ShonaTeam 1 Chronicles « 16 »

16Zvino vakapinza areka yaMwari, ndokuiisa pakati petende Dhavhidhi raaiva awaridzira. Zvino vakapa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa pamberi paMwari.

2 Dhavhidhi wakati aguma kupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa, wakaropafadza vanhu muzita raJehovha.

3 Ndokugovera umwe neumwe waIsraeri, kubva kumurume kusvika kumukadzi, kune umwe neumwe rofu rechingwa, nenhindi yenyama, nechingwa chezvibereko zvemuzambiringa zvakaomeswa.

4 Zvino wakagadza vashumiri vevaRevhi, pamberi peareka yaJehovha, nekurangarira nekuvonga nekukudza Jehovha Mwari waIsraeri:

5 Asafi musoro, uye wepiri kwaari Zekariya, Jeiyeri, naShemiramoti, naJehiyeri, naMatitia, naEriabhu, naBhenaya, naObhedhi-Edhomu, naJeiyeri, vane mitengeranwa uye vane mbira; Asafi ndokuridza nemakandira.

6 Zvino Bhenaya naJahazieri vapristi vairidza nehwamanda rinhi narinhi pamberi peareka yesungano yaMwari.

Rwiyo rwaDhavhidhi

7 Nezuva iro ipapo Dhavhidhi wakapa kekutanga pisarema iri kuvonga Jehovha neruoko rwaAsafi nehama dzake:

8 Vongai Jehovha; danai zita rake; zivisai zviito zvake pakati pevanhu.

9 Muimbirei, mumuimbire mapisarema; rondedzerai pamusoro pemabasa ake ose anoshamisa.

10 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; ngaifare moyo yevanotsvaka Jehovha.

11 Tsvakai Jehovha nesimba rake; tsvakai chiso chake rinhi narinhi.

12 Rangarirai zvishamiso zvake zvaakaita, zviratidzo zvake, nemitongo yemuromo wake;

13 imwi mbeu yaIsraeri, muranda wake, imwi vana vaJakove vasanangurwa vake.

14 Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri pasi pose.

15 Rangarirai sungano yake nekusingaperi, shoko raakaraira kumarudzi churu;

16 yaakaita naAbhurahama, nemhiko yake kuna Isaka;

17 uye wakazvisimbisira Jakove kuva mutemo, kuna Israeri kuva sungano yekusingaperi;

18 achiti: Ndichapa kwauri nyika yeKenani, mujenya wenhaka yenyu;

19 pamaiva vashoma pauwandu, hongu muri vashoma, uye muri vatorwa mairi.

20 Zvino vakafamba-famba kubva kurudzi kuenda kurudzi, uye kubva kuushe kuenda kune rumwe rudzi.

21 Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; zvirokwazvo wakatsiura madzimambo nekuda kwavo;

22achiti: Musabata vazodzwa vangu, uye musatadzira vaporofita vangu.

23 Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzirai ruponeso rwake zuva nezuva;

24 rondedzerai kubwinya kwake pakati pevahedheni, mabasa ake anoshamisa pakati pemarudzi ose.

25 Nokuti mukuru Jehovha, uye anofanira kurumbidzwa zvikuru; iye anotyisa kupfuura vamwari vose.

26 Nokuti vamwari vose vemarudzi zvifananidzo; asi Jehovha wakaita matenga.

27 Rukudzo nekubwinya zviri pamberi pake; simba nemufaro zviri panzvimbo yake.

28 Ipai Jehovha, imwi mhuri dzemarudzi, ipai Jehovha rukudzo nesimba.

29 Ipai Jehovha rukudzo rwezita rake; uisai chipo, uyai pamberi pake; namatai kuna Jehovha pakunaka kweutsvene.

30 Dedera pamberi pake, nyika yose; uye nyika yakasimbiswa, haingazungunuswi.

31 Matenga ngaafare, nenyika ngaipembere; nepakati pendudzi ngavati: Jehovha anotonga.

32 Gungwa ngaritinhire, nekuzara kwaro; sango ngarifare, nezvose zviri mariri.

33 Ipapo miti yesango ichaimba nemufaro pamberi paJehovha; nokuti anouya kuzotonga nyika.

34 Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti nyasha dzake dziripo nekusingaperi.

35 Zvino muti: Tiponesei, Mwari weruponeso rwedu, uye mutiunganidze, mutisunungure pamarudzi, kuti tivonge zita renyu dzvene, kuti tizvikudze nerumbidzo yenyu.

36 Ngaakudzwe Jehovha Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvika pakusingaperi. Vanhu vose ndokuti: Ameni; ndokurumbidza Jehovha.

Tabhenekari inochengetwa paGibhiyoni

37 Zvino wakasiyapo pamberi peareka yesungano yaJehovha Asafi nehama dzake, kuti vashumire pamberi peareka rinhi narinhi zvenyaya yezuva pazuva rayo.

38 NaObhedhi-Edhomu pamwe nehama dzavo, makumi matanhatu nevasere; naObhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni, naHosa, vave vachengeti vemasuwo;

39 naZadhoki mupristi, nehama dzake vapristi, pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira yaiva paGibhiyoni;

40 kuti vape Jehovha zvipo zvinopiswa rinhi narinhi mangwanani nemadekwani paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nepazvose zvakanyorwa mumurairo waJehovha waakaraira Israeri;

41 uye pamwe navo Hemani naJedhutuni nevamwe vaiva vasarudzwa, vakarehwa nemazita kuvonga Jehovha; nokuti nyasha dzake dziripo nekusingaperi;

42 uye pamwe navo Hemani naJedhutuni nehwamanda nemakandira zveavo vanozviridza, nemidziyo yekuimba zvaMwari; uye vanakomana vaJedhutuni vaiva pasuwo.

43 Vanhu vose ndokuenda umwe neumwe kumba kwake; Dhavhidhi ndokudzoka kuzoropafadza imba yake.