ShonaTeam 1 Chronicles « 4 »

Vamwe vana vaJudha

4Vanakomana vaJudha: Perezi, Hezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari.

2 Zvino Reaya mwanakomana waShobhari wakabereka Jahati; Jahati ndokubereka Ahumai naRahadhi. Idzi imhuri dzevaZorati.

3 Ava vaiva vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo raiva Hazereriponi;

4 naPenueri baba vaGedhori; naEzeri baba vaHusha. Ava vanakomana vaHuri, dangwe raEfurata, baba vaBheterehemu.

5 Zvino Ashuri baba vaTekowa waiva nevakadzi vaviri: Hera naNahara.

6 Nahara ndokumuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ava vaiva vanakomana vaNahara.

7 Nevanakomana vaHera: Zereti, naZohari, naEtinani.

8 Kozi ndokubereka Anubhi, naZobhebha, nemhuri dzaAhariheri mwanakomana waHarumi.

9 Zvino Jabhezi wakakudzwa kukunda vanin'ina vake; mai vake ndokutumidza zita rake Jabhezi, vachiti: Nokuti ndakamubereka mukurwadziwa.

10 Zvino Jabhezi wakadana kuna Mwari waIsraeri, achiti: Dai mandiropafadza zvekundiropafadza, uye mukurise muganhu wangu, uye kuti ruoko rwenyu rwuve neni, uye mundichengete pane chakaipa, kuti musandirwadzisa! Mwari ndokuuisa zvaakakumbira.

11 Zvino Kerubhi munin'ina waShuha wakabereka Mehiri; ari baba vaEshitoni.

12 Eshitoni ndokubereka Bhetirafa, naPasea, naTehina baba vaIrinahashi. Ava varume vaReka.

13 Zvino vanakomana vaKenazi: Otiniyeri, naSeraya. Nevanakomana vaOtiniyeri: Hatati.

14 Meonotai ndokubereka Ofira; Seraya ndokubereka Joabhu baba vemupata weHarashi; nokuti vaiva mhizha.

15 Nevanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune: Iru, Era, naNahamu. Nevanakomana vaEra: Iye Kenazi.

16 Nevanakomana vaJeharereri: Zifi, naZifa, Tiria, naAsareri.

17 Nevanakomana vaEzira: Jeteri, naMeredhi, naEferi, naJaroni. Iye ndokubereka Miriamu, naShamai, naIshebha baba vaEshitemowa.

18 Mukadzi wake mukadzi muJudha ndokubereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanowa. Zvino ava vanakomana vaBhitia mukunda waFarao Meredhi waaiva atora.

19 Zvino vanakomana vemukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu, baba vaKeira muGarimu, naEshitemowa muMahakati.

20 Nevanakomana vaShimoni: Amunoni, naRina, Bhenihanani, naTironi. Nevanakomana vaIshi: Zoheti naBheni-Zoheti.

21 Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha: Eri baba vaReka, naRahadha baba vaMaresha, nemhuri dzeimba yevaiti vebasa remucheka wakaisvonaka, veimba yaAshibheya;

22 naJokimi, nevarume veKozebha, naJoashi, naSarafi, vaitonga pamusoro paMoabhu, naJashubhi-Rehemi. Mashoko awa ndeekare.

23 Ava vaiva vaumbi, nevagari vepazvirimwa neparuzhowa rwemakwenzi; vakagarapo namambo pabasa rake.

Vana vaSimioni

24 Vanakomana vaSimioni: Nemueri, naJamini, Jaribhi, Zera, Shauri.

25 Sharumu mwanakomana wake; Mibhisami mwanakomana wake; Mishima mwanakomana wake.

26 Nevanakomana vaMishima: Hamueri mwanakomana wake; Zakuri mwanakomana wake; Shimei mwanakomana wake.

27 Zvino Shimei waiva nevanakomana gumi nevatanhatu nevakunda vatanhatu; asi vanin'ina vake vaiva vasina vana vazhinji; uye mhuri yavo yose haina kuwanda sevana vaJudha.

28 Zvino vakagara paBheeri-Shebha, neMoradha, neHazari-Shuari,

29 nepaBhiriha, nepaEzemu, nepaToradhi,

30 nepaBhetueri, nepaHorima, nepaZikiragi,

31 nepaBheti-Marikabhoti, nepaHazari-Susimi, nepaBheti-Bhirei, nepaShaharaimi. Awa aiva maguta avo kusvika pakutonga kwaDhavhidhi.

32 Nemisha yavo yaiva Etami, neAini, Rimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu;

33 nemisha yavo yose yakapoteredza maguta iwawo kusvika paBhaari. Ndidzo dzaiva nzvimbo dzavo dzekugara, uye vakava nerudzi rwavo.

34 NaMeshobhabhu, naJamireki, naJosha mwanakomana waAmaziya,

35 naJoweri, naJehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri,

36 naErioenai, naJahakobha, naJeshohaya, naAsaya, naAdhieri, naJesimieri, naBhenaya,

37 naZiza, mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni, mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya;

38 ava vakarehwa nemazita, vaiva machinda mumhuri dzavo; neimba yemadzibaba avo ikawanda kwazvo.

39 Zvino vakaenda panopinda paGedhori kusvika kumabvazuva kwemupata kutsvakira makwai avo ufuro.

40 Zvino vakawana ufuro hwakakora uye hwakanaka, uye nyika yakafaranuka kumativi uye yakanyarara uye ine rugare; nokuti vekwaHamu vaigarapo kare.

41 Zvino ava vakanyorwa nemazita vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, ndokurova matende avo uye nzvimbo dzekugara dzakawanikwapo, ndokuvaparadza chose kusvika nhasi, ndokugara panzvimbo yavo, nokuti ufuro hwemakwai hwaivapo.

42 Zvino kwavari, pavanakomana vaSimioni, kwakabuda varume mazana mashanu vakaenda kugomo reSeiri, naPeratia, naNeyaria, naRefaya, naUziyeri, vanakomana vaIshi vave misoro yavo.

43 Zvino vakarova vakasara vakapukunyuka vevaAmareki, ndokugarapo kusvika zuva ranhasi.