ShonaTeam 1 Chronicles « 13 »

Areka inobviswa paKiriati-Jearimi ndokuiswa kuna Obhedhi-Edhomu

13Zvino Dhavhidhi wakarangana nemisoro yezvuru neyemazana nemutungamiriri umwe neumwe.

2 Zvino Dhavhidhi wakati kuungano yose yaIsraeri: Kana zvakanaka kwamuri, uye zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatibude titume kuhama dzedu dzakasara munyika yose yaIsraeri, nekuvapristi nevaRevhi vanavo mumaguta, mumafuro avo, kuti vaungane kwatiri.

3 Tigodzosera areka yaMwari wedu kwatiri, nokuti hatina kuitsvaka pamazuva aSauro.

4 Ungano yose ndokuti kuitwe saizvozvo; nokuti chinhu chaiva chakarurama pameso evanhu vose.

5 Zvino Dhavhidhi wakaunganidza Israeri wose, kubva paShihori rweEgipita, kusvika pakupinda paHamati, kuuisa areka yaMwari kubva paKiriati-Jearimi.

6 Dhavhidhi naIsraeri wose ndokukwira kuBhahara, kuKiriati-Jearimi riri muJudha, kukwidza kubvapo areka yaMwari Jehovha, agere pamakerubhi, panodanwa zita.

7 Zvino vakatakura areka yaMwari mungoro itsva, kubva muimba yaAbhinadhabhu; uye Uza naAhio vakachaira ngoro.

8 Dhavhidhi naIsraeri wose ndokutamba pamberi paMwari nesimba rose, uye nenziyo, uye nembira, uye nemitengeranwa, uye nengoma, uye nemakandira, uye nehwamanda.

9 Pavakasvika paburiro raKidhoni, Uza wakatandavadza ruoko rwake kubata areka, nokuti nzombe dzaigumburwa.

10 Kutsamwa kwaJehovha ndokupfutira Uza, ndokumurova, nokuti wakatandavadzira ruoko rwake kuareka; ndokufirapo pamberi paMwari.

11 Dhavhidhi ndokutsamwa nokuti Jehovha wakapaza kuti apazire Uza; ndokutumidza nzvimbo iyo Perezi-Uza, kusvika zuva rino.

12 Zvino Dhavhidhi wakatya Mwari nezuva iro, achiti: Ndingauisa sei areka yaMwari kwandiri?

13 Naizvozvo Dhavhidhi haana kuuisa areka kwaari, kuguta raDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.

14 Areka yaMwari ndokugara kune veimba yaObhedhi-Edhomu muimba yake mwedzi mitatu; Jehovha ndokuropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaaiva nazvo.