ShonaTeam 1 Chronicles « 25 »

Mapoka evaimbi

25Zvino Dhavhidhi nevakuru vehondo vakatsaurira shumiro kuvanakomana vaAsafi nekuna Hemani nekuna Jedhutuni, vanoporofita nembira, nemitengeranwa, uye nemakandira; neuwandu hwevarume vebasa hwaienderana neshumiro yavo.

2 Kuvanakomana vaAsafi: Zakuri, naJosefa, naNetaniya, naAsarera, vanakomana vaAsafi, pasi peruoko rwaAsafi, waiporofita nemurairo wamambo.

3 Kuna Jedhutuni: Vanakomana vaJedhutuni: Gedhariya, naZeri, naJeshaya, Hashabhiya, naMatitia, vatanhatu pasi pemaoko ababa vavo Jedhutuni waiporofita nembira, kuvonga nekurumbidza Jehovha.

4 KwaHemani: Vanakomana vaHemani: Bhukiya, Mataniya, Uziyeri, Shebhueri, naJerimoti, Hananiya, Hanani, Eriyata, Gidhariti, naRomamiti-Ezeri, Joshibhekasha, Maroti, Hotiri, Mahazioti.

5 Ava vose vanakomana vaHemani, muoni wamambo pamashoko aMwari kusimudza runyanga. Mwari ndokupa kuna Hemani vanakomana gumi nevana, nevakunda vatatu.

6 Ava vose vaiva mumaoko ababa vavo pakuimba muimba yaJehovha, nemakandira, mitengeranwa, nembira, pashumiro yeimba yaMwari pasi pemaoko amambo, Asafi, naJedhutuni, naHemani.

7 Zvino uwandu hwavo pamwe nehama dzavo vaiva vakadzidziswa zvenziyo dzaJehovha, vose vaiva neruzivo, hwaiva mazana maviri nemakumi masere nevasere.

8 Zvino vakakanda mijenya pakudondana kwebasa, sezvakaita mudiki sezvakaita mukuru, mudzidzisi pamwe nemudzidzi.

9 Zvino mujenya wekutanga wakabudira Asafi kuna Josefa; wepiri kuna Gedhariya; iye nevanin'ina vake nevanakomana vake, gumi nevaviri;

10 wetatu kuna Zakuri, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

11 wechina kuna Iziri, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

12 weshanu kuna Netaniya, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

13 wetanhatu kuna Bhukiya, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

14 wechinomwe kuna Jesarera, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

15 wesere kuna Jeshaya, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

16 wepfumbamwe kuna Mataniya, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

17 wegumi kuna Shimei, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

18 wegumi neumwe kuna Azareeri, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

19 wegumi nevaviri kuna Hashabhiya, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

20 wegumi nevatatu kuna Shubhayeri, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

21 wegumi nena kuna Matitia, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

22 wegumi neshanu kuna Jeremoti, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

23 wegumi netanhatu kuna Hananiya, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

24 wegumi nenomwe kuna Joshibhekasha, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

25 wegumi nesere kuna Hanani, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

26 wegumi nepfumbamwe kuna Maroti, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

27 wemakumi maviri kuna Eriyata, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

28 wemakumi maviri neumwe kuna Hotiri, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

29 wemakumi maviri nevaviri kuna Gidhariti, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

30 wemakumi maviri nevatatu kuna Mahaziyoti, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri;

31 wemakumi maviri nena kuna Romamiti-Ezeri, vanakomana vake, nevanin'ina vake, gumi nevaviri.