ShonaTeam 2 Chronicles « 10 »

Rehobhoamu mambo waJudha, Jerobhoamu mambo waIsraeri

10Zvino Rehobhoamu wakaenda kuShekemu, nokuti Israeri wose waiva auya kuShekemu kumuita ave mambo.

2 Zvino zvakaitika Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paaiva muEgipita maaiva atizira kubva pachiso chaSoromoni mambo paakazvinzwa, kuti Jerobhoamu wakadzokera kubva kuEgipita.

3 Zvino vakatuma nhume idzo ndokumudana; Jerobhoamu naIsraeri wose ndokusvika ndokutaura naRehobhoamu vachiti:

4 Baba venyu vakaita kuti joko redu riome; zvino ikozvino, rerusai pabasa rakaoma rababa venyu, nepajoko rake rinorema raakaisa pamusoro pedu, zvino tichakushumirai.

5 Zvino wakati kwavari: Dzokai kwandiri mushure memazuva matatu. Vanhu ndokuenda.

6 Zvino mambo Rehobhoamu wakapangana zano nevakuru vaiva vamira pamberi paSoromoni baba vake pavaiva vachiri vapenyu, achiti: Munopanga zano ripi kupindura vanhu ava?

7 Zvino vakataura kwaari vachiti: Kana mukava makanaka kuvanhu ava, uye mukavafadza, uye mukataura mashoko akanaka kwavari, vachava varanda kwamuri mazuva ose.

8 Asi wakasiya zano revakuru ravaiva vamupanga, ndokupangana zano nevakomana vakakura pamwe naye, ivo vaimira mberi kwake.

9 Zvino wakati kwavari: Munopanga zano ripi, kuti tipindure vanhu ava vataura kwandiri vachiti: Rerusai pajoko baba venyu ravakaisa pamusoro pedu?

10 Zvino vakomana vakakura pamwe naye vakataura kwaari vachiti: Uchataura seizvi kuvanhu vataura kwauri vachiti: Baba venyu vaita kuti joko redu rireme, asi imwi tirerusirei; uchataura seizvi kwavari: Munwe wangu mudiki mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.

11 Naizvozvo zvino, baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurangai neshamhu, asi ini nezvinyavada.

12 Naizvozvo Jerobhoamu nevanhu vose vakauya kuna Rehobhoamu nezuva retatu, mambo sezvaaiva ataura achiti: Dzokai kwandiri nezuva retatu.

13 Zvino mambo wakavapindura neukasha; mambo Rehobhoamu ndokusiya zano revakuru;

14 ndokutaura kwavari zvichienderana nezano revakomana achiti: Baba vangu vakaita joko renyu rireme, asi ini ndichawedzera pane izvozvo; baba vangu vakakurangai neshamhu, asi ini nezvinyavada.

15 Naizvozvo mambo haana kuteerera kuvanhu; nokuti shanduko yaibva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura neruoko rwaAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.

16 Zvino Israeri wose paakaona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu ndokupindura mambo vachiti: Tine mugove upi kuna Dhavhidhi? Uye hatina nhaka kumwanakomana waJese. Umwe neumwe kumatende ako, Israeri; zvino zvionere imba yako, Dhavhidhi. Naizvozvo Israeri wose vakaenda kumatende avo.

17 Asi vana vaIsraeri vaiva vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakatonga pamusoro pavo.

18 Zvino mambo Rehobhoamu wakatuma Hadhoramu waiva mutariri wevanhu vechibharo; vana vaIsraeri ndokumutaka nemabwe, iye ndokufa. Mambo Rehobhoamu ndokuzvisimbisa kukwira ngoro yake kutizira kuJerusarema.

19 Saizvozvo Israeri wakapandukira imba yaDhavhidhi kusvika zuva rino.