ShonaTeam 1 Chronicles « 14 »

Dhavhidhi anoita sungano naHiramu

14Zvino Hiramu mambo weTire wakatuma nhume kuna Dhavhidhi, nematanda emisidhari nevavezi vemabwe nevavezi vematanda kumuvakira imba.

2 Zvino Dhavhidhi wakaziva kuti Jehovha wakamusimbisa kuva mambo pamusoro paIsraeri, nokuti ushe hwake hwakasimudzirwa pamusoro nekuda kwevanhu vake Israeri.

3 Dhavhidhi ndokutora vamwe vakadzi paJerusarema; Dhavhidhi ndokubereka vamwe vanakomana nevanasikana.

4 Zvino awa mazita evana vaaiva navo paJerusarema: Shamua, naShobhabhi, Natani, naSoromoni,

5 naIbhari, naErishuwa, naEripereti,

6 naNoga, naNefegi, naJafiya,

7 naErishama, naBheeriyadha, naErifereti.

8 Zvino vaFirisitia vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuva mambo pamusoro paIsraeri wose, vaFirisitia vose ndokukwira kunotsvaka Dhavhidhi. Dhavhidhi ndokuzvinzwa, ndokubuda kuvarwisa.

9 Zvino vaFirisitia vakasvika ndokuzviparadzira mumupata weRefaimu.

10 Dhavhidhi ndokubvunza Jehovha, achiti: Ndokwira kurwisa vaFirisitia here? Muchavaisa muruoko rwangu here? Jehovha ndokuti kwaari: Kwira, nokuti ndichavaisa muruoko rwako.

11 Zvino vakakwira kuBhaari-Perazimi, Dhavhidhi ndokuvarovapo; Dhavhidhi ndokuti: Mwari wapazira muvavengi vangu neruoko rwangu, sekupazira kwemvura. Naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Bhaari-Perazimi.

12 Zvino vakasiya vamwari vavopo. Dhavhidhi ndokutaura kuti vapiswe nemoto.

13 VaFirisitia ndokupararirazve mumupata uyo.

14 Dhavhidhi paakabvunzazve kuna Mwari, Mwari wakati kwaari: Usakwira shure kwavo; tsauka ubve kwavari, ugouya kwavari pakatarisana nemiti yemibharisami.

15 Zvino zvichaitika pauchanzwa mutsindo wekufamba pamisoro yemiti yemibharisami, ipapo uchabudira kuhondo; nokuti Mwari anenge abuda pamberi pako kurova hondo yevaFirisitia.

16 Dhavhidhi ndokuita Mwari sezvaakamuraira. Zvino vakarova hondo yevaFirisitia kubva paGibhiyoni kusvika paGezeri.

17 Mukurumbira waDhavhidhi ndokubudira kunyika dzose; Jehovha ndokuisa kutyisa kwake pamusoro pemarudzi ose.