ShonaTeam 1 Chronicles « 19 »

Dhavhidhi anokunda vaAmoni nevaSiriya

19Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti Nahashi mambo wevana vaAmoni wakafa; mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.

2 Zvino Dhavhidhi wakati: Ndichaitira moyo wakanaka Hanuni mwanakomana waNahashi, nokuti baba vake vakandiitira moyo wakanaka. Dhavhidhi ndokutuma nhume kumunyaradza pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi ndokusvika panyika yevana vaAmoni kuna Hanuni kumunyaradza.

3 Asi machinda evana vaAmoni akati kuna Hanuni: Dhavhidhi anokudza baba venyu pameso enyu, zvaatuma vanyaradzi kwamuri here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kunzvera, nekuputsa, nekushora nyika here?

4 Naizvozvo Hanuni wakatora varanda vaDhavhidhi, ndokuvevura, ndokugura nguvo dzavo nepakati kusvika pamagadziko, ndokuvarega vaende.

5 Zvino vakaenda vakanoudza Dhavhidhi pamusoro pevarume ava; iye ndokutuma nhume kuvachingamidza, nokuti varume vainyara kwazvo. Mambo ndokuti: Garai muJeriko kusvika ndebvu dzenyu dzamera, mugodzoka.

6 Vana vaAmoni vakati vaona kuti vava vanonhuhwa kuna Dhavhidhi, Hanuni nevana vaAmoni vakatuma matarenda churu esirivha kuzvihaira ngoro nevatasvi vemabhiza kubva kuMesopotamia nekubva kuSiriya-Mahaka nekubva kuZobha.

7 Naizvozvo vakazvihaira ngoro zvuru makumi matatu nezviviri, namambo weMahaka nevanhu vake; ivo vakasvika vakadzika matende pamberi peMedhebha. Vana vaAmoni ndokuungana vachibva kumaguta avo, ndokuuya kuhondo.

8 Zvino Dhavhidhi anzwa wakatuma Joabhu nehondo yose yevarume vane simba.

9 Vana vaAmoni ndokubuda, ndokurongedza hondo pasuwo reguta; nemadzimambo aiva auya oga pasango.

10 Joabhu akati aona kuti hondo yepamberi yaimurwisa mberi neshure, wakasarudza kubva kune vakasarudzwa vose vaIsraeri, ndokuvarongedzera kurwisa vaSiriya.

11 Zvino vakasara vevanhu wakavapa muruoko rwaAbhishai munin'ina wake; zvino vakarongedzera kurwisana nevana vaAmoni.

12 Zvino wakati: Kana vaSiriya vakandikurira, ipapo uchava ruponeso rwangu; asi kana vana vaAmoni vakakukurira, ipapo ndichakununura.

13 Tsunga moyo, tizvisimbise nekuda kwevanhu vedu uye nekuda kwemaguta aMwari wedu; naJehovha ngaaite zvakanaka pameso ake.

14 Joabhu nevanhu vaiva naye ndokuswedera pamberi pevaSiriya kuhondo; ivo ndokutiza pamberi pake.

15 Zvino vana vaAmoni vaona kuti vaSiriya vatiza, naivo vakatizawo kubva pachiso chaAbhishai munin'ina wake, ndokupinda muguta. Joabhu ndokupinda muJerusarema.

16 VaSiriya pavakaona kuti varohwa pamberi paIsraeri, vakatuma nhume, ndokubudisa vaSiriya vaiva mhiri kwerwizi, naShofaki mukuru wehondo yaHadharezeri pamberi pavo.

17 Zvino zvakaudzwa Dhavhidhi; akaunganidza Israeri wose, akayambuka Joridhani, akasvika kwavari, akazvigadzira kuzorwa navo. Dhavhidhi akati arongedza hondo pakurwisa vaSiriya, ivo vakarwa naye.

18 VaSiriya vakatiza kubva pamberi paIsraeri; Dhavhidhi akauraya pakati pevaSiriya varume vengoro dzine zvuru zvinomwe, nevarume vaifamba nemakumbo vane zvuru makumi mana; akaurayawo Shofaki mukuru wehondo.

19 Varanda vaHadharezeri vakati vachiona kuti varohwa pamberi paIsraeri vakayanana naDhavhidhi, vakamushumira; vaSiriya vakazoramba kununura vana vaAmoni.