ShonaTeam 2 Chronicles « 8 »

Zvimwe zvakavakwa naSoromoni

8Zvino zvakaitika pakupera kwemakore makumi maviri Soromoni aakavaka nawo imba yaJehovha neimba yake,

2 kuti maguta Hurami aaiva apa Soromoni, Soromoni wakaavaka ndokugarisako vana vaIsraeri.

3 Soromoni ndokuenda kuHamati-Zobha, ndokurikunda.

4 Zvino wakavaka Tadhimori murenje, nemaguta ose ematura aaiva avaka paHamati.

5 Zvino wakavaka Bheti-Horoni rekumusoro neBheti-Horoni rezasi, maguta akashoshewa nemasvingo, ane magonhi nemazariro;

6 neBhaarati, nemaguta ose ematura Soromoni aaiva nawo, nemaguta ose engoro, nemaguta evatasvi vemabhiza, nechishuwo chose chaSoromoni chaakashuva nacho kuvaka paJerusarema nepaRebhanoni nepanyika yose yeushe hwake.

7 Vanhu vose vakasara pavaHiti, nevaAmori, nevaPerizi, nevaHivhi, nevaJebhusi, vaiva vasiri veIsraeri;

8 pavana vavo vaiva vasara shure kwavo panyika, vana vaIsraeri vavasina kupedza, Soromoni wakavasimudza kuva chibharo kusvika nhasi.

9 Asi pavana vaIsraeri Soromoni haana kuvaita varanda vebasa rake; asi ivo vaiva varume vehondo nevakuru vevatungamiriri vehondo vake, nevarairi vengoro dzake, nevatasvi vemabhiza ake.

10 Zvino ava vaiva misoro yemachinda amambo Soromoni, mazana maviri nemakumi mashanu, vaitonga vanhu.

11 Zvino Soromoni wakakwidza mukunda waFarao kubva muguta raDhavhidhi kumuisa kuimba yaaiva amuvakira; nokuti wakati: Mukadzi wangu haangagari muimba yaDhavhidhi mambo waIsraeri, nokuti inzvimbo tsvene dzakasvika areka yaJehovha.

12 Ipapo Soromoni wakapa zvipo zvinopiswa kuna Jehovha paaritari yaJehovha, yaaiva avaka pamberi peberere.

13 Izvo zvakatarirwa zuva nezuva, achipa zvichienderana nemurairo waMozisi, pamasabata, nepakugara kwemwedzi, nepamitambo yakadzama, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisina mbiriso, nepamutambo wemavhiki, nepamutambo wematumba.

14 Zvino wakagadza zvichienderana nechimiso chaDhavhidhi baba vake, mapoka evapristi pamabasa avo, nevaRevhi pangava ravo, kurumbidza nekushumira pamberi pevapristi, zvichienderana nechinhu chezuva pazuva racho, nevachengeti vemikova pamapoka avo pasuwo rimwe nerimwe; nokuti saizvozvo waiva murairo waDhavhidhi munhu waMwari.

15 Zvino havana kutsauka pamurairo wamambo kuvapristi nevaRevhi maererano nechinhu chose nemaererano nezvakakosha.

16 Zvino basa rose raSoromoni rakagadzirwa kusvika pazuva rekuteiwa kweimba yaJehovha uye kusvika pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera.

17 Ipapo Soromoni wakaenda kuEziyoni-Gebheri nekuEroti, pamahombekombe egungwa panyika yaEdhomu.

18 Hurami ndokumutumira neruoko rwevaranda vake zvikepe nevaranda vaiva neruzivo rwegungwa; ndokuenda nevaranda vaSoromoni kuOfiri, ndokutorapo matarenda* mazana mana nemakumi mashanu egoridhe, ndokuunza kuna mambo Soromoni.