ShonaTeam 2 Chronicles « 4 »

Nhumbi dzetembere

4Wakaitawo aritari yendarira, makubhiti makumi maviri urefu hwayo, uye makubhiti makumi maviri upamhi hwayo, uye makubhiti gumi kukwirira kwayo.

2 Wakaitawo gungwa rakanyunguduswa; raiva makubhiti gumi kubva pamahombekombe aro kusvika pamahombekombe aro, kupoteredza pose, uye kukwirira kwaro kwaiva makubhiti mashanu, nemutsara wemakubhiti makumi matatu waiva wakarikomberedza kupoteredza.

3 Nemufananidzo wenzombe waiva pasi paro, waiva wakarikomba-komba kupoteredza, gumi pakubhiti, kukomberedza gungwa kuripoteredza; mitsara miviri yenzombe yakaumbwa nekunyungudusa pakuumbwa kwaro nekunyungudusa.

4 Raiva rakamira pamusoro penzombe gumi nembiri; nhatu dzakatarisa kumaodzanyemba, uye nhatu dzakatarisa kumavirazuva, uye nhatu dzakatarisa kuchamhembe, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Zvino gungwa raiva pamusoro padzo pamusoro; uye shure kwadzo kose kwaiva mukati.

5 Neukobvu hwaro hwaiva upamhi hwechanza, nemucheto waro waiva sebasa remucheto wemukombe, seruva remusipiti; rakagamuchira rine mabhati* zvuru zvitatu.

6 Wakaitawo madhishi ekugezera gumi, ndokuisa mashanu kurudyi nemashanu kuruboshwe kugezera maari; zvinhu zvavaipa kuva chipo chinopiswa vaizvigezera maari; asi gungwa raiva revapristi kugezeramo.

7 Wakaitawo zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe zvichienderana nekumiswa kwazvo, ndokuisa mutembere, zvishanu kurudyi uye zvishanu kuruboshwe.

8 Wakaitawo tafura gumi, ndokudziisa mutembere, shanu kurudyi uye shanu kuruboshwe. Ndokuita midziyo yegoridhe zana.

9 Wakaitawo chivanze chevapristi, nechivanze chikuru, nemagonhi echivanze, ndokudzudzura magonhi aro nendarira.

10 Zvino wakaisa gungwa kurutivi rwerudyi nechekumabvazuva, kwakatarisana nekuchamhembe.

11 Zvino Hurami wakaita hari, nefoshoro, nendiro dzekusasa. Hurami ndokupedza kuita basa raakaitira mambo Soromoni paimba yaMwari:

12 Mbiru mbiri, nendiro, nemisoro yaiva pamisoro yembiru mbiri, nemimbure miviri yekufukidza ndiro mbiri dzemisoro yaiva pamusoro wembiru;

13 nemapomegiranati mazana mana pamimbure miviri, mitsara miviri yemapomegiranati pamumbure umwe neumwe, kufukidza ndiro mbiri dzemisoro yaiva pamusoro pechiso chembiru.

14 Akaitawo zvigadziko, akaitawo madhishi ekugezera pamusoro pezvigadziko;

15 gungwa rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi paro.

16 Nehari nefoshoro nezvibaiso zvenyama, nenhumbi dzose dzazvo, Hurami Abhi ndokuzviitira mambo Soromoni achiitira imba yaJehovha nendarira inobwinya.

17 Mambo akazviumba pabani raJoridhani pavhu rekuumba pakati peSukoti neZeredhata.

18 Saizvozvo Soromoni wakaita midziyo yose iyi muuwandu ukuru zvekuti uremu hwendarira hahuna kutsvakwa.

19 Zvino Soromoni wakaita midziyo yose yaiva muimba yaMwari, nearitari yegoridhe, nematafura, nezvingwa zvekuratidza paari;

20 nezvigadziko zvemwenje nemwenje yazvo zvegoridhe rakazara, kuti ipfute zvichienderana nechimiso pamberi penzvimbo yeinzwi;

21 nemaruva, nemwenje, nembato, goridhe, raiva goridhe rakazara;

22 nezvibatiso, nendiro dzekusasa, nemikombe, nezvaenga zvemoto, zvegoridhe rakazara; nepamukova weimba, magonhi ayo emukati enzvimbo tsvene yedzitsvene; nemagonhi eimba yetembere zvaiva zvegoridhe.