ShonaTeam 2 Chronicles « 6 »

Mashoko aSoromoni nekunyengetera kwake

6Ipapo Soromoni wakati: Jehovha wati achagara murima gobvu.

2 Asi ini ndakuvakirai imba yeugaro, nenzvimbo yakamiswa yeugaro hwenyu rinhi narinhi.

3 Zvino mambo wakatendeudza chiso chake, ndokuropafadza ungano yose yaIsraeri; ungano yose yaIsraeri ndokumira.

4 Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari waIsraeri, iye wakataura nemuromo wake kuna Dhavhidhi baba vangu uye nemaoko ake wakazadzisa achiti:

5 Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu kubva panyika yeEgipita, handina kusarudza guta pakati pemarudzi ose aIsraeri kuvaka imba kuti zita rangu rivepo, uye handina kusarudza munhu kuti ave mutungamiriri pamusoro pevanhu vangu Israeri.

6 Asi ndakasarudza Jerusarema, kuti zita rangu rivepo, uye ndakasarudza Dhavhidhi kuti ave pamusoro pevanhu vangu Israeri.

7 Zvino zvaiva mumoyo maDhavhidhi baba vangu kuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.

8 Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu: Sezvazvanga zviri mumoyo mako kuvakira zita rangu imba, waita zvakanaka kuti zvanga zviri mumoyo mako.

9 Kunyange zvakadaro haungavaki imba iwe; asi mwanakomana wako achabuda muchiuno chako, ndiye achavakira zita rangu imba.

10 Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ndamuka pachinzvimbo chaDhavhidhi baba vangu, ndigere pachigaro cheushe chaIsraeri, Jehovha sezvaakataura, uye ndavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.

11 Zvino ndaisapo areka, pane sungano yaJehovha yaakaita nevana vaIsraeri.

12 Zvino wakamira pamberi pearitari yaJehovha pakatarisana neungano yose yaIsraeri, ndokutandavadza maoko ake.

13 Nokuti Soromoni waiva aita pekumira pakakwirira pendarira, urefu hwapo hwaiva makubhiti mashanu, neupamhi hwapo makubhiti mashanu, nekukwirira kwapo makubhiti matatu, ndokuisa pakati pechivanze; ndokumira pamusoro papo, ndokufugama nemabvi ake pamberi peungano yose yaIsraeri, ndokutandavadzira maoko ake kumatenga,

14 ndokuti: Jehovha Mwari waIsraeri, hakuna Mwari wakaita semwi kumatenga nepasi, anochengetedza sungano nengoni kuvaranda venyu vanofamba pamberi penyu nemoyo wavo wose.

15 Imwi makachengetera muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu izvo zvamakataura kwaari, uye makataura nemuromo wenyu ndokuzadzisa neruoko rwenyu sanhasi.

16 Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsraeri, chengetedzerai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu izvo zvamakamutaurira muchiti: Hakungashaikwi munhu kwauri pamberi pechiso changu achagara pachigaro cheushe chaIsraeri, koga kana vana vako vakachenjerera nzira yavo kufamba mumurairo wangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.

17 Zvino ikozvino, Jehovha Mwari waIsraeri, shoko renyu ngarisimbiswe ramakataura kumuranda wenyu kuna Dhavhidhi.

18 Asi chokwadi Mwari angagara nevanhu panyika here? Tarirai matenga, hongu matenga ematenga haangakuringanii; kuzotiwo imba ino yandakavaka!

19 Asi tendeukirai kumunyengetero wemuranda wenyu nekumukumbiro wake, Jehovha Mwari wangu, kuteerera kudana nemunyengetero muranda wenyu waanonyengetera pamberi penyu.

20 Kuti meso enyu azarurikire pamusoro peimba iyi masikati neusiku, panzvimbo yamakati pamusoro payo muchaisa zita renyupo, kuteerera kumunyengetero muranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino.

21 Naizvozvo teererai kumukumbiro wemuranda wenyu newevanhu venyu Israeri wavachanyengetera vakatarisa kunzvimbo ino; naizvozvo inzwai imwi muri kunzvimbo yenyu yekugara, muri kumatenga, hongu inzwai, mukanganwire.

22 Kana munhu akatadzira umwe wake, mhiko ikatakudzwa pamusoro pake kumupikisa, mhiko ndokupinda pamberi pearitari yenyu muimba ino,

23 zvino imwi inzwai muri kumatenga, muite mutonge varanda venyu, nekutsiva wakaipa, nekupa nzira yake pamusoro wake, uye nekuchenesa wakarurama, kumupa zvinoenderana nekururama kwake.

24 Zvino kana vanhu venyu Israeri vachirohwa pamberi pemuvengi nekuda kwekuti vakakutadzirai, zvino vakadzoka vakabvuma zita renyu uye vakanyengetera nekuita mukumbiro pamberi penyu muimba ino;

25 zvino imwi inzwai muri kumatenga, uye mukanganwire chivi chevanhu venyu Israeri, mugovadzosa kunyika yamakavapa ivo nemadzibaba avo.

26 Panenge pakapfigwa matenga, uye kusina mvura, nekuda kwekuti vakakutadzirai, kana vakanyengetera vakatarisa kunzvimbo ino, vakabvuma zita renyu, vakatendeuka kubva pachivi chavo, kana mavatambudza;

27 zvino imwi inzwai muri kumatenga, mugokanganwira chivi chevaranda venyu nechevanhu venyu Israeri, kana mavadzidzisa nzira yakanaka mavanofanira kufamba mairi, uye mutumire mvura pamusoro penyika yenyu yamakapa vanhu venyu ive nhaka.

28 Kana pane nzara panyika, kana pane denda, kana kune kupisa, nenyunje, mhashu, nemakonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika nesuwo ravo; nyatwa ipi neipi kana hosha ipi neipi.

29 Munyengetero upi neupi, mukumbiro upi neupi uchaitwa nemunhu upi neupi, kana nevanhu venyu vose Israeri, apo vaziva uyo neuyo dambudziko rake nemarwadzo ake, zvino akatandavadzira maoko ake kuimba ino;

30 zvino imwi inzwai muri kumatenga, nzvimbo yenyu yekugara, mugokanganwira, uye mupe umwe neumwe zvichienderana nenzira dzake dzose, sezvo muchiziva moyo wake, nokuti ndimwi moga munoziva moyo wevana vevanhu;

31 kuti vakutyei, kufamba munzira dzenyu mazuva ose avanorarama pachiso chenyika yamakapa madzibaba edu.

32 Zvinowo maererano nemutorwa, asiri wevanhu venyu Israeri, asi wakabva kunyika iri kure nekuda kwezita renyu guru, nechanza chenyu chine simba, neruoko rwenyu rwakatandavadzwa; kana vakauya vakanyengetera vakatarira kuimba ino;

33 zvino imwi inzwai muri kumatenga, muri kunzvimbo yenyu yekugara, mugoita zvinoenderana nezvose mutorwa zvaanodana kwamuri, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vagokutyai, sevanhu venyu Israeri, uye kuziva kuti zita renyu rinodanwa pamusoro peimba ino yandakavaka.

34 Kana vanhu venyu vakabudira kuhondo kurwisa vavengi vavo nenzira yamuchavatuma nayo, zvino vakanyengetera kwamuri vakatarisa kuguta iri ramakasarudza, nekuimba yandakavakira zita renyu;

35 zvino inzwai muri kumatenga munyengetero wavo nemukumbiro wavo, mugoita mutongo wavo.

36 Kana vakakutadzirai; nokuti hakuna munhu asingatadzi; zvino mukavatsamwira, mukavapa pamberi pemuvengi, ivo ndokuvatapa kuvatapira kunyika iri kure kana pedo.

37 Kana vakazozvifunga panyika kwavakatapirwa, zvino vakadzoka vakanyengetera kwamuri panyika yeutapwa hwavo, vachiti: Takatadza, takaita zvisakarurama, uye taita zvakaipa;

38 kana vakadzokera kwamuri nemoyo wavo wose uye nemweya weupenyu wavo wose panyika yeutapwa hwavo kwavakavatapira, ndokunyengetera vakatarisa kunyika yavo, yamakapa kumadzibaba avo, nekuguta ramakasarudza, uye nekuimba yandakavakira zita renyu;

39 zvino inzwai muri kumatenga, muri panzvimbo yenyu yekugara, munyengetero wavo nemikumbiro yavo, uye muite mutongo wavo mugokanganwira vanhu venyu vakakutadzirai.

40 Zvino Mwari wangu, meso enyu ngaasvinure hawo, nenzeve dzenyu dziteerere kumunyengetero wenzvimbo ino.

41 Zvino ikozvino simukai, Jehovha Mwari, mupinde munzvimbo yenyu yekuzorora, imwi neareka yesimba renyu; vapristi venyu Jehovha Mwari ngavafukidzwe neruponeso, nevatsvene venyu ngavafare nezvakanaka.

42 Jehovha Mwari, musafuratidza chiso chemuzodzwa wenyu; rangarirai kunaka kwaDhavhidhi muranda wenyu.