ShonaTeam 1 Chronicles « 29

Vanhu vanouya nezvipo zvekuvaka tembere

29Zvino mambo Dhavhidhi wakati kuungano yose: Mwanakomana wangu Soromoni, uyo oga Mwari waakasarudza mudiki uye haana simba, zvino basa iguru; nokuti muzinda hausi wemunhu asi waJehovha Mwari.

2 Zvino ndagadzirira nesimba rangu rose imba yaMwari wangu, goridhe rezvegoridhe, nesirivha yezvesirivha, nendarira yezvendarira, matare ezvematare, nematanda ezvematanda; mabwe eonikisi neekuiswa, mabwe anopenya neemavara-mavara, nemhando dzose dzemabwe anokosha, nemabwe earabhasiteri* muuwandu.

3 Uyezve, nekuda kwekuda kwangu imba yaMwari wangu, fuma ndinayo pachangu, goridhe nesirivha, ndinopa imba yaMwari wangu, pamusoro pezvose zvandakagadzirira imba tsvene:

4 Matarenda* egoridhe zvuru zvitatu, egoridhe reOfiri, nematarenda akanatswa esirivha zvuru zvinomwe, kudzudzura madziro edzimba nazvo.

5 Zvegoridhe rezvegoridhe, nezvesirivha yezvesirivha, nezvemabasa emarudzi ose emaoko edzimhizha. Zvino ndiani anoda kutsaurira Jehovha nhasi?

6 Zvino misoro yemadzibaba, nemisoro yemarudzi aIsraeri, nemisoro yezvuru neyemazana, nemisoro yebasa ramambo vakapa nechido.

7 Zvino vakapa pabasa reimba yaMwari matarenda zvuru zvishanu egoridhe, nemakobiri zvuru gumi, uye matarenda zvuru gumi esirivha, nematarenda zvuru gumi nezvisere endarira, nematarenda zvuru zana ematare.

8 Neavo kwakawanikwa kwavari mabwe, vakaapa kufuma yeimba yaJehovha neruoko rwaJehieri muGerishoni.

9 Zvino vanhu vakafara nekupa kwavo nechido, nokuti nemoyo wakaperera vakapa nechido kuna Jehovha; namambo Dhavhidhiwo vakafara, mufaro mukuru.

10 Zvino Dhavhidhi wakarumbidza Jehovha pameso eungano yose; Dhavhidhi ndokuti: Rumbidzwai imwi Jehovha Mwari waIsraeri baba vedu kubva rinhi narinhi kusvika rinhi narinhi.

11 Ndezvenyu Jehovha, ukuru nesimba nekubwinya nekukunda neumambo, nokuti zvose zviri kumatenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndehwenyu, Jehovha, uye makakudzwa mukava musoro wezvose.

12 Zvose fuma nerukudzo zvinobva kwamuri, uye munotonga pamusoro pezvose; uye muruoko rwenyu mune kugwinya nesimba, uye zviri muruoko rwenyu kukurisa nekupa vose simba.

13 Naizvozvo zvino Mwari wedu, tinopa kuvonga kwamuri uye tinopa rumbidzo kuzita renyu rakanakisisa.

14 Zvino ini ndini ani, nevanhu vangu chinyi, kuti tiwane simba kupa nechido zvakadai, nokuti zvose zvinobva kwamuri, uye tapa kwamuri zvinobva paruoko rwenyu.

15 Nokuti tiri vaeni pamberi penyu nevatorwa, semadzibaba edu ose; mazuva edu panyika akaita semumvuri, uye hakuna tariro.

16 Jehovha Mwari wedu, zvakawanda zvose izvi zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu; uye zvose ndezvenyu.

17 Ndinozivawo Mwari wangu, kuti imwi munonzvera moyo, uye munofarira kururama. Ini, mukururama kwemoyo wangu, ndakapa izvi zvose nechido, uye ikozvino ndaona vanhu venyu nemufaro ivo vanowanikwa pano kuti vape nechido kwamuri.

18 Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka, naIsraeri, madzibaba edu, chengetai izvi kusvika rinhi narinhi mundangariro dzemifungo yemoyo yevanhu venyu, uye mugadzirire moyo wavo kwamuri.

19 Zvino ipai Soromoni mwanakomana wangu moyo wakaperera, kuchengeta mirairo yenyu, zvipupuro zvenyu, nezvimiso zvenyu, uye kuita zvose nekuvaka muzinda wandagadzirira.

20 Dhavhidhi ndokuti kuungano yose: Zvino rumbidzai Jehovha Mwari wenyu. Ungano yose ndokurumbidza Jehovha Mwari wemadzibaba avo, ndokukotamira pasi, ndokushumira Jehovha namambo.

21 Zvino vakabaira zvibairo kuna Jehovha, ndokupa zvipo zvinopiswa kuna Jehovha chifume chezuva iro: Nzombe diki churu chimwe, makondohwe churu chimwe, makwayana churu chimwe, pamwe nezvipo zvazvo zvechinwiwa, nezvibairo zvakawanda kuitira Israeri wose.

22 Zvino vakadya ndokunwa pamberi paJehovha nemufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo kechipiri, vakamuzodzera Jehovha kuva mutungamiriri, naZadhoki kuva mupristi.

23 Zvino Soromoni wakagara pachigaro cheushe chaJehovha samambo pachinzvimbo chaDhavhidhi baba vake, ndokubudirira; naIsraeri wose ndokumuteerera.

24 Zvino misoro yose nevarume vane simba uye vanakomana vose vamambo Dhavhidhi vakapa ruoko kuva pasi paSoromoni mambo.

25 Zvino Jehovha wakakudza Soromoni kwazvo-kwazvo pamberi pemeso aIsraeri wose, ndokumupa ushe hweumambo sehusina kumbovapo kuna mambo upi neupi mberi kwake kwaIsraeri.

Kufa kwaDhavhidhi

26 Zvino Dhavhidhi mwanakomana waJese akatonga pamusoro paIsraeri wose.

27 Zvino mazuva aakatonga pamusoro paIsraeri aiva makore makumi mana; makore manomwe wakatonga paHebhuroni, uye makumi matatu nematatu wakatonga paJerusarema.

28 Zvino wakafa akwegura zvakanaka, azara nemazuva, fuma, nerukudzo. Soromoni mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.

29 Zvino nyaya dzaDhavhidhi mambo dzekutanga nedzekupedzisira, tarira dzakanyorwa munyaya dzaSamueri muoni uye munyaya dzaNatani muporofita nemunyaya dzaGadhi muoni;

30 pamwe nekutonga kwake kose nesimba rake nenguva dzakadarika nepamusoro pake nepamusoro paIsraeri nepamusoro peumambo hwose hwedzinyika.