ShonaTeam 1 Chronicles « 6 »

Vana vaRevhi

6Vanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati, naMerari.

2 Nevanakomana vaKohati: Amiramu, Izihari, naHebhuroni, naUziyeri.

3 Nevana vaAmiramu: Aroni, naMozisi, naMiriamu. Nevanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.

4 Eriazari wakabereka Pinehasi; Pinehasi akabereka Abhishuwa;

5 Abhishuwa ndokubereka Bhuki; Bhuki ndokubereka Uzi;

6 Uzi ndokubereka Zerahiya; Zerahiya ndokubereka Merayoti;

7 Merayoti wakabereka Amariya; Amariya ndokubereka Ahitubhi;

8 Ahitubhi ndokubereka Zadhoki; Zadhoki ndokubereka Ahimahazi;

9 Ahimahazi ndokubereka Azariya; Azariya ndokubereka Johwanani;

10 Johwanani ndokubereka Azariya (ndiye waibata semupristi muimba Soromoni yaakavaka paJerusarema);

11 Azariya ndokubereka Amariya; Amariya ndokubereka Ahitubhi;

12 Ahitubhi ndokubereka Zadhoki; Zadhoki ndokubereka Sharumi;

13 Sharumi ndokubereka Hirikiya; Hirikiya ndokubereka Azariya;

14 Azariya ndokubereka Seraya; Seraya ndokubereka Jehozadhaki.

15 NaJehozadhaki wakaenda Jehovha paakatapa Judha neJerusarema neruoko rwaNebhukadhinezari.

16 Vanakomana vaRevhi: Gerishomu, Kohati, naMerari.

17 Zvino awa mazita evanakomana vaGerishomu: Ribhini naShimei.

18 Nevanakomana vaKohati: Amiramu, naIzihari, naHebhuroni, naUziyeri.

19 Vanakomana vaMerari: Mahiri, naMushi. Uye idzi imhuri dzevaRevhi zvichienderana nemadzibaba avo.

20 KwaGerishomu: Ribhini mwanakomana wake, Jahati mwanakomana wake, Zima mwanakomana wake,

21 Joa mwanakomana wake, Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake, Jeaterai mwanakomana wake.

22 Vanakomana vaKohati: Aminadhabhu mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

23 Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake,

24 Tahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uziya mwanakomana wake, naShauri mwanakomana wake.

25 Nevanakomana vaErikana: Amasai, naAhimoti.

26 Erikana; vanakomana vaErikana: Zofayi mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake,

27 Eriabhu mwanakomana wake, Jerohamu mwanakomana wake, Erikana mwanakomana wake.

28 Nevanakomana vaSamueri: Dangwe Vhashini, naAbhija.

29 Vanakomana vaMerari: Mahiri, Ribhini mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,

30 Shimea mwanakomana wake, Hagiya mwanakomana wake, Asaya mwanakomana wake.

31 Uye ava ndivo Dhavhidhi vaakagadza pamusoro peshumiro yerwiyo rweimba yaJehovha, pashure pezororo reareka.

32 Uye vaishumira pamberi petabhenekari yetende rekusangana nerwiyo, kusvika Soromoni avaka imba yaJehovha paJerusarema. Zvino vakamira zvichienderana nechimiso chavo pashumiro yavo.

33 Zvino ava ndivo vaimira, nevanakomana vavo: Kuvanakomana vevaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoweri, mwanakomana waSamueri,

34 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waTowa,

35 mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai,

36 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoweri, mwanakomana waAzariya, mwanakomana waZefaniya,

37 mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora,

38 mwanakomana waIzihari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri.

39 Nemunin'ina wake Asafi, wakamira kurudyi rwake: Asafi mwanakomana waBherekiya, mwanakomana waShimea,

40 mwanakomana waMikayeri, mwanakomana waBhahaseya, mwanakomana waMarikiya,

41 mwanakomana waEtini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya,

42 mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimei,

43 mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishomu, mwanakomana waRevhi.

44 Nevanakomana vaMerari, vana vababa vavo, kuruboshwe rwavo: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki,

45 mwanakomana waHashabhiya, mwanakomana waAmaziya, mwanakomana waHirikiya,

46 mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri,

47 mwanakomana waMahiri, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.

48 Nehama dzavo vaRevhi vakaiswa pashumiro yose yetabhenekari yeimba yaMwari.

49 Asi Aroni nevanakomana vake vabaira paaritari yezvipo zvinopiswa nepaaritari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, kuitira basa rose renzvimbo tsvene yedzitsvene, nekuitira Israeri chiyananiso, zvichienderana nezvose Mozisi muranda waMwari zvaakaraira.

50 Uye ava vanakomana vaAroni: Eriazari mwanakomana wake, Pinehasi mwanakomana wake, Abhishuwa mwanakomana wake,

51 Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake, Zerahiya mwanakomana wake,

52 Merayoti mwanakomana wake, Amariya mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,

53 Zadhoki mwanakomana wake, Ahimahazi mwanakomana wake.

54 Zvino idzi dzaiva nzvimbo dzavo dzekugara pamisasa yavo pamiganhu yavo: Kuvanakomana vaAroni, vemhuri yevaKohati, nokuti mujenya waiva wavo.

55 Zvino vakapa kwavari Hebhuroni munyika yaJudha, nemafuro aro akaripoteredza.

56 Asi munda weguta nemisha yaro vakazvipa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

57 Nekuvanakomana vaAroni vakapa maguta eutiziro: Hebhuroni, neRibhina nemafuro aro, neJatiri, neEshitemowa nemafuro aro,

58 neHireni nemafuro aro, Dhebhiri nemafuro aro,

59 neAshani nemafuro aro, neBheti-Shemeshi nemafuro aro.

60 Uye kubva kurudzi rwaBhenjamini: Gebha nemafuro aro, neAremeti nemafuro aro, neAnatoti nemafuro aro. Maguta avo ose mumhuri dzavo, aiva maguta gumi nematatu.

61 Nekuvanakomana vaKohati, vakasara pamhuri yerudzi, vakabva kuhafu yerudzi, hafu yekwaManase, maguta gumi nemujenya.

62 Nekuvanakomana vaGerishomu nemhuri dzavo, kubva kurudzi rwaIsasikari, nekubva kurudzi rwaAsheri, nekubva kurudzi rwaNafutari, nekubva kurudzi rwaManase paBhashani, maguta gumi nematatu.

63 Kuvanakomana vaMerari nemhuri dzavo, kubva kurudzi rwaRubheni, nekubva kurudzi rwaGadhi, nekubva kurudzi rwaZebhuruni, maguta gumi nemaviri, nemujenya.

64 Nevana vaIsraeri vakapa kuvaRevhi maguta awa nemafuro awo.

65 Zvino vakapa maguta iwawo nemujenya kubva kurudzi rwevana vaJudha, nekubva kurudzi rwevana vaSimioni, nekubva kurudzi rwevana vaBhenjamini, avakadana nemazita.

66 Nevamwe vemhuri dzevanakomana vaKohati vaiva nemaguta pamiganhu yavo, kubva kurudzi rwaEfuremu.

67 Zvino vakapa kwavari maguta eutiziro: Shekemu panyika yemakomo aEfuremu nemafuro aro, neGezeri nemafuro aro,

68 neJokimeami nemafuro aro, neBheti-Horoni nemafuro aro,

69 neAjaroni nemafuro aro, neGati-Rimoni nemafuro aro.

70 Zvino kubva kuhafu yerudzi rwaManase: Aneri nemafuro aro, naBhiriyamu nemafuro aro, zvemhuri yevanakomana vaKohati vakasara.

71 Kuvanakomana vaGerishomu kubva pamhuri yehafu yerudzi rwaManase: Gorani paBhashani nemafuro aro, neAshitaroti nemafuro aro.

72 Uye kubva kurudzi rwaIsasikari: Kedheshi nemafuro aro, Dhabherati nemafuro aro,

73 neRamoti nemafuro aro, neAnemi nemafuro aro.

74 Nekubva kurudzi rwaAsheri: Mashari nemafuro aro, neAbhidhoni nemafuro aro,

75 neHukoki nemafuro aro, neRehobhi nemafuro aro.

76 Nekubva kurudzi rwaNafutari: Kedheshi muGariri nemafuro aro, neHamoni nemafuro aro, neKiriataimi nemafuro aro.

77 Kuvanakomana vaMerari vakasara: Kubva kurudzi rwaZebhuruni: Rimono nemafuro aro, Tabhori nemafuro aro.

78 Uye mhiri kwaJoridhani, paJeriko, kumabvazuva kwaJoridhani, kubva kurudzi rwaRubheni: Bhezeri murenje nemafuro aro, neJaza nemafuro aro,

79 neKedhemoti nemafuro aro, neMefahati nemafuro aro.

80 Nekubva kurudzi rwaGadhi: Ramoti muGiriyadhi nemafuro aro, neMahanayimu nemafuro aro,

81 neHeshibhoni nemafuro aro, neJazeri nemafuro aro.