ShonaTeam 1 Chronicles « 18 »

Dhavhidhi anokunda vaFirisitia nedzimwe ndudzi

18Zvino shure kweizvi zvakaitika kuti Dhavhidhi wakarova vaFirisitia ndokuvaisa pasi pake; ndokutora Gati nemisha yaro kubva muruoko rwevaFirisitia.

2 Zvino wakarova Moabhu; vaMoabhu ndokuva varanda vaDhavhidhi, vachiunza mutero.

3 Dhavhidhi akarovawo Hadharezeri mambo weZobha kusvika paHamati paaienda kunomisa simba rake parwizi Furati.

4 Dhavhidhi ndokumutorera ngoro churu nevatasvi vemabhiza zvuru zvinomwe, nevarume vaifamba netsoka zvuru makumi maviri; Dhavhidhi ndokugura marunda emakumbo emabhiza ose engoro, asi wakasiya kwaari mabhiza engoro zana.

5 VaSiriya veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadharezeri mambo weZobha, Dhavhidhi wakauraya varume zvuru makumi maviri nezviviri vevaSiriya.

6 Zvino Dhavhidhi wakaisa mapoka evarwi muSiriya yeDhamasiko. VaSiriya ndokuva varanda kuna Dhavhidhi, vachiuya nemutero. Naizvozvo Jehovha wakaponesa Dhavhidhi kupi nekupi kwaakaenda.

7 Dhavhidhi ndokutora nhovo dzegoridhe dzaiva pamusoro pevaranda vaHadharezeri, ndokudziuisa kuJerusarema.

8 Nekubva paTibhati nekubva paKuni, maguta aHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakaita nayo gungwa rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.

9 Tou mambo weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi warova hondo yose yaHadharezeri mambo weZobha,

10 wakatuma Hadhorami mwanakomana wake kuna mambo Dhavhidhi kunomubvunza upenyu nekumukorokotedza, nokuti waiva arwisa Hadharezeri ndokumurova (nokuti Hadharezeri waiva munhu wedzihondo naTou); uye ane midziyo yose yegoridhe neyesirivha neyendarira.

11 Neiyiwo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha, pamwe nesirivha negoridhe raakatora kubva kumarudzi ose: Kuna Edhomu, nekuna Moabhu, nekuvana vaAmoni, nekuvaFirisitia, nekuna Amareki.

12 Uye Abhishai mwanakomana waZeruya wakarova vaEdhomu pamupata wemunyu, zvuru gumi nezvisere.

13 Zvino wakaisa mapoka evarwi paEdhomu. VaEdhomu vose ndokuva varanda vaDhavhidhi. Jehovha ndokuponesa Dhavhidhi kupi nekupi kwaakaenda.

14 Dhavhidhi ndokutonga pamusoro paIsraeri wose; ndokuita mutongo nekururama kuvanhu vake vose.

15 Uye Joabhu mwanakomana waZeruya waiva pamusoro pehondo; naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva munyori wenhoroondo;

16 naZadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari vaiva vapristi; naShavhisha waiva munyori;

17 uye Bhenaya mwanakomana waJehoyadha waiva pamusoro pevaKereti nevaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva misoro padivi pamambo.