ShonaTeam 1 Chronicles « 7 »

Vana vaIsasikari

7Nekuvanakomana vaIsasikari: Tora, naPuwa, Jashubhi, naShimironi, vana.

2 Nevanakomana vaTora: Uzi, naRefaya, naJerieri, naJahimai, naIbhisamu, naShemueri, misoro yeimba yemadzibaba avo, kwaTora, varume vane simba neumhare pamazera avo; uwandu hwavo pamazuva aDhavhidhi hwaiva zvuru makumi maviri nezviviri nemazana matanhatu.

3 Nevanakomana vaUzi: Izirahiya; nevanakomana vaIzirahiya: Mikayeri naObhadhiya, naJoweri, Ishishiya, vashanu; vose vari misoro.

4 Zvino pamwe navo nemarudzi avo zvichienderana neimba yemadzibaba avo, kwaiva nehondo dzakarongwa dzeuto rehondo zvuru makumi matatu nezvitanhatu; nokuti vaiva nevakadzi nevanakomana vazhinji.

5 Nehama dzavo pakati pemhuri dzose dzaIsasikari, varume vane simba veumhare, zvuru makumi masere nezvinomwe, vose vakaverengwa nerudzi.

Vana vaBhenjamini naNafutari

6Vanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naJedhiyaeri, vatatu.

7 Nevanakomana vaBhera: Ezibhoni, naUzi, naUziyeri, naJerimoti, naIri, vashanu; misoro yeimba yemadzibaba, varume vane simba veumhare, vakaverengwa nemarudzi, zvuru makumi maviri nezviviri nemakumi matatu nevana.

8 Nevanakomana vaBhekeri: Zemira, naJowashi, naEriezeri, naErioenai, naOmiri, naJeremoti, naAbhiya, naAnatoti, naAremeti. Ava vose vaiva vanakomana vaBhekeri.

9 Vakaverengwa nerudzi nemazera avo, misoro yeimba yemadzibaba avo, varume vane simba veumhare, zvuru makumi maviri nemazana maviri.

10 Nevanakomana vaJedhiyaeri: Bhirihani. Nevanakomana vaBhirihani: Jehushi, naBhenjamini, naEhudhi, naKenahana, naZetani, naTarishishi, naAhishahari.

11 Ava vose vanakomana vaJedhiyaeri, nemisoro yemadzibaba, varume vane simba veumhare, zvuru gumi nezvinomwe nemazana maviri, vangabudira mauto kuhondo.

12 NaShupimi, naHupimi, vanakomana vaIri; Hushimi, vanakomana vaAheri.

13 Vanakomana vaNafutari: Jazieri, naGuni, naJezeri, naSharumi, vanakomana vaBhiriha.

Vana vaManase

14 Vanakomana vaManase: Ashirieri mukadzi wake waakabereka; murongo wake mukadzi muAramu wakabereka Makiri baba vaGiriyadhi.

15 Makiri ndokutora pana Hupimi nepana Shupimi kuva mukadzi, uye zita rehanzvadzi yake raiva Mahaka; uye zita rewechipiri raiva Zerofehadhi; uye Zerofehadhi waiva nevakunda.

16 Zvino Mahaka mukadzi waMakiri wakabereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Pereshi; uye zita remunin'ina wake raiva Shereshi; nevanakomana vake vaiva Urami naRekemu.

17 Nevanakomana vaUramu: Bhedhani. Ava vanakomana vaGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase.

18 Hanzvadzi yake Hamoreketi ndokubereka Ishodhi, naAbhiyezeri, naMahara.

19 Vanakomana vaShemidha vaiva: Ahiyani, naShekemu, naRiki, naAniyamu.

Vana vaEfuremu

20 Zvino vanakomana vaEfuremu: Shutera, naBheredhi mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, naEradha mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake,

21 naZabhadhi mwanakomana wake, naShutera mwanakomana wake, naEzeri, naEreyadhi. Varume veGati vakaberekerwa panyika iyo ndokuvauraya, nokuti vaburukira kuzotora zvipfuwo zvavo.

22 Efuremu baba vavo ndokuchema mazuva mazhinji; hama dzake ndokuuya kuzomunyaradza.

23 Zvino wakapinda kumukadzi wake, akabata mimba, ndokubereka mwanakomana; iye ndokutumidza zita rake kuti Bheriya; nokuti waiva pakaipa muimba yake.

24 Nemukunda wake waiva Sheera, uyo wakavaka Bheti-Horoni rezasi nerekumusoro, neUzeni-Sheera.

25 NaRefa waiva mwanakomana wake, naReshefi, naTera mwanakomana wake, naTahani mwanakomana wake,

26 Rahadhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake, Erishama mwanakomana wake,

27 Noni mwanakomana wake, Joshua mwanakomana wake.

28 Nefuma yavo nenzvimbo dzavo dzekugara dzaiva Bheteri nemisha yaro; nekumabvazuva Naharani, nekumavirira Gezeri nemisha yaro, neShekemu nemisha yaro, kusvika paGaza nemisha yaro.

29 Nekumiganhu yevana vaManase: Bheti-Sheyani nemisha yaro, Taanaki nemisha yaro, Megidho nemisha yaro, Dhori nemisha yaro. Mune iyi maigara vana vaJosefa mwanakomana waIsraeri.

Vanakomana vaAsheri

30 Vanakomana vaAsheri: Imina, naIshivha, naIshivhi, naBheriya, naSera hanzvadzi yavo.

31 Nevanakomana vaBheriya: Hebheri, naMarikiyeri, waiva baba vaBhirizayiti.

32 Hebheri ndokubereka Jafureti, naShomeri, naHotamu, naShuwa hanzvadzi yavo.

33 Nevanakomana vaJafureti: Pasaki, naBhimari, naAshivati. Ndivo vanakomana vaJafureti.

34 Nevanakomana vaShemeri: Ahi, naRohiga, naJehubha, naAramu.

35 Nevanakomana vaHeremu munin'ina wake: Zofa, naImina, naShereshi, naAmari.

36 Vanakomana vaZofa: Suwa, naHarineferi, naShuwari, naBheri, naImira,

37 Bhezeri, naHodhi, naShama, naShirisha, naItirani, naBhehera.

38 Nevanakomana vaJeteri: Jefune, naPisipa, naAra.

39 Nevanakomana vaUra: Ara, naHanieri, naRizia.

40 Ava vose vana vaAsheri, misoro yeimba yemadzibaba, vakasarudzwa, vane simba veumhare, misoro yemachinda. Uye vakaverengwa nerudzi pamauto pahondo; uwandu hwavo hwaiva varume zvuru makumi maviri nezvitanhatu.