvisa aritari dzeutorwa nenzvimbo dzakakwirira, ndokuputsa zvifananidzo, ndokutema matanda ekunamata nawo.

4 Zvino wakaraira Judha kutsvaka Jehovha Mwari wemadzibaba avo, nekuita mutemo nemurairo.

5 Wakabvisawo kubva mumaguta ose aJudha nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezuva. Nyika ndokuva nerunyararo pamberi pake.

6 Zvino wakavaka maguta akashoshewa kwaJudha; nokuti nyika yaiva ine runyararo uye kwaiva kusina hondo naye mumakore awa, nokuti Jehovha waiva amuzorodza.

7 Naizvozvo wakati kuna Judha: Ngativake maguta awa, uye tiite rusvingo kuapoteredza, neshongwe, masuwo, nemazariro, nyika ichiri pamberi pedu; nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatipa zororo kukomberedza. Zvino vakavaka ndokubudirira.

8 Zvino Asa waiva nevarwi zvuru mazana matatu kwaJudha, vaiva vakatakura nhovo huru nepfumo; nezvuru mazana maviri nemakumi masere kwaBhenjamini, vaiva vakatakura nhovo vaitsika uta; ava vose vaiva varume vesimba veumhare.

9 Zvino kwakabudira kwaari Zera muItiyopiya nehondo yechuru chezvuru, nengoro mazana matatu; ndokusvika kuMaresha.

10 Zvino Asa wakabuda kuzorwa naye; ivo ndokurongedza hondo pamupata weZefata paMaresha.

11 Zvino Asa wakachema kuna Jehovha Mwari wake, ndokuti: Jehovha kubatsira hachisi chinhu kwamuri, kana kune vakawanda kana kune vasina simba; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti takazembera pamuri, uye nezita renyu tauya kurwisana nechaunga ichi; Jehovha, imwi muri Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai.

12 Naizvozvo Jehovha wakarova vaItiyopiya pamberi paAsa, nepamberi paJudha; vaItiyopiya ndokutiza.

13 Asa nevanhu vaiva naye ndokuvadzingirira kusvika paGerari; ndokuwa kubva kuvaItiyopiya zvekuti hakuna kumbova nekumutsiridzika kwavari; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha nepamberi pehondo yake. Vakatakura zvakapambiwa zvizhinji kwazvo.

14 Zvino vakarova maguta ose akapoteredza Gerari; nokuti kutya Jehovha kwaiva pavari; zvino vakapamba maguta ose, nokuti maiva mune zvakapambiwa zvizhinji maari.

15 Vakarovawo matende ezvipfuwo, ndokutapa makwai mazhinji nemakamera, ndokudzokera kuJerusarema.