ShonaTeam 1 Chronicles « 22 »

22Zvino Dhavhidhi wakati: Iyi iimba yaJehovha Mwari, uye iyi iaritari yechipo chinopiswa chaIsraeri.

Dhavhidhi anogadzira zvekuvaka tembere nazvo

2 Zvino Dhavhidhi wakaraira kuunganidza vatorwa vaiva panyika yaIsraeri; ndokugadza vavezi vemabwe, kuti vaveze mabwe akagadzirwa kuvaka imba yaMwari.

3 Dhavhidhi akagadzirawo matare mazhinji ezvipikiri zvemagonhi emikova neekubatanidza; uye ndarira zhinji isina kuyerwa uremu.

4 Nematanda emisidhari asina kuverengwa; nokuti vaSidhoni nevaTire vakauya nematanda emusidhari mazhinji kuna Dhavhidhi.

5 Dhavhidhi ndokuti: Soromoni mwanakomana wangu mudiki asina simba, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo pazita neparumbidzo panyika dzose; ndichaigadzirira hangu. Dhavhidhi ndokugadzira zvizhinji asati afa.

6 Zvino wakadana Soromoni mwanakomana wake, ndokumuraira kuvakira Jehovha Mwari waIsraeri imba.

7 Dhavhidhi ndokuti kuna Soromoni: Mwanakomana wangu: Kana ndiri ini, zvaiva mumoyo mangu kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba.

8 Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: Wakateura ropa zhinji, uye wakaita dzihondo dzakakura; haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa zhinji panyika pamberi pangu.

9 Tarira, uchaberekerwa mwanakomana; iye achava munhu wezororo; uye ndichamupa zororo kubva pavavengi vake vose vakapoteredza; nokuti zita rake richava Soromoni, uye ndichapa rugare nerunyararo kuna Israeri mumazuva ake.

10 Iye achavakira zita rangu imba; uye iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake. Zvino ndichasimbisa chigaro cheushe cheumambo hwake pamusoro paIsraeri kusvika rinhi narinhi.

11 Ikozvino, mwanakomana wangu, Jehovha ngaave newe; uye ubudirire ugovaka imba yaJehovha Mwari wako, sekutaura kwake pamusoro pako.

12 Koga Jehovha ngaakupe njere nekunzwisisa, agokuraira pamusoro paIsraeri; kuti uchengete murairo waJehovha Mwari wako.

13 Ipapo uchabudirira, kana uchichenjerera kuzadzisa zvimiso nemitongo Jehovha zvaakaraira Mozisi nazvo maererano naIsraeri. Simba, uye uve neushingi, usatya, kana kuodzwa moyo.

14 Zvino tarira, pakutambudzika kwangu ndagadzirira imba yaJehovha matarenda zvuru zana zvegoridhe, nematarenda churu chezvuru esirivha, nendarira nematare zvisina kuyerwa uremu, nokuti zvizhinji; uye matanda nemabwe ndagadzira; zvino uchawedzera kwazviri.

15 Uye vaiti vebasa vazhinji unavo, vavezi vemabwe, nenyanzwi dzemabwe nematanda, nemurume umwe neumwe wakachenjera pabasa ripi neripi.

16 Pagoridhe, pasirivha, nepandarira, nepamatare hapana kuyerwa uwandu. Simuka ushande, uye Jehovha ave newe.

17 Dhavhidhi wakarairawo misoro yose yaIsraeri kubatsira Soromoni mwanakomana wake, akati:

18 Jehovha Mwari wenyu haasi nemwi here? Uye wakakupai zororo kudivi rimwe nerimwe. Nokuti wakapa vagari venyika muruoko rwangu, uye nyika yakaiswa pasi pamberi paJehovha nepamberi pevanhu vake.

19 Ikozvino misai moyo yenyu nemweya yeupenyu yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Simukai zvino muvake nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kupinza areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba yakavakirwa zita raJehovha.