ShonaTeam 1 Chronicles « 9 »

Vanhu vakazogara Jerusarema shure kwekutapwa kwavo

9Zvino Israeri wose wakaverengwa nemarudzi ake; zvino tarirai, vakanyorwa mubhuku remadzimambo aIsraeri; asi vaJudha vakatapirwa kuBhabhironi nekuda kwekudarika kwavo.

2 Zvino vagari vekutanga vaiva pafuma yavo pamaguta avo vaiva vaIsraeri, vapristi, vaRevhi, nevaNetinimi.

3 NepaJerusarema paigara vevana vaJudha, nevevana vaBhenjamini, nevevana vaEfuremu naManase:

4 Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, wevana vaPerezi, mwanakomana waJudha.

5 NekuvaShiro: Asaya dangwe, nevanakomana vake.

6 Nekuvanakomana vaZera: Jeueri, nehama dzavo, mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe.

7 Nekuvanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami mwanakomana waHodhavhiya mwanakomana waHasenuwa,

8 naIbhineya mwanakomana waJehoramu, naEra mwanakomana waUzi mwanakomana waMikiri, naMeshurami mwanakomana waShefatiya mwanakomana waReueri mwanakomana waIbhiniya,

9 nehama dzavo, zvichienderana nemazera avo, mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nematanhatu. Varume ava vose vaiva misoro yemadzibaba zvichienderana neimba yemadzibaba avo.

10 Nekuvapristi: Jedhaya, naJehoyaribhi, naJakini,

11 naAzariya mwanakomana waHirikiya mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waZadhoki mwanakomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhi, mutungamiriri muimba yaMwari,

12 naAdhaya mwanakomana waJehoramu mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikiya, naMahasai mwanakomana waAdhiyeri mwanakomana waJahizera mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waMeshiremiti mwanakomana waImeri,

13 nehama dzavo, misoro yeimba yemadzibaba avo, churu nemazana manomwe nemakumi matanhatu, vane simba veumhare pabasa reshumiro yeimba yaMwari.

14 NekuvaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi mwanakomana waAzirikamu mwanakomana waHashabhiya wevanakomana vaMerari,

15 naBhakibhakari, Hereshi, naGarari, naMataniya mwanakomana waMika mwanakomana waZikiri mwanakomana waAsafi,

16 naObhadhiya mwanakomana waShemaya mwanakomana waGarari mwanakomana waJedhutuni, naBherekiya mwanakomana waAsa mwanakomana waErikana, aigara pamisha yevaNetofati.

17 Nevachengeti vemasuwo: Sharumu, naAkubhi, naTarimoni, naAhimani, nehama dzavo. Sharumu waiva musoro.

18 Uye kusvika panguva iyi vaiva pasuwo ramambo kumabvazuva; ava vaiva vachengeti vemasuwo pamisasa yevana vaRevhi.

19 Uye Sharumu mwanakomana waKore, mwanakomana waEbhiyasafi, mwanakomana waKora, nehama dzake, veimba yababa vake, vaKora, vaiva pamusoro pebasa reshumiro, vachengeti vemasuwo etende; nemadzibaba avo, pamusoro pehondo yaJehovha, vaiva vachengeti vemukova.

20 NaPinehasi mwanakomana waEriazari aiva mutungamiriri pamusoro pavo pakutanga; Jehovha akava naye.

21 Zekariya mwanakomana waMesheremiya waiva muchengeti wesuwo pamukova wetende rekusangana.

22 Ava vose vakasarudzwa vakava vachengeti vemasuwo pamikova vaiva mazana maviri negumi nevaviri. Ava vakaverengwa nemarudzi pamisha yavo, avo Dhavhidhi naSamueri muoni vavakagadza pamabasa avakatarirwa.

23 Naizvozvo ivo nevana vavo vaichengetedza masuwo eimba yaJehovha, paimba yetende, nenguva dzekurinda.

24 Vachengeti vemasuwo vaivapo pamhepo ina, kumabvazuva, kumavirira, kumaodzanyemba, nekuchamhembe.

25 Nehama dzavo pamisha yavo vaifanira kuuya nemazuva manomwe nguva nenguva pamwe navo.

26 Nokuti vaRevhi ava, vachengeti vemasuwo vakuru vana, vaiva pabasa rakatarwa, vaiva vakatarira makamuri nezvivigiro zvefuma zveimba yaMwari.

27 Zvino vaigara usiku vakapoteredza imba yaMwari, nokuti ngava raiva pamusoro pavo, uye vaiva vatariri vekuvhurwa, nemangwanani oga-oga.

28 Zvino vamwe vavo vaitarira midziyo yeshumiro, nokuti neuwandu vaivapinza uye neuwandu vaivabudisa.

29Vamwe vavowo vaiva vakagadzwa pamusoro pemidziyo, nepamusoro pemidziyo yose yenzvimbo tsvene, nepamusoro peupfu hwakatsetseka, newaini, nemafuta, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nezvibikiso zvinonhuhwira.

30Vamwezve vevanakomana vevapristi vaisanganisa musanganiswa wezvibikiso zvinonhuhwira.

31 NaMatitia kuvaRevhi, waiva dangwe raSharumu, muKora, waiva pautariri hwakagadzwa pamusoro pezvibhekewa mumakango.

32 Nekuhama dzavo, vevana vevaKora, vaitarira chingwa chekuratidza, kuzvigadzira sabata nesabata.

33 Uye ava vaimbi, misoro yemadzibaba evaRevhi, mumakamuri vakasununguka; nokuti masikati neusiku zvaiva pamusoro pavo kuva pabasa.

34 Ava misoro yemadzibaba evaRevhi, misoro mumazera avo. Ava vakagara paJerusarema.

35 Zvino paGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni, Jeyieri; uye zita remukadzi wake raiva Mahaka.

36 Nemwanakomana wake dangwe Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNeri, naNadhabhi,

37 naGedhori, naAhiyo, naZekariya, naMikiroti.

38 Mikiroti ndokubereka Shimeamu. Ivo vakagarawo pamwe nehama dzavo paJerusarema, pakatarisana nehama dzavo.

39 Neri ndokubereka Kishi, Kishi ndokubereka Sauro, Sauro ndokubereka Jonatani naMariki-Shua naAbhinadhabhu naEshibhaari.

40 Zvino mwanakomana waJonatani waiva Meribhi-Bhaari. Meribhi-bhaari ndokubereka Mika.

41 Nevanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTahireya.

42 Ahazi ndokubereka Jara; Jara ndokubereka Arimeti naAzimavheti naZimiri; Zimiri ndokubereka Moza;

43 Moza ndokubereka Bhineya, naRefaya mwanakomana wake, Ereyasa mwanakomana wake, Azeri mwanakomana wake.

44 Uye Azeri waiva nevanakomana vatanhatu; uye awa mazita avo: Azirikamu, Bhokeru, naIshimaeri, naSheariya, naObhadhiya, naHanani. Ava vanakomana vaAzeri.