ShonaTeam 2 Chronicles « 12 »

Mambo Shishaki anorwa naRehobhoamu

12Zvino zvakaitika Rehobhoamu paakasimbisa ushe, uye paaiva asimba, wakasiya murairo waJehovha, naIsraeri wose pamwe naye.

2 Zvino zvakaitika mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weEgipita wakakwira kurwisa Jerusarema, nokuti vakadarika kuna Jehovha,

3 ane ngoro churu nemazana maviri, uye ane vatasvi vemabhiza zvuru makumi matanhatu; nevanhu vaiva vasingaverengeki vaiva vauya naye kubva kuEgipita: VaRubhiya, VaSukimi, nevaItiyopiya.

4 Akakunda maguta akashoshewa aiva aJudha, ndokuuya kuJerusarema.

5 Zvino kwauya Shemaya muporofita kuna Rehobhoamu nemisoro yaJudha yaiva yakaungana paJerusarema nekuda kwaShishaki, ndokuti kwavari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Imwi makandisiya, saka ini ndakakusiyaiwo muruoko rwaShishaki.

6 Zvino machinda aIsraeri namambo vakazvininipisa, ndokuti: Jehovha wakarurama.

7 Zvino Jehovha paakaona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya richiti: Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndichavapa kusunungurwa kudiki; uye kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusarema neruoko rwaShishaki.

8 Asi vachava varanda vake, kuti vazive shumiro yangu neshumiro yeushe hwedzinyika.

9 Naizvozvo Shishaki mambo weEgipita wakakwira kurwisa Jerusarema, ndokutora zvinokosha zveimba yaJehovha nezvinokosha zveimba yamambo; wakatora zvose; wakatorawo nhovo diki dzegoridhe Soromoni dzaaiva aita.

10 Mambo Rehobhoamu ndokuita nhovo diki dzendarira pachinzvimbo chadzo, ndokupa pasi peruoko rwevakuru vevarindi, vaichengetedza mukova weimba yamambo.

11 Zvino mambo paaipinda muimba yaJehovha, varindi vaiuya ndokudzisimudza ndokudzidzosera mukamuri revarindi.

12 Zvino paakazvininipisa, kutsamwa kwaJehovha kwakadzoka kubva kwaari, kuti asaparadza kusvika pakupedza; uyewo kwaJudha kwakava nezvinhu zvakanaka.

13 Zvino mambo Rehobhoamu wakazvisimbisa paJerusarema, ndokutonga; nokuti Rehobhoamu waiva wemakore makumi mana nerimwe paakava mambo, ndokutonga paJerusarema makore gumi nemanomwe, guta Jehovha raakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, kuisa zita rakepo. Uye zita ramai vake raiva Naama muAmoni.

14 Zvino wakaita chakaipa, nokuti waiva asina kugadzirira moyo wake kutsvaka Jehovha.

15 Zvino nyaya dzaRehobhoamu, dzekutanga nedzekupedzisira, hadzina kunyorwa here mumashoko emuporofita Shemaya, neemuoni Idho, maererano nemarudzi, nedzihondo dzaRehobhoamu naJerobhoamu nguva dzose?

16 Rehobhoamu ndokurara nemadzibaba ake, ndokuvigwa muguta raDhavhidhi; Abhija mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.