ShonaTeam 2 Chronicles « 2 »

Soromoni anogadzira zvose kuti tembere ivakwe

2Zvino Soromoni wakaraira kuvakira zita raJehovha imba, neimba yeushe hwake.

2 Soromoni ndokuverenga varume zvuru makumi manomwe kutakura mitoro, nevarume zvuru makumi masere kuveza pamakomo, nezvuru zvitatu nemazana matanhatu kuva vatariri pamusoro pavo.

3 Zvino Soromoni wakatuma shoko kuna Hurami mambo weTire, achiti: Sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, ndokuvatumira misidhari yekuzvivakira imba yekugaramo, ndiitireiwo.

4 Tarirai, ini ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kupisira pamberi pake zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvehwema hunonhuhwira, neyezvingwa zvekuratidza rinhi narinhi, neyezvipo zvinopiswa mangwanani nemadekwani, pamasabata nepakugara kwemwedzi nepamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Ichi chimiso chekusingaperi kwaIsraeri.

5 Zvino imba yandinovaka ihuru; nokuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwari vose.

6 Asi ndiani ane simba kumuvakira imba, nokuti matenga, iwo matenga ematenga zvaasingagoni kumuringana? Zvino ini ndini ani kuti ndimuvakire imba, kunze kwekupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi pake?

7 Naizvozvo ikozvino tumirai kwandiri murume nyanzvi yekushanda negoridhe uye nesirivha uye nendarira uye nematare uye nemicheka yeruvara rwehute nemitsvuku neyeruvara rwedenga, uye ane umhizha kufombora zvifomborwa, pamwe nevachenjeri vaneni paJudha nepaJerusarema, baba vangu Dhavhidhi vavakamisa.

8 Nditumireiwo miti yemisidhari, misipiresi, nematanda emiarigumi yepaRebhanoni; nokuti ini ndinoziva kuti varanda venyu vanoziva kutema matanda paRebhanoni. Uye tarirai varanda vangu vachava nevaranda venyu,

9 kundigadzirirawo matanda akawanda; nokuti imba yandobva ndovaka ichava huru uye inoshamisa.

10 Uye tarirai, ndichapa varanda venyu, vatemi ivo vanotema matanda, zviyero zvine zvuru makumi maviri zvezviyo, nezviyero zvine zvuru makumi maviri zvebhari, nemabhati ane zvuru makumi maviri ewaini, nemabhati ane zvuru makumi maviri emafuta.

11 Zvino Hurami mambo weTire wakapindura mukunyora kwaakatumira kuna Soromoni: Nokuti Jehovha wakada vanhu vake wakakuisa kuva mambo pamusoro pavo.

12 Zvino Hurami wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari waIsraeri, iye wakaita matenga nepasi, iye wakapa mambo Dhavhidhi mwanakomana wakachenjera, anoziva njere neruzivo, anovakira Jehovha imba, uye imba yeushe hwake.

13 Zvino ikozvino ndatumira murume nyanzvi anoziva kunzwisisa, Hurami Abhi,

14 mwanakomana wemukadzi pavakunda vaDhani, baba vake waiva murume weTire, anoziva kushanda negoridhe, uye nesirivha, nendarira, nematare, nemabwe, uye nematanda, nezveruvara rwehute, nezveruvara rwedenga, uye nemucheka wakaisvonaka, uye nemitsvuku; nekufombora chifomborwa chipi nechipi, nekufunga mano ose anopiwa kwaari, pamwe nenyanzvi dzenyu nenyanzvi dzashe wangu Dhavhidhi baba vako.

15 Naizvozvo zvino gorosi, nebhari, mafuta, newaini, ishe wangu zvaareva, ngaazvitumire kuvaranda vake.

16 Zvino isu tichatema matanda kubva paRebhanoni zvichienderana nezvamunoshaiwa zvose; uye tichaauisa kwamuri nekuyeredza negungwa kuJopa; uye imwi muchaakwidza kuJerusarema.

17 Zvino Soromoni wakaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsraeri, zvichitevera kuverengwa Dhavhidhi baba vake kwaaiva avaverenga nako, ndokuwanikwa zvuru zana nemakumi mashanu nezvitatu nemazana matanhatu.

18 Zvino wakaita pavari vatakuri vemitoro zvuru makumi manomwe, nezvuru makumi masere vatemi pamakomo, uye zvuru zvitatu nemazana matanhatu kuva vatariri kushandisa vanhu.