ShonaTeam 1 Chronicles « 17 »

Jehovha anoramba kutendera Dhavhidhi kumuvakira tembere

17Zvino zvakaitika Dhavhidhi agere muimba yake, kuti Dhavhidhi wakati kuna Natani muporofita: Tarira, ini ndigere muimba yemisidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi pemaketeni.

2 Natani ndokuti kuna Dhavhidhi: Itai zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Mwari anemwi.

3 Zvino zvakaitika pausiku ihwohwo, kuti shoko raMwari rakasvika kuna Natani richiti:

4 Enda unoudza Dhavhidhi muranda wangu, uti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Iwe haungandivakiri imba yekugara;

5 nokuti handina kugara muimba kubva pazuva randakakwidza naro Israeri kusvika zuva rino; asi ndakabva patende kuenda patende, nekubva patabhenakeri kusvika patabhenakeri.

6 Kupi nekupi kwandakafamba naIsraeri wose, ndakataura here shoko kune umwe wevatongi vaIsraeri, vandakaraira kufudza vanhu vangu, ndichiti: Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?

7 Naizvozvo zvino, uchareva seizvi kumuranda wangu, kuna Dhavhidhi: Ndizvo zvinoreva Jehovha wehondo: Ini ndakakutora kudanga remakwai, kubva pakutevera makwai, kuti uve mutongi pamusoro pevanhu vangu Israeri.

8 Uye ndakava newe pose pawakafamba, ndikaparadzawo vavengi vako vose kubva pamberi pako; uye ndakakuitira zita sezita revakuru vari panyika.

9 Ndichagadzirirawo vanhu vangu Israeri nzvimbo, uye ndichavasima vagogara panzvimbo yavo, uye havangazungunuswizve; uye vana vechakaipa havangavapedzizve sepakutanga,

10 nekubva pamazuva andakagadza vatongi pamusoro pevanhu vangu Israeri; uye ndichawisira pasi vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba.

11 Zvino zvichaitika pachazadzisika mazuva ako kuti uchaenda nemadzibaba ako, kuti ndichamutsa mbeu yako shure kwako, ichabva kuvanakomana vako, ndigosimbisa ushe hwake.

12 Iye achandivakira imba; uye ndichasimbisa chigaro chake cheushe rinhi narinhi.

13 Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; uye handingabvisi ngoni dzangu kwaari, sezvandakadzibvisa kuna iye waiva mberi kwako.

14 Asi ndichamusimbisa muimba yangu nemuushe hwangu nekusingaperi; uye chigaro chake cheushe chichasimbiswa rinhi narinhi.

15 Zvichienderana nemashoko awa ose, uye zvichienderana nechiratidzo ichi chose, saizvozvo Natani wakataura kuna Dhavhidhi.

16 Dhavhidhi mambo ndokupinda ndokugara pamberi paJehovha, ndokuti: Ini ndini ani Jehovha Mwari, neimba yangu chii, kuti mundiuise kusvika pano?

17 Zvino ichi chaiva chinhu chidiki pameso enyu, Mwari, asi mataura pamusoro peimba yemuranda wenyu kuchiri kure, uye mandiona zvinoenderana nechinzvimbo chemunhu wakakwirira, Jehovha Mwari.

18 Dhavhidhi angawedzerazve kwamuri pamusoro perukudzo rwemuranda wenyu? Nokuti imwi munoziva muranda wenyu.

19 Jehovha, nekuda kwemuranda wenyu uye zvichienderana nemoyo wenyu makaita izvi zvikuru zvose, kuzivisa zvinhu izvi zvikuru zvose.

20 Jehovha, hakuna wakaita semwi, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, zvichienderana nezvose zvatanzwa nenzeve dzedu.

21 Uye ndiyani wakaita sevanhu venyu Israeri, rudzi rumwe panyika, Mwari vaakaenda kunodzikinura kuva vanhu vake, kuzviitira zita, zviito zvikuru uye zvinotyisa, nekudzinga panhaka marudzi kuabvisa pamberi pevanhu venyu vamakadzikinura kubva muEgipita?

22 Nokuti makaita kuti vanhu venyu Israeri vave vanhu venyu kusvika rinhi narinhi. Uye imwi Jehovha makava Mwari wavo.

23 Naizvozvo ikozvino Jehovha, shoko ramakataura pamusoro pemuranda wenyu nepamusoro peimba yake ngarisimbiswe kusvika rinhi narinhi, uye itai sezvamataura.

24 Zvino ngarisimbiswe, nezita renyu ngarive guru kusvika rinhi narinhi, kuchinzi: Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, ndiMwari kwaIsraeri; neimba yaDhavhidhi muranda wenyu ichamiswa pamberi penyu.

25 Nokuti imwi, Mwari wangu, makazivisa muranda wenyu kuti muchamuvakira imba; naizvozvo muranda wenyu wawana kutsunga kunyengetera pamberi penyu.

26 Zvino ikozvino Jehovha, imwi ndimwi Mwari, uye mataura izvi zvakanaka pamusoro pemuranda wenyu.

27 Zvino ikozvino, zvakakufadzai kuropafadza imba yemuranda wenyu, kuti ive pamberi penyu kusvika rinhi narinhi; nokuti imwi Jehovha munoropafadza, zvino icharopafadzwa kusvika rinhi narinhi.