ShonaTeam 1 Chronicles « 10 »

Kufa kwaSauro nevanakomana vake vatatu

10Zvino vaFirisitia vakarwisa Israeri; varume vaIsraeri ndokutiza kubva pamberi pevaFirisitia, ndokuwa vaurawa pagomo reGiribhoa.

2 Zvino vaFirisitia vakanamatira shure kwaSauro uye shure kwevanakomana vake; vaFirisitia ndokuuraya Jonatani, naAbhinadhabhu, naMariki-Shua, vanakomana vaSauro.

3 Zvino hondo yakava yakarema kuna Sauro uye vapfuri veuta vakamuwana; zvino akakuvadzwa nevapfuri.

4 Zvino Sauro wakati kumutakuri wezvombo zvake: Vhomora munondo wako ugondibaya nawo, zvimwe ava vasina kudzingiswa vangasvika vakandidadira. Asi mutakuri wezvombo zvake haana kuda, nokuti wakatya zvikuru. Naizvozvo Sauro wakatora munondo, ndokuwira pamusoro pawo.

5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro wafa, naiye wakawira pamusoro pemunondo, ndokufa.

6 Sauro ndokufa nevanakomana vake vatatu; neimba yake yose vakafa pamwe chete.

7 Varume vose vaIsraeri vaiva pamupata pavakaona kuti vatiza, uye kuti Sauro nevanakomana vake vafa, vakasiya maguta avo ndokutiza; vaFirisitia vakasvika ndokugara maari.

8 Zvino zvakaitika chifume kuti vaFirisitia vakasvika kutakanura vakaurawa, ndokuwana Sauro nevanakomana vake vakawa pagomo reGiribhoa.

9 Vakati vamutakanura, vakatora musoro wake nezvombo zvake, ndokutumira kunyika yevaFirisitia kumativi ose, kunodanidzira shoko kuzvifananidzo zvavo nekuvanhu.

10 Zvino vakaisa zvombo zvake muimba yavamwari vavo, nedehenya rake vakarinamatidza mumba maDhagoni.

11 Jabheshi-Giriyadhi rose rakati ranzwa zvose vaFirisitia zvavakaita kuna Sauro,

12 vakasimuka varume vose veumhare ndokutakura chitunha chaSauro nezvitunha zvevanakomana vake, ndokuzviuisa kuJabheshi, ndokuviga mapfupa avo pasi pemuoki muJabheshi, ndokutsanya mazuva manomwe.

13 Naizvozvo Sauro wakafa nekuda kwechitadzo chake chaakadarikira Jehovha, kupikisa shoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nekubvunza kusvikiro, kutsvaka kwariri,

14 uye haana kubvunza kuna Jehovha; naizvozvo wakamuuraya, ndokushandurira ushe kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.