ShonaTeam 1 Chronicles « 5 »

Vana vaRubheni

5Zvino vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri (nokuti waiva dangwe; asi sezvaakasvibisa nhovo yababa vake, udangwe hwake hwakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; uye waiva asingaverengwi sedangwe;

2 nokuti Judha waiva nesimba pavana vababa vake, uye waiva mutungamiriri wakabva kwaari; asi udangwe hwaiva hwaJosefa).

3 Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri: Hanoki, naParu, Hezironi, naKarimi.

4 Vanakomana vaJoweri: Shemaya mwanakomana wake, Gogi mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake,

5 Mika mwanakomana wake, Reaya mwanakomana wake, Bhaari mwanakomana wake,

6 Bheera mwanakomana wake, Tirigati-Pirineseri mambo weAsiriya waakatapa; iye waiva muchinda wevaRubheni.

7 Nevanin'ina vake nemhuri dzavo, pavanoverengwa nerudzi rwemazera avo: Musoro Jeyieri, naZekariya,

8 naBhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoweri, waigara paAroeri kusvikawo paNebho neBhaari-Meoni.

9 Nekumabvazuva waiva agere kusvika pakupinda parenje, kubva parwizi Furati; nokuti zvipfuwo zvavo zvaiva zvawanda panyika yeGiriyadhi.

10 Zvino mumazuva aSauro vakaita hondo nevaHagari; ivo vakawa neruoko rwavo; ivo ndokugara mumatende avo kusvika kurutivi rwose rwemabvazuva rweGiriyadhi.

Vana vaGadhi

11 Zvino vana vaGadhi vakagara pakatarisana navo panyika yeBhashani kusvika paSarika:

12 Joweri musoro, naShafani wepiri, naJahanai, naShafati muBhashani.

13 Nevanin'ina vavo veimba yemadzibaba avo: Mikayeri, naMeshuramu, naShebha, naJorai, naJakani, naZiya, naEbheri, vanomwe.

14 Ndivo vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJaroa, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMikayeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJahidho, mwanakomana waBhuzi,

15 Ahi, mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, musoro weimba yemadzibaba avo.

16 Zvino vakagara muGiriyadhi muBhashani, nemumisha yaro, nemumafuro ose eSharoni, kusvika kumiganhu yawo.

17 Ava vose vakanyorwa nemarudzi mumazuva aJotamu mambo waJudha, nemumazuva aJerobhoamu mambo waIsraeri.

18 Vanakomana vaRubheni nevaGadhi, nehafu yerudzi rwaManase, vevana veumhare, varume vanotakura chidzitiro nemunondo, nekupwanya uta, uye nyanzvi pahondo, zvuru makumi mana nezvina nemazana manomwe nemakumi matanhatu, vaibudira kuhondo.

19 Zvino vakaita hondo nevaHagari, naJeturi, naNafishi, naNodhabhu.

20 Zvino vakabatsirwa kuvarwisa, vaHagari ndokupiwa muruoko rwavo, nevose vaiva navo; nokuti vakachema kuna Mwari pahondo, iye akanyengetedzeka navo; nokuti vaitenda kwaari.

21 Zvino vakatapa zvipfuwo zvavo, makamera avo zvuru makumi mashanu, nemakwai zvuru mazana maviri nemakumi mashanu, nembongoro zvuru zviviri, nemweya yeupenyu yevanhu zvuru zana.

22 Nokuti kwakawa vazhinji vakaurawa, nokuti hondo ndeyaMwari. Ivo ndokugara pachinzvimbo chavo kusvika pakutapwa.

Vana vehafu yerudzi rwaManase

23 Zvino vana vehafu yerudzi rwaManase vakagara panyika iyo; ivo vakawanda kubva paBhashani kusvika paBhaari-Herimoni neSeniri negomo reHerimoni.

24 Zvino ava misoro yeimba yemadzibaba avo, ivo Eferi, naIshi, naErieri, naAzirieri, naJeremiya, naHodhavhia, naJahidhieri, varume vesimba neumhare, vanhu vaiva nemukurumbira, misoro yeimba yemadzibaba avo.

25 Asi vakazotadzira Mwari wemadzibaba avo, vakafeva kutevera vamwari vevanhu venyika iyo, Mwari vaaiva aparadza pamberi pavo.

26 Mwari waIsraeri ndokumutsa mweya waPuri mambo weAsiriya, nemweya waTirigati-Pirineseri mambo weAsiriya; ndokuvatapa, ivo vaRubheni, nevaGadhi, nehafu yerudzi rwaManase, ndokuvaisa kuHaraha, neHabhori, neHara, nekurwizi Gozani kusvika nhasi.