ShonaTeam 2 Chronicles « 7 »

Jehovha anopinda mutembere

7Zvino Soromoni paakapedza kunyengetera, moto ndokuburuka kubva kumatenga ndokupedza chipo chinopiswa nezvibairo; kubwinya kwaJehovha ndokuzadza imba.

2 Zvino vapristi vaiva vasingagoni kupinda muimba yaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kwaiva kwazadza imba yaJehovha.

3 Vana vaIsraeri vose pavakaona kuburuka kwemoto, uye kubwinya kwaJehovha pamusoro peimba, vakakotamira pasi nezviso pakarongerwa mabwe, ndokunamata nekurumbidza Jehovha vachiti: Nokuti wakanaka. Nokuti kunaka kwake kuripo rinhi narinhi.

4 Mambo nevanhu vose ndokupa zvibairo pamberi paJehovha.

5 Zvino mambo Soromoni wakapa chibairo chenzombe zvuru makumi maviri nezviviri, nemakwai zvuru zana nemakumi maviri. Saizvozvo mambo nevanhu vose vakatsaura imba yaMwari.

6 Zvino vapristi vakamira pazvinzvimbo zvavo, nevaRevhi vane midziyo yekuimbisa yaJehovha, Dhavhidhi mambo zvaaiva aita, kuvonga Jehovha nazvo, nokuti kunaka kwake kuripo rinhi narinhi, Dhavhidhi paakarumbidza neshumiro yavo; uye vapristi vakaridza hwamanda pamberi pavo; Israeri wose ndokumira.

7 Soromoni wakaitawo patsvene pakati pechivanze chaiva pamberi peimba yaJehovha; nokuti ndipo paakapa zvipo zvinopiswa, nemafuta ezvipo zvekuyananisa; nokuti aritari yendarira Soromoni yaakaita yaiva isingagoni kuringana chipo chinopiswa, nechipo chechidyiwa, nemafuta.

8 Uye panguva iyoyo Soromoni wakachengetedza mabiko mazuva manomwe, naIsraeri wose anaye, ungano huru kwazvo, kubva pakupinda paHamati kusvika parukova rweEgipita.

9 Zvino pazuva resere vakaita ungano yakadzama; nokuti vakaita kutsaurwa kwearitari mazuva manomwe, uye mabiko mazuva manomwe.

10 Zvino pazuva remakumi maviri nematatu remwedzi wechinomwe wakaendesa vanhu kumatende avo, vachifara uye vachipemberera mumoyo nekuda kwekunaka Jehovha kwaaiva aita kuna Dhavhidhi nekuna Soromoni nekuna Israeri vanhu vake.

Zvibairo zvaSoromoni, nemitambo

11 Saizvozvo Soromoni wakapedza imba yaJehovha, neimba yamambo. Nezvose zvakauya pamoyo paSoromoni kuita muimba yaJehovha nemuimba yake wakazvibudiririsa.

12 Zvino Jehovha wakaonekwa kuna Soromoni neusiku, ndokuti kwaari: Ndanzwa munyengetero wako, uye ndazvisarudzira nzvimbo ino kuva imba yechibairo.

13 Kana ndikapfiga matenga kuti kusava nemvura, uye kana ndikaraira mhashu kupedza nyika, uye kana ndikatuma denda pakati pevanhu vangu,

14 kana vanhu vangu avo zita rangu rinodanwa pamusoro pavo vakazvininipisa, uye vakanyengetera, nekutsvaka chiso changu, nekutendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, zvino ini ndichanzwa ndiri kumatenga uye ndichakanganwira chivi chavo, uye ndichaporesa nyika yavo.

15 Zvino meso angu achazaruka, uye nzeve dzangu dzichateerera munyengetero wenzvimbo ino.

16 Nokuti zvino ndasarudza nekuita tsvene imba ino, kuti zita rangu rivepo rinhi narinhi, hongu, meso angu nemoyo wangu zvichavapo mazuva ose.

17 Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu, Dhavhidhi baba vako sezvavakafamba, nekuita zvinoenderana nezvose zvandakakuraira, nekuchengeta zvimiso zvangu nemitongo yangu,

18 ipapo ndichasimbisa chigaro cheushe cheumambo hwako, sekuita kwangu sungano naDhavhidhi baba vako, ndichiti: Haungashaiwi munhu achabata ushe kwaIsraeri.

19 Asi kana imwi mukatsauka, mukasiya zvimiso zvangu nemirairo yangu zvandakaisa pamberi penyu, uye mukaenda mukanoshumira vamwe vamwari ndokuvanamata;

20 zvino ndichavadzura kubva panyika yangu yandakavapa; neimba iyi yandakatsvenesera zita rangu ndichairasa ibve pamberi pangu; uye ndichaiita tsumo nechibayo pakati pemarudzi ose.

21 Neimba iyi yakakwirira ichava chishamiso kune uyo neuyo anopfuura pairi kusvika ati: Jehovha wakaitirei zvakadai kunyika iyi nekuimba iyi?

22 Zvino vachati: Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo, wakavabudisa panyika yeEgipita, vakanamatira vamwe vamwari, vakavanamata nekuvashumira; nekuda kweizvozvo wavawisira chakaipa chose ichi.