ShonaTeam 1 Chronicles « 15 »

Dhavhidhi anoisa areka kuJerusarema

15Zvino Dhavhidhi wakazviitira dzimba muguta raDhavhidhi; ndokugadzirira nzvimbo yeareka yaMwari, ndokuidzikira tende.

2 Ipapo Dhavhidhi wakati: Hakuna anofanira kutakura areka yaMwari kunze kwevaRevhi; nokuti ndivo Jehovha vaakasarudza kutakura areka yaJehovha, nekumushumira kusvika rinhi narinhi.

3 Dhavhidhi ndokuunganidza Israeri wose paJerusarema, kukwidza areka yaJehovha kunzvimbo yayo yaaiva aigadzirira.

4 Zvino Dhavhidhi wakaunganidza vanakomana vaAroni nevaRevhi.

5 Kuvanakomana vaKohati: Urieri mukuru, nehama dzake zana nemakumi maviri.

6 Kuvanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake mazana maviri nemakumi maviri.

7 Kuvanakomana vaGerishomu: Joweri mukuru, nehama dzake zana nemakumi matatu.

8 Kuvanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake mazana maviri.

9 Kuvanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake makumi masere.

10 Kuvanakomana vaUziyeri: Aminadhabhu mukuru, nehama dzake zana negumi nevaviri.

11 Zvino Dhavhidhi wakadana Zadhoki naAbhiyatari vapristi, nevaRevhi: Urieri, Asaya, naJoweri, Shemaya, naErieri, naAminadhabhu;

12 ndokuti kwavari: Ndimwi misoro yemadzibaba yevaRevhi; zviitei vatsvene, imwi nehama dzenyu, kuti mukwidze areka yaJehovha Mwari waIsraeri, kwandakaigadzirira.

13 Nokuti maiva musipo pakutanga, Jehovha Mwari wedu akapazira kwatiri. Nokuti hatina kumutsvaka sezvakamiswa.

14 Naizvozvo vapristi nevaRevhi vakazviita vatsvene, kukwidza areka yaJehovha Mwari waIsraeri.

15 Vana vevaRevhi ndokutakura areka yaMwari pamafudzi avo nezvibatiso zvaivapo, Mozisi sezvaakaraira zvichienderana neshoko raJehovha.

16 Zvino Dhavhidhi wakataura kumisoro yevaRevhi, kuti vagadze hama dzavo, vane nhumbi dzekuimba, mitengeranwa, nembira, nemakandira, vachiridza, nekusimudza inzwi nemufaro.

17 Naizvozvo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoweri, nepahama dzake, Asafi mwanakomana waBherekiya; nepavanakomana vaMerari hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya;

18 uye pamwe navo hama dzavo dzeboka rechipiri: Zekariya, Bheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehiyeri, naUni, Eriabhu, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyiyeri, vachengeti vemasuwo.

19 Zvino vaimbi, Hemani, Asafi, naEtani, vakagadzwa kuridza nemakandira endarira;

20 naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehiyeri, naUni, naEriabhu, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengeranwa paAramoti;

21 naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyiyeri, naAzaziya, vane mbira paSheminiti kutungamirira.

22 NaKenaniya musoro wevaRevhi pamutoro; waidzidzisa zvekuimba, nokuti waiva nyanzvi.

23 NaBherekia naErikana, vachengeti vemikova yeareka.

24 NaShebhania, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vapristi, vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; uye Obhedhi-Edhomu naJehiya vaiva vatariri vemikova yeareka.

25 Zvino kwakati Dhavhidhi nevakuru vaIsraeri nemisoro yezvuru vaenda kunokwidza areka yesungano yaJehovha kubva muimba yaObhedhi-Edhomu nemufaro.

26 Ndokuitika nekuda kwekubatsira kwaMwari vaRevhi vaiva vakatakura areka yesungano yaJehovha, kuti vakabaira nzombe diki nomwe nemakondohwe manomwe.

27 Zvino Dhavhidhi waiva akapfeka nguvo yemucheka wakaisvonaka, nevaRevhi vose vaiva vakatakura areka, nevaimbi, naKenaniya mukuru wemutoro wevaimbi; uye pana Dhavhidhi paiva neefodhi yemucheka.

28 Naizvozvo Israeri wose wakakwidza areka yesungano yaJehovha nekupururudza, uye neinzwi renyanga dzemakondobwe, uye nehwamanda, uye nemakandira, vachiita ruzha nemitengeranwa nembira.

29 Zvino zvakaitika, areka yesungano yaJehovha payakasvika muguta raDhavhidhi, kuti Mikayeri mukunda waSauro wakatarira nepahwindo wakaona mambo Dhavhidhi achipembera nekutamba; akamuzvidza mumoyo make.