ShonaTeam 1 Chronicles « 24 »

Dhavhidhi anokamura vapristi

24Zvino vanakomana vaAroni vaiva nemapoka avo. Vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.

2 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa kutangira baba vavo, uye vaiva vasina vana. Naizvozvo Eriazari naItamari vakashanda paupristi.

3 Dhavhidhi ndokuvakamura, naZadhoki pavanakomana vaEriazari, naAhimereki pavanakomana vaItamari, zvichienderana nezvinzvimbo zvavo pashumiro yavo.

4 Zvino kwakawanikwa kuvanakomana vaEriazari misoro yevane simba vazhinji kupfuura kuvanakomana vaItamari; ndokuvakamura: Pavanakomana vaEriazari, misoro yeimba yemadzibaba yaiva gumi nemitanhatu, uye vasere pavanakomana vaItamari neimba yemadzibaba avo.

5 Zvino vakakamurwa nemijenya, ava neavo; nokuti machinda eimba tsvene nemachinda aMwari aibva pavanakomana vaEriazari nepavanakomana vaItamari.

6 Zvino Shemaya mwanakomana waNetaneri munyori, anobva kuvaRevhi, wakavanyora pamberi pamambo, nemachinda, naZadhoki mupristi, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, nemisoro yemadzibaba evapristi neevaRevhi; imba yababa imwe yatorerwa Eriazari, uye imwe yatorerwa Itamari.

7 Zvino mujenya wekutanga wakabudira kuna Jehoiyaribhi; wepiri kuna Jedhaya;

8 wetatu kuna Harimi; wechina kuna Seorimi;

9 weshanu kuna Marikiya; wetanhatu kuna Miyamini;

10 wechinomwe kuna Hakozi; wesere kuna Abhija;

11 wepfumbamwe kuna Jeshuwa; wegumi kuna Shekaniya;

12 wegumi neumwe kuna Eriashibhi; wegumi nemiviri kuna Jakimi;

13 wegumi nemitatu kuna Hupa; wegumi nemina kuna Jeshebhiyabhi;

14 wegumi nemishanu kuna Bhiriga; wegumi nemitanhatu kuna Imeri;

15 wegumi neminomwe kuna Heziri; wegumi nemisere kuna Hapizezi;

16 wegumi nemipfumbamwe kuna Petahiya; wemakumi maviri kuna Jehezekeri;

17 wemakumi maviri neumwe kuna Jakini; wemakumi maviri nemiviri kuna Gamuri;

18 wemakumi maviri nemitatu kuna Dheraya; wemakumi maviri nemina kuna Mahaziya.

19 Zvinzvimbo zveavo pashumiro yavo zvaiva zvekupinda muimba yaJehovha zvichienderana nekugadzwa kwavo neruoko rwaAroni baba vavo, seizvo Jehovha Mwari waIsraeri zvaakaraira.

Vakuru vevanakomana vaRevhi

20 Zvino pavanakomana vaRevhi vakasara, pavanakomana vaAmiramu: Shubhaeri; pavanakomana vaShubhaeri: Jehidheya.

21 PaRehabhiya: Pavanakomana vaRehabhiya, musoro Ishishiya.

22 PavaIzihari: Sheromoti; pavanakomana vaSheromoti: Jahati.

23 Nevanakomana vaHebhuroni: Jeria wekutanga, Amariya wepiri, Jahaziyeri wetatu, Jekameyamu wechina.

24 Vanakomana vaUziyeri: Mika; pavanakomana vaMika: Shamiri.

25 Munin'ina waMika: Ishishiya; pavanakomana vaIshishiya: Zekariya.

26 Vanakomana vaMerari: Mahiri naMushi; vanakomana vaJahaziya: Bheno.

27 Vanakomana vaMerari: KwaJahaziya: Bheno, naShohamu, naZakuri, naIbhiri.

28 Pana Mahiri: Eriazari; waiva asina vanakomana.

29 Pana Kishi: Vanakomana vaKishi: Jerahimeeri.

30 Nevanakomana vaMushi: Mahiri, naEdheri, naJerimoti. Ava vanakomana vaRevhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo.

31 Neavawo vakakanda mijenya sehama dzavo, vanakomana vaAroni pamberi paDhavhidhi mambo, naZadhoki, naAhimereki, nemisoro yemadzibaba yevapristi neyevaRevhi, misoro yemadzibaba seyemunin'ina wake.