ShonaTeam 1 Chronicles « 12 »

Mazita evamwe vaitevera Dhavhidhi

12Zvino ava ndivo vakauya kuna Dhavhidhi kuZikiragi, achakavharirwa nekuda kwaSauro mwanakomana waKishi. Uye vaiva pakati pevarume vane simba, vabatsiri vehondo,

2 vakashonga zvombo neuta, vaishandisa rudyi neruboshwe pamabwe uye pamiseve kubva muuta, pahama dzaSauro vekwaBhenjamini.

3 Musoro waiva Ahiyezeri, naJoashi, vanakomana vaShemaha muGibhiya; naJezieri, naPereti, vanakomana vaAzimavheti; naBheraka, naJehu muAnatoti;

4 naIshimaya muGibhiyoni, murume ane simba pakati pemakumi matatu, uye ari pamusoro pemakumi matatu; naJeremiya, naJahaziyeri, naJohwanani, naJozabhadhi muGedherati;

5 Eruzai, naJerimoti, naBheyariya, naShemariya, naShefatiya muHarufi;

6 Erikana, naIshiya, naAzareri, naJowezeri, naJashobheyami, vaKora;

7 naJoera, naZebhadhia, vanakomana vaJerohamu weGedhori.

8 Zvino kuvaGadhi vakazvitsaura kuna Dhavhidhi kunhare kurenje, varume vane simba veumhare, varume vehondo vekurwa, vabata nhovo nepfumo; nezviso zvavo zvaiva zviso zveshumba, uye vakaita semharapara pamakomo pakumhanya.

9 Ezeri waiva musoro, Obhadhiya wepiri, Eriabhu wetatu,

10 Misimana wechina, Jeremiya weshanu,

11 Atai wetanhatu, Erieri wechinomwe,

12 Johwanani werusere, Erizabhadhi wepfumbamwe,

13 Jeremiya wegumi, Makibhanai wegumi neumwe.

14 Ava vaiva vevana vaGadhi, misoro yehondo, umwe wevadiki waiva pamusoro pezana, uye mukuru pamusoro pechuru.

15 Ava ndivo vakayambuka Joridhani pamwedzi wekutanga, parwakafashamira kunhivi dzarwo dzose; vakatizisa vose vaiva pamipata, chekumabvazuva nechekumavirira.

16 Zvino kwakauya vakabva kuvana vaBhenjamini naJudha kuenda kunhare kuna Dhavhidhi.

17 Zvino Dhavhidhi wakabuda kuvachingamidza, ndokupindura ndokuti kwavari: Kana muchiuya kwandiri nerugare kuzondibatsira, moyo wangu uchabatanidzwa nemwi; asi kana kuri kunditengesa kuvavengi vangu, zvandisina chakaipa mumaoko angu, Mwari wemadzibaba edu ngaaone, atsiure.

18 Zvino mweya wakafukidza Amasayi musoro wevakuru, ndokuti: Tiri venyu, Dhavhidhi, uye tiri pamwe nemwi, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemwi, uye rugare kuvabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai. Dhavhidhi ndokuvagamuchira, ndokuvaisa kuvakuru veboka.

19 VekwaManasewo vakawira kuna Dhavhidhi pakusvika kwake nevaFirisitia kunorwisa Sauro pahondo, asi havana kuvabatsira; nokuti madzishe evaFirisitia akamudzinga nezano vachiti: Nemisoro yedu achawa kuna tenzi wake Sauro.

20 Pakuenda kwake kuZikiragi, kwakawira kwaari vaibva kwaManase: Adhina, naJozabhadhi, naJedhiayeri, naMikayeri, naJozabhadhi, naErihu, naZiretai, misoro yezvuru vaiva vekwaManase.

21 Zvino ava vakabatsira pamwe naDhavhidhi kurwisa hondo yakarongwa; nokuti vose vaiva varume vane simba veumhare, uye vaiva vakuru pahondo.

22 Nokuti nenguva zuva nezuva vaiuya kuna Dhavhidhi kuzomubatsira, kusvika yava hondo huru, sehondo yaMwari.

23 Zvino uhu uwandu hwemisoro yaiva yakashongera hondo, vakauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, kutendeusira ushe hwaSauro kwaari, zvichienderana nemuromo waJehovha.

24 Vana vaJudha, vakatakura nhovo nepfumo, vaiva zvuru zvitanhatu nemazana masere, vakashonga zvombo zvehondo.

25 Kuvana vaSimioni varume vane simba veumhare vehondo, zvuru zvinomwe nezana.

26 Kuvana vaRevhi, zvuru zvina nemazana matanhatu.

27 NaJehoyadha waiva mutungamiriri wevaAroni; uye pamwe naye kwaiva nezvuru zvitatu nemazana manomwe.

28 NaZadhoki, jaya raiva nesimba reumhare, neveimba yababa vake, vakuru makumi maviri nevaviri.

29 Nekuvana vaBhenjamini, hama dzaSauro, zvuru zvitatu; nokuti kusvika panguva iyo vazhinji vavo vakachengetedza kutendeka kuimba yaSauro.

30 Nekuvana vaEfuremu zvuru makumi maviri nemazana masere, varume vane simba veumhare, varume vane mazita muimba yemadzibaba avo.

31 Nepahafu yerudzi rwaManase, zvuru gumi nezvisere, vaiva vakataurwa nemazita, kuti vauye kuzoita Dhavhidhi mambo.

32 Nepavana vaIsasikari, vaiziva kunzwisisa zvenguva, kuziva Israeri zvaanofanira kuita, misoro yavo yaiva mazana maviri; uye hama dzavo dzose dzaiva pakurairwa navo.

33 KwaZebhuruni, vaibudira kuhondo, vachirongedzera hondo nezvombo zvose zvehondo, zvuru makumi mashanu; uye kuchengetedza hondo yakarongwa pasina moyo miviri.

34 NekwaNafutari misoro churu, uye zvuru makumi matatu nezvinomwe pamwe navo vane nhovo nepfumo.

35 NekwaDhani vairongedza hondo, zvuru makumi maviri nezvisere nemazana matanhatu.

36 NekwaAsheri, vaibudira kuhondo, kurongedza hondo, zvuru makumi mana.

37 Uye kubva mhiri kwaJoridhani, kuvaRubheni nevaGadhi nehafu yerudzi rwaManase, vane zvombo zvose zvehondo kunorwa, zvuru zana nemakumi maviri.

38 Ava vose varume vehondo, vaichengetedza hondo dzakarongwa, vakasvika paHebhuroni nemoyo wakakwana, kuzoita Dhavhidhi mambo pamusoro paIsraeri wose; naIsraeri wose akasara waiva nemoyo umwe kuita Dhavhidhi mambo.

39 Zvino vaivapo naDhavhidhi mazuva matatu, vachidya nekunwa, nokuti hama dzavo dzaiva dzavagadzirira.

40 Uyewo avo vaiva pedo navo kusvika kwaIsasikari naZebhuruni naNafutari, vakauya nechingwa pambongoro, nepamakamera, nepamahesera, nepanzombe, zvekudya, upfu, zvingwa zvemaonde, nemasumbu emazambiringa akaoma, newaini, nemafuta, nenzombe, nemakwai, zvakawanda, nokuti kwaiva nemufaro kwaIsraeri.