ShonaTeam 2 Chronicles « 9 »

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni

9Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, wakauya kuJerusarema kuzoedza Soromoni nemibvunzo mikukutu, nechaunga chikuru kwazvo, nemakamera akatakura zvinonhuhwira, negoridhe neuwandu, nemabwe anokosha; paakasvika kuna Soromoni, wakataura naye zvose zvaiva mumoyo make.

2 Soromoni ndokumutsanangurira mashoko ake ose; uye kwaiva kusina chinhu chakavanda kuna Soromoni chaasina kumutsanangurira.

3 Mambokadzi weShebha paakaona kuchenjera kwaSoromoni, neimba yaakavaka,

4 nezvekudya zvetafura yake, nekugara kwevaranda vake, nekumira kwevashumiri vake, nezvipfeko zvavo, nevabati vemikombe vake, nezvipfeko zvavo, nechikwiriso chake chaakwira nacho kuimba yaJehovha, zvino mukasava nemweya maari.

5 Zvino wakati kuna mambo: Guhu randakanzwa munyika yangu renyaya yenyu neuchenjeri hwenyu raiva rechokwadi.

6 Asi handina kutenda mashoko avo kusvika ndauya, uye meso angu aona; zvino tarirai, hafu yeukuru hweuchenjeri hwenyu handina kuiudzwa. Munopfuura guhu randakanzwa.

7 Varume venyu vanofara, uye varanda venyu ava vanofara, vamire pamberi penyu nguva dzose, vachinzwa uchenjeri hwenyu.

8 Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye wakafadzwa nemwi, kukuisai pachigaro chake cheushe, kuva mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu wakada Israeri, kumusimbisa kusvika rinhi narinhi, naizvozvo wakakuisai muve mambo pamusoro pavo kuti muite mutongo nekururama.

9 Zvino wakapa mambo matarenda* zana nemakumi maviri egoridhe, nezvinonhuhwira neuzhinji ukuru, nemabwe anokosha; uye hakuna kuvapo zvinonhuhwira zvakadai, mambokadzi weShebha zvaakapa mambo Soromoni.

10 Nevaranda vaHuramiwo nevaranda vaSoromoni vakauisa goridhe kubva Ofiri, vakauya nemiti yemiarigumi nemabwe anokosha.

11 Mambo ndokuita nematanda emiarigumi zvikwiriso zveimba yaJehovha nezveimba yamambo, nembira nemitengeranwa zvevaimbi; uye hakuna kumboonekwa nezvakadaro munyika yaJudha.

12 Mambo Soromoni ndokupa mambokadzi weShebha chishuvo chake chose chaakakumbira, kunze kweizvo zvaaiva auya nazvo kuna mambo. Naizvozvo wakatendeuka ndokuenda kunyika yake, iye nevaranda vake.

Fuma yaSoromoni nembiri yake

13 Zvino uremu hwegoridhe rakauya kuna Soromoni mugore rimwe chete hwaiva matarenda* mazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu egoridhe;

14 kunze kwezvavakauya nazvo kubva kuvatengi nekuvatengesi; nemadzimambo ose eArabhiya nevabati venyika vakauya negoridhe nesirivha kuna Soromoni.

15 Mambo Soromoni wakaita nhovo huru mazana maviri, goridhe rakapfurwa; mashekeri mazana matatu egoridhe akaenda panhovo huru imwe.

16 Nenhovo diki mazana matatu dzegoridhe rakapfurwa; mashekeri mazana matatu egoridhe akaenda panhovo imwe; mambo ndokuzviisa muimba yesango reRebhanoni.

17 Mambo wakaitawo chigaro cheushe chikuru chenyanga dzenzou, ndokuchidzudzura negoridhe rakazara.

18 Zvino kwaiva nezvikwiriso zvitanhatu kuchigaro cheushe, nechitsiko chetsoka chegoridhe, zvakasunganidzwa nechigaro cheushe, uye zvizemberamaoko kuno neuko kwenzvimbo yekugara, uye shumba mbiri dzimire pedo nezvizemberamaoko.

19 Zvino paiva pamire shumba gumi nembiri ipapo kuno neuko pazvikwiriso zvitanhatu; hakuna kuitwa chakadai kune humwe ushe.

20 Nemidziyo yose yekunwira yamambo Soromoni yaiva yegoridhe, nemidziyo yose yeimba yesango reRebhanoni yaiva yegoridhe rakazara; sirivha yaiva isingaverengwi sechinhu pamazuva aSoromoni.

21 Nokuti zvikepe zvamambo zvaienda kuTarishishi pamwe nevaranda vaHurami; pamakore matatu oga-oga zvikepe zveTarishishi zvaiuya zvakatakura goridhe, nesirivha, nyanga dzenzou, nemakudo, nematendera.

22 Mambo Soromoni ndokuva mukuru kumadzimambo ose enyika pafuma nekuchenjera.

23 Zvino madzimambo ose epanyika akatsvaka chiso chaSoromoni kunzwa uchenjeri hwake Mwari hwaakaisa mumoyo make.

24 Zvino vakauya umwe neumwe nechipo chake, midziyo yesirivha, nemidziyo yegoridhe, nezvipfeko, zvombo, zvinonhuhwira, mabhiza, nemahesera, chinhu chegore pagore.

25 Zvino Soromoni waiva nezvidyiro zvemabhiza zvuru zvina, nengoro, nevatasvi vemabhiza zvuru gumi nezviviri, zvaakaisa pamaguta engoro, nekuna mambo paJerusarema.

26 Zvino wakatonga pamusoro pemadzimambo ose kubva parwizi kusvika panyika yevaFirisitia, nekusvika kumuganhu weEgipita.

27 Mambo ndokuita sirivha paJerusarema semabwe, nemisidhari wakaita semionde yaiva pamapani pauwandu.

28 Zvino vakabudisira Soromoni mabhiza kubva paEgipita, nekubva kunyika dzose.

Kufa kwaSoromoni

29 Zvino dzimwe nyaya dzaSoromoni, dzekutanga nedzekupedzisira, hadzina kunyorwa here pamanzwi aNatani muporofita, nemuchiporofita chaAhiya muShiro, nemuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati?

30 Soromoni wakatonga paJerusarema pamusoro paIsraeri wose makore makumi mana.

31 Soromoni ndokurara nemadzibaba ake; uye vakamuviga muguta raDhavhidhi baba vake. Rehobhoamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.