ShonaTeam 1 Chronicles « 23 »

VaRevhi vanopiwa mabasa avo

23Zvino Dhavhidhi waiva akwegura, agutsikana pamazuva; wakaita Soromoni mwanakomana wake mambo pamusoro paIsraeri.

2 Zvino wakaunganidza machinda ose aIsraeri pamwe nevapristi nevaRevhi.

3 Zvino vaRevhi vakaverengwa kubva pamakore makumi matatu zvichikwirawo; zvino uwandu hwavo, nemisoro yavo, nevarume, vaiva zvuru makumi matatu nezvisere.

4 Pane ava paiva nezvuru makumi maviri nezvina kufambisa basa reimba yaJehovha; uye vatariri nevatongi zvuru zvitanhatu;

5 nevachengeti vemasuwo zvuru zvina; nevarumbidzi vaJehovha zvuru zvina nezvinhu zvandakaitira kurumbidza, wakadaro Dhavhidhi.

6 Zvino Dhavhidhi wakavakamura kuita mapoka zvichienderana nevanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati, naMerari.

7 KuvaGerishoni: Rahadhani naShimei.

8 Vanakomana vaRahadhani: Jehieri musoro, naZetamu, naJoweri, vatatu.

9 Vanakomana vaShimei: Sheromiti, naHazieri, naHarani, vatatu. Ava vaiva misoro yemadzibaba aRahadhani.

10 Nevanakomana vaShimei: Jahati, Zina, naJeushi, naBheriya. Ava vaiva vanakomana vaShimei, vana.

11 Zvino Jahati waiva musoro, naZiza ari wepiri; asi Jeushi naBheriya vaiva vasina vanakomana vakawanda; naizvozvo vakava paimba yemadzibaba nekuverengwa kumwe.

12 Vanakomana vaKohati: Amiramu, Izihari, Hebhuroni, naUziyeri, vana.

13 Vanakomana vaAmiramu: Aroni, naMozisi. Uye Aroni wakatsaurwa kuti atsvenese zvinhu zvitsvene-tsvene, iye nevanakomana vake kusvika rinhi narinhi, kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi paJehovha, kumushumira, nekuropafadza muzita rake rinhi narinhi.

14 Zvino Mozisi munhu waMwari, vanakomana vake vakadanwa nerudzi rwaRevhi.

15 Vanakomana vaMozisi: Gerishomu naEriezeri.

16 Vanakomana vaGerishomu: Shebhueri musoro.

17 Nevanakomana vaEriezeri vaiva Rehabhiya musoro. Zvino Eriezeri waiva asina vamwe vanakomana; vanakomana vaRehabhiya ndokuwanda zvikuru.

18 Vanakomana vaIzihari: Sheromiti musoro.

19 Vanakomana vaHebhuroni: Jeriya musoro, Amariya wepiri, Jahaziyeri wetatu, Jekameyamu wechina.

20 Vanakomana vaUziyeri: Mika musoro, naIshishiya wepiri.

21 Vanakomana vaMerari: Mahiri naMushi. Vanakomana vaMahiri: Eriazari naKishi.

22 Zvino Eriazari wakafa, uye waiva asina vanakomana, asi vanasikana. Hama dzavo, vanakomana vaKishi, ndokuvatora.

23 Vanakomana vaMushi: Mahiri, naEdheri, naJeremoti, vatatu.

24 Ava vanakomana vaRevhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo, misoro yemadzibaba, sekuverengwa kwavo, neuwandu hwemazita nemisoro yavo, vaiita basa reshumiro reimba yaJehovha, kubva pamakore makumi maviri zvichikwirawo.

25 Nokuti Dhavhidhi wakati: Jehovha Mwari waIsraeri wakapa vanhu vake zororo; uye achagara muJerusarema kusvika rinhi narinhi.

26 Uyewo kuvaRevhi, hakuna achatakura tabhenekari kana midziyo yose yayo yeshumiro yayo.

27 Nokuti nemashoko ekupedzisira aDhavhidhi vanakomana vaRevhi vakaverengwa, kubva pamakore makumi maviri zvichikwirawo.

28 Nokuti nzvimbo yavo yaiva muruoko rwevanakomana vaAroni pashumiro yeimba yaJehovha, pamusoro pezvivanze, nepamusoro pemakamuri, nepamusoro pekuchenurwa kwezvinhu zvitsvene zvose, uye basa reshumiro yeimba yaMwari;

29 nerechingwa chekuratidza, nereupfu hwakatsetseka hwechipo chechidyiwa, nerezvingwa zvitete zvisina mbiriso, nerezvakabikwa mupani, nerezvakakangiwa nemafuta, nerezviyero zvose nemakuriro,

30 nekumira mangwanani nemangwanani kuvonga nekurumbidza Jehovha, uye saizvozvo madekwani;

31 nekupa zvose zvezvipo zvinopiswa kuna Jehovha zvemasabata, zvekugara kwemwedzi, nezvepamitambo yakatarwa, neuwandu, zvichienderana nechimiso pamusoro pazvo rinhi narinhi pamberi paJehovha;

32 nekuchengeta chirindo chetende rekusangana, nechirindo cheimba tsvene, nechirindo chevanakomana vaAroni, hama dzavo, pashumiro yeimba yaJehovha.