ShonaTeam 2 Chronicles « 5 »

5Zvino basa rose Soromoni raakaitira imba yaJehovha rakapera. Soromoni ndokupinza zvinhu Dhavhidhi baba vake zvavaiva vatsvenesa, nesirivha, negoridhe, nenhumbi dzose, akaisa pakati pedura refuma yeimba yaMwari.

Tembere inotsaurirwa Jehovha

2 Panguva iyoyo Soromoni wakaunganidza paJerusarema vakuru vaIsraeri, nemisoro yose yemarudzi, madzishe emadzibaba evana vaIsraeri, kukwidza areka yesungano yaJehovha kubva paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.

3 Varume vose vaIsraeri ndokuungana kuna mambo pamabiko aivako mumwedzi wechinomwe.

4 Nevakuru vose vaIsraeri vakauya; vaRevhi ndokusimudza areka.

5 Zvino vakakwira neareka, netende rekusangana, nemidziyo yose mitsvene yaiva mutende. Vapristi, vaRevhi vakakwira neizvi.

6 Namambo Soromoni, neungano yose yaIsraeri yaiva yaunganira kwaari pamberi peareka, vakabaira makwai nenzombe zvaiva zvisingagoni kuverengwa kana kurahwa neuwandu.

7 Zvino vapristi vakapinza areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo yeinzwi yeimba, kunzvimbo tsvene yedzitsvene, kusvika pasi pemapapiro emakerubhi.

8 Nokuti makerubhi akatandavadza mapapiro pamusoro penzvimbo yeareka; uye makerubhi akafukidza areka nezvibatiso zvayo kumusoro.

9 Zvino vakavhomora zvibatiso, kusvika micheto yezvibatiso yoonekwa kubva paareka pamberi penzvimbo yeinzwi; asi aiva asingaonekwi nechekunze; zviripo ipapo kusvika nhasi.

10 Maiva musina chinhu muareka kunze kwemahwendefa maviri Mozisi aaiva aisamo paHorebhu, apo Jehovha paakaita sungano nevana vaIsraeri pakubuda kwavo paEgipita.

11 Zvino zvakaitika vapristi pavakabuda panzvimbo tsvene - nokuti vapristi vose vaivapo vaiva vazviita vatsvene, vasina kuchengetedza mapoka;

12 nevaRevhi, vaimbi, vose vaAsafi, vaHemani, vaJedhutuni, pamwe nevanakomana vavo, nevananin'ina vavo, vakapfeka mucheka wakaisvonaka, vane makandira, nemitengeranwa, nembira, vakamira kumabvazuva earitari, uye pamwe navo vapristi zana nemakumi maviri, vachiridza hwamanda.

13 Zvino zvakaitika varidzi vehwamanda nevaimbi pakavanzwisa inzwi rimwe pamwe chete, kurumbidza nekuvonga Jehovha, uye pavakasimudza inzwi pamwe nehwamanda, nemakandira, nemidziyo yekuimbisa pakurumbidza Jehovha, nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nekusingaperi, kuti imba yakazara negore, imba yaJehovha.

14 Vapristi ndokusagona kumira kushumira nekuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaMwari.