ShonaTeam 1 Chronicles « 21 »

Dhavhidhi anoverenga vaIsraeri, vanhu ndokurohwa nedenda

21Zvino Satani wakasimuka kurwisa Israeri, ndokukwezva Dhavhidhi kuti averenge Israeri.

2 Dhavhidhi ndokuti kuna Joabhu nekumachinda evanhu: Endai muverenge Israeri kubva paBheeri-Shebha kusvika paDhani; muuise kwandiri kuti ndizive uwandu hwavo.

3 Joabhu ndokuti: Jehovha ngaawedzere pavanhu vake sezvavari kakapamhidzirwa kazana. Ishe wangu mambo, vose havasi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakirei chinhu ichi? Achavirei chikonzero chechitadzo kuna Israeri?

4 Zvakadaro shoko ramambo rakava nesimba pamusoro paJoabhu. Naizvozvo Joabhu wakabuda, ndokufamba-famba pakati paIsraeri wose, ndokusvika paJerusarema.

5 Joabhu ndokupa uwandu hwekuverengwa kwevanhu kuna Dhavhidhi. Uye Israeri wose waiva nevarume zvuru churu nezvuru zana vaivhomora munondo; uye Judha waiva nevarume zvuru mazana mana nemakumi manomwe vaivhomora munondo.

6 Asi Revhi naBhenjamini haana kuvaverenga pakati pavo, nokuti shoko ramambo raiva chinyangadzo kuna Joabhu.

7 Zvino zvakava zvakaipa pameso paMwari maererano nechinhu ichi; naizvozvo wakarova Israeri.

8 Dhavhidhi ndokuti kuna Mwari: Ndatadza zvikuru, nokuti ndaita chinhu ichi. Asi ikozvino, pfuudzai henyu chitadzo chemuranda wenyu, nokuti ndaita neupenzi ukuru.

9 Zvino Jehovha wakataura kuna Gadhi, muoni waDhavhidhi, achiti:

10 Enda unotaura kuna Dhavhidhi, uchiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndinokuisira zvitatu. Zvisarudzire chimwe cheizvi ndigokuitira icho.

11 Gadhi ndokupinda kuna Dhavhidhi ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Zvisarudzire:

12 Kana makore matatu enzara, kana mwedzi mitatu kuparadzwa pamberi pevavengi vako, uye munondo wevavengi vako ukuwane, kana mazuva matatu munondo waJehovha, ndiro denda panyika, uye mutumwa waJehovha achiparadza pamiganhu yose yaIsraeri. Zvino ikozvino ona kuti imhinduroi yandinodzosera kune wandituma.

13 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Gadhi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ngandiwire hangu muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru zvikuru; asi ngandirege kuwira muruoko rwemunhu.

14 Naizvozvo Jehovha wakapa denda pana Israeri; ndokuwa varume zvuru makumi manomwe kubva kwaIsraeri.

15 Zvino Mwari wakatuma mutumwa kuJerusarema kunoriparadza. Zvino wakati onoparadza, Jehovha wakaona ndokuzvidemba pamusoro pechakaipa ichi, ndokuti kumutumwa waiparadza: Zvakwana, dzosa ikozvino ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha wakamira paburiro raOrinani muJebhusi.

16 Zvino Dhavhidhi wakasimudza meso ake ndokuona mutumwa waJehovha amire pakati penyika nematenga ane munondo wakavhomorwa muruoko rwake rwakatandavadzwa pamusoro peJerusarema. Zvino Dhavhidhi nevakuru vakawira pasi nezviso zvavo, vakapfeka masaga.

17 Dhavhidhi ndokuti kuna Mwari: Handisi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Iyeni ndini ndakatadza ndikaita chakaipa zvikuru; asi makwai awa, akaitei? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngaruve harwo pamusoro pangu, nepamusoro peimba yababa vangu, asi kwete pamusoro pevanhu venyu kuti vatambudzwe.

18 Zvino mutumwa waJehovha wakataura kuna Gadhi kuti audze Dhavhidhi kuti Dhavhidhi akwire amisire Jehovha aritari paburiro raOrinani muJebhusi.

19 Zvino Dhavhidhi wakakwira neshoko raGadhi raakataura nezita raJehovha.

20 Zvino Orinani wakacheuka, ndokuona mutumwa; nevanakomana vake vana vaiva naye vakavanda. Zvino Orinani waipura gorosi.

21 Zvino Dhavhidhi wakasvika kuna Orinani. Orinani ndokutarira ndokuona Dhavhidhi, ndokubuda paburiro, ndokukotamira Dhavhidhi nechiso chake pasi.

22 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Orinani: Ndipe nzvimbo yeburiro, kuti ndivakire Jehovha aritari mairi; ndipe hero nemutengo wakazara, kuti denda rimiswe kubva pavanhu.

23 Zvino Orinani wakati kuna Dhavhidhi: Zvitorerei, uye ishe wangu mambo ngaaite zvakanaka pameso ake; tarirai, ndinopa nzombe dzive zvipo zvinopiswa, nemipuro ive huni, negorosi rive chipo chechidyiwa. Ndinopa zvose.

24 Mambo Dhavhidhi ndokuti kuna Orinani: Kwete, asi ndicharitenga zvekutenga nemutengo wakazara; nokuti handingatoreri Jehovha chiri chako, kana kupa chipo chinopiswa kunze kwemutengo.

25 Naizvozvo Dhavhidhi wakapa Orinani mashekeri mazana matanhatu egoridhe pauremu panzvimbo iyo.

26 Dhavhidhi ndokuvakirapo Jehovha aritari, ndokupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa, ndokudana kuna Jehovha; iye ndokumupindura nemoto kubva kumatenga pamusoro pearitari yechipo chinopiswa.

27 Jehovha ndokuraira mutumwa, iye ndokudzosera munondo wake mumuhara wawo.

28 Panguva iyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha wamupindura paburiro raOrinani muJebhusi, wakabairapo zvipo.

29 Nokuti tabhenekeri yaJehovha Mozisi yaaiva aita murenje nearitari yechipo chinopiswa panguva iyo zvaiva panzvimbo yakakwirira paGibhiyoni.

30 Asi Dhavhidhi waiva asingagoni kufamba pamberi payo kunotsvaka Mwari; nokuti wakatyiswa nemunondo wemutumwa waJehovha.