ShonaTeam 2 Chronicles « 3 »

Soromoni anovaka tembere yaJehovha

3Zvino Soromoni wakatanga kuvaka imba yaJehovha paJerusarema mugomo reMoria, Jehovha paakazviratidza kuna Dhavhidhi baba vake, panzvimbo Dhavhidhi paaiva agadzirira, paburiro raOrinani muJebhusi.

2 Zvino wakatanga kuvaka nerepiri remwedzi wechipiri, negore rechina rekutonga kwake.

3 Zvino idzi inheyo dzaSoromoni kuvaka imba yaMwari. Urefu pamakubhiti nechiyero chekutanga hwaiva makubhiti makumi matanhatu, neupamhi makubhiti makumi maviri.

4 Neberere raiva pamberi; urefu hwaiva hwuchienderana neupamhi hweimba, makubhiti makumi maviri, nekukwirira makubhiti zana nemakumi maviri; ndokuidzudzura nechemukati negoridhe rakazara.

5 Zvino imba huru wakaifukidza nematanda emusipiresi aakadzudzura negoridhe rakanaka, ndokuisa pairi michindwe nemaketani.

6 Zvino wakadzudzura imba nemabwe anokosha kushongedza; uye goridhe raiva goridhe reParivhaimi.

7 Wakadzudzurawo imba, mapuranga, magwatidziro, nemadziro ayo, nemagonhi ayo negoridhe; ndokuvezera makerubhi* pamadziro.

8 Zvino wakaita imba tsvene yedzitsvene; kureba kwayo kuchienderana neupamhi hweimba, makubhiti makumi maviri, neupamhi hwayo makubhiti makumi maviri; ndokuidzudzura negoridhe rakanaka, kumatarenda* mazana matanhatu.

9 Neuremu hwembambo hwaiva mashekeri egoridhe makumi mashanu. Uye wakadzudzura makamuri ekumusoro negoridhe.

10 Nepaimba tsvene yedzitsvene wakaita makerubhi maviri nebasa rezvakavezwa; ndokuafukidza negoridhe.

11 Zvino mapapiro emakerubhi, kureba kwawo kwaiva makubhiti makumi maviri; bapiro rimwe raiva makubhiti mashanu richinanavira kumadziro eimba, nerimwe bapiro raiva makubhiti mashanu richinanavira kubapiro rerimwe kerubhi.

12 Nebapiro rerimwe kerubhi raiva makubhiti mashanu, richinanavira kumadziro eimba; nerimwe bapiro raiva makubhiti mashanu rakanamatirana nebapiro rerimwe kerubhi.

13 Mapapiro emakerubhi awa akatandavara makubhiti makumi maviri; uye amire nemakumbo awo nezviso zvawo zvikatarisa mumba.

14 Zvino wakaita vheiri nezveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka; ndokuisa pariri makerubhi.

15 Wakaitawo pamberi peimba mbiru mbiri, kureba makubhiti makumi matatu nemashanu, nemusoro waiva pamusoro penhongonya yeimwe neimwe waiva makubhiti mashanu.

16 Wakaitawo maketani sepanzvimbo yeinzwi, ndokuisa pamisoro yembiru; ndokuita mapomegiranati zana ndokuisa pamaketeni.

17 Zvino wakamisa mbiru pamberi petembere, imwe kurudyi uye imwe kuruboshwe; ndokutumidza zita reyekurudyi Jakini, uye zita reyekuruboshwe Bhowazi.