ShonaTeam 1 Chronicles « 27 »

Vakuru vehondo

27Zvino vana vaIsraeri neuwandu hwavo, misoro yemadzibaba, nevakuru vezvuru nevemazana, nevatariri vavo, vaishandira mambo pazvinhu zvose zvemapoka aipinda nekubuda mwedzi nemwedzi pamwedzi yose yegore, boka rimwe nerimwe; zvuru makumi maviri nezvina.

2 Pamusoro peboka rekutanga pamwedzi wekutanga, Jashobheyami mwanakomana waZabhadhiyeri; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

3 Waibva kuvana vaPerezi, musoro wemachinda ose edzihondo pamwedzi wekutanga.

4 Zvino pamusoro peboka remwedzi wepiri paiva naDhodhayi muAhohi, neboka rake; Mikiroti waivawo mutungamiriri; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

5 Musoro wehondo yetatu pamwedzi wetatu waiva Bhenaya mwanakomana waJehoyadha mupristi mukuru; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

6 Uyu Bhenaya waiva wesimba pavane makumi matatu, uye waiva pamusoro pemakumi matatu; neboka rake nderaAmizabhadhi mwanakomana wake.

7 Wechina pamwedzi wechina waiva Asaheri munin'ina waJoabhu, naZebhedhia mwanakomana wake waimutevera; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

8 Weshanu pamwedzi weshanu waiva muchinda Shamhuti muIzira; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

9 Wetanhatu pamwedzi wetanhatu waiva Ira mwanakomana waIkeshi muTekowa; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

10 Wechinomwe pamwedzi wechinomwe waiva Herezi muPeroni wevanakomana vaEfuremu; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

11 Wesere pamwedzi wesere waiva Shebhekai muHushati, wevaZerihi; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

12 Wepfumbamwe pamwedzi wepfumbamwe waiva Abhiezeri muAnatoti wevaBhenjamini; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

13 Wegumi pamwedzi wegumi waiva Maharai muNetofati wevaZera; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

14 Wegumi neumwe pamwedzi wegumi neumwe waiva Bhenaya muPiratoni wevana vaEfuremu; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

15 Wegumi nevaviri pamwedzi wegumi nemiviri waiva Heridhai muNetofati waOtiniyeri; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.

Varairi vemarudzi gumi nemaviri

16 Uye pamusoro pemarudzi aIsraeri: Mutongi wevaRubheni waiva Eriezeri mwanakomana waZikiri. KuvaSimioni: Shefatiya mwanakomana waMaaka.

17 Kuna Revhi: Hashabhiya mwanakomana waKemueri. Kuna Aroni: Zadhoki.

18 Kuna Judha: Erihu pavanin'ina vaDhavhidhi. Kuna Isasikari: Omiri mwanakomana waMikayeri.

19 Kuna Zebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhiya. Kuna Nafutari: Jeremoti mwanakomana waAziyeri.

20 Kuvana vaEfuremu: Hosheya mwanakomana waAzaziya. Kuhafu yerudzi rwaManase: Joweri mwanakomana waPedhaya.

21 Kuhafu yekwaManase paGiriyadhi: Idho mwanakomana waZekariya. Kuna Bhenjamini: Jasiyeri mwanakomana waAbhineri.

22 Kuna Dhani: Azareri mwanakomana waJerohamu. Ndivo vaiva vakuru vemarudzi aIsraeri.

23 Asi Dhavhidhi haana kutora uwandu hwavo, hwevane makore makumi maviri nepasi; nokuti Jehovha waiva ati achawanza Israeri senyeredzi dzekumatenga.

24 Joabhu mwanakomana waZeruya wakatanga kuverenga, asi haana kupedza; nokuti kwakava nehasha nekuda kweizvozvo pana Israeri; naizvozvo uwandu hauna kukwira pakuverengwa kweMakoronike amambo Dhavhidhi.

Vamwe varanda vaDhavhidhi

25 Zvino pamusoro pezvakakosha zvamambo paiva naAzimavheti mwanakomana waAdhiyeri; uye pamusoro pezvinokosha muminda, mumaguta, nemumisha, nemunhare paiva naJonatani mwanakomana waUziya.

26 Zvino pamusoro pevaiita basa remumunda wekurimwa kwevhu paiva naEziri mwanakomana waKerubhi.

27 Zvino pamusoro peminda yemizambiringa paiva naShimei muRamati; uye pamusoro pezvaiva muminda yemizambiringa zvezvinokosha zvewaini paiva naZabhadhi muShifimi.

28 Zvino pamusoro pemiti yemiorivhi nemionde yaiva pamipata paiva naBhaari-Hanani muGedheri; uye pamusoro pezvinokosha zvemafuta paiva naJoashi.

29 Zvino pamusoro pemombe dzaifura paSharoni paiva naShitirai muSharoni; uye pamusoro pemombe mumipata paiva naShafati mwanakomana waAdhirai.

30 Zvino pamusoro pemakamera paiva naObhiri muIshimaeri; uye pamusoro pembongoro paiva naJedheiya muMeronoti.

31 Zvino pamusoro pemapoka emakwai paiva naJazizi muHagiri. Ava vose vaiva vatariri venhumbi mambo Dhavhidhi dzaaiva nadzo.

32 Uye Jonatani babamunini vaDhavhidhi waiva gurukota, murume wakachenjera, uye munyori; naJehieri mwanakomana waHakimoni waiva nevanakomana vamambo.

33 Zvino Ahitoferi waiva gurukota ramambo; naHushai muAriki waiva shamwari yamambo.

34 Uye shure kwaAhitoferi kwaiva naJehoyadha mwanakomana waBhenaya, naAbhiyatari; uye musoro wehondo yamambo waiva Joabhu.