ShonaTeam 2 Chronicles « 11 »

11Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, wakaunganidza veimba yaJudha naBhenjamini, vakasarudzwa zvuru zana nemakumi masere, vairwa hondo, kurwisana naIsraeri, kuti adzose umambo kuna Rehobhoamu.

2 Asi shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti:

3 Taura kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, nekuna Israeri wose muJudha naBhenjamini, uti:

4 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Hamungakwiri kana kurwisana nehama dzenyu; dzokera umwe neumwe kuimba yake; nokuti chinhu ichi chaitwa neni. Zvino vakateerera mashoko aJehovha, ndokudzoka pakunorwisa Jerobhoamu.

5 Rehobhoamu ndokugara paJerusarema, ndokuvaka maguta enhare paJudha.

6 Wakavakawo Bheterehemu, neEtami, neTekowa,

7 neBheti-Zuri, neSoko, neAdhuramu,

8 neGati, neMaresha, neZifi,

9 neAdhoraimi, neRakishi, neAzeka,

10 neZora, neAjaroni, neHebhuroni, raiva kwaJudha naBhenjamini, maguta akashoshewa.

11 Zvino wakasimbisa nhare, ndokuisa madziri vatungamiriri, nematura ezvekudya, nemafuta, newaini.

12 Zvino muguta nemuguta ripi neripi wakaisa nhovo nemapfumo, ndokuasimbisa kwazvo-kwazvo. Judha naBhenjamini vaiva vari vake.

13 Nevapristi nevaRevhi vaiva pakati paIsraeri wose vakazvimisa kwaari vachibva kumigumo yavo yose.

14 Nokuti vaRevhi vakasiya mafuro avo nefuma yavo ndokuuya kwaJudha nekuJerusarema; nokuti Jerobhoamu nevanakomana vake vakavaramba pakushanda paupristi kuna Jehovha.

15 Iye ndokuzvimisira vapristi venzvimbo dzakakwirira nevemadhimoni nevemhuru dzaaiva aita.

16 Zvino shure kwavo kwakauya kuJerusarema avo vakapa moyo yavo kutsvaka Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva kumarudzi ose Israeri, kuzobaira Jehovha Mwari wemadzibaba avo.

17 Saizvozvo vakasimbisa ushe hwaJudha, ndokutsigisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwemakore matatu; nokuti kwemakore matatu vakafamba panzira yaDhavhidhi naSoromoni.

18 Zvino Rehobhoamu wakazvitorera Maharati mukunda waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi kuva mukadzi, naAbhihairi mukunda waEriabhu mwanakomana waJese.

19 Iye wakamuberekera vanakomana: Jeushi, naShemaria, naZahami.

20 Zvino shure kwake wakatora Maaka mukunda waAbhusaromu. Uyo wakamuberekera Abhija, naAtai, naZiza, naSheromiti.

21 Zvino Rehobhoamu wakada Maaka mukunda waAbhusaromu kupfuura vakadzi vake vose nevarongo vake; nokuti wakatora vakadzi gumi nevasere nevarongo makumi matanhatu; ndokubereka vanakomana makumi maviri nevasere nevanasikana makumi matanhatu.

22 Rehobhoamu ndokugadza Abhija mwanakomana waMaaka kuva musoro kutonga pakati pevana vababa vake; nokuti kwaiva kumuita mambo.

23 Zvino wakaita neuchenjeri ndokuparadzira pavanakomana vake vose munyika dzose dzaJudha naBhenjamini kumaguta ose enhare; ndokuvapa zvekudya zvakawanda. Ndokutsvaka chaunga chevakadzi.